1 Samuel 12 (BOSCB)

1 Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu. 2 Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi. 3 Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.” 4 Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.” 5 Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.”Vakati, “Ndiye chapupu.” 6 Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti. 7 Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu. 8 “Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino. 9 “Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa. 10 Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’ 11 Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka. 12 “Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu. 13 Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu. 14 Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka! 15 Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu. 16 “Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu! 17 Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.” 18 Ipapo Samueri akadana kuna Jehovha uye, nomusi iwoyo, Jehovha akatuma kutinhira nemvura, nokudaro vanhu vose vakamira vakatya Jehovha naSamueri. 19 Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu kuti tirege kufa, nokuti pamusoro pezvimwe zvivi zvedu takawedzera chivi chokukumbira mambo.” 20 Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose. 21 Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina maturo. Hazvina chakanaka chazvingakuitirai, kana kukununurai, nokuti hazvina maturo. 22 Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake. 23 Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama. 24 Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. 25 Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.”

In Other Versions

1 Samuel 12 in the ANGEFD

1 Samuel 12 in the ANTPNG2D

1 Samuel 12 in the AS21

1 Samuel 12 in the BAGH

1 Samuel 12 in the BBPNG

1 Samuel 12 in the BBT1E

1 Samuel 12 in the BDS

1 Samuel 12 in the BEV

1 Samuel 12 in the BHAD

1 Samuel 12 in the BIB

1 Samuel 12 in the BLPT

1 Samuel 12 in the BNT

1 Samuel 12 in the BNTABOOT

1 Samuel 12 in the BNTLV

1 Samuel 12 in the BOATCB

1 Samuel 12 in the BOATCB2

1 Samuel 12 in the BOBCV

1 Samuel 12 in the BOCNT

1 Samuel 12 in the BOECS

1 Samuel 12 in the BOGWICC

1 Samuel 12 in the BOHCB

1 Samuel 12 in the BOHCV

1 Samuel 12 in the BOHLNT

1 Samuel 12 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 12 in the BOICB

1 Samuel 12 in the BOILNTAP

1 Samuel 12 in the BOITCV

1 Samuel 12 in the BOKCV

1 Samuel 12 in the BOKCV2

1 Samuel 12 in the BOKHWOG

1 Samuel 12 in the BOKSSV

1 Samuel 12 in the BOLCB

1 Samuel 12 in the BOLCB2

1 Samuel 12 in the BOMCV

1 Samuel 12 in the BONAV

1 Samuel 12 in the BONCB

1 Samuel 12 in the BONLT

1 Samuel 12 in the BONUT2

1 Samuel 12 in the BOPLNT

1 Samuel 12 in the BOSNC

1 Samuel 12 in the BOTLNT

1 Samuel 12 in the BOVCB

1 Samuel 12 in the BOYCB

1 Samuel 12 in the BPBB

1 Samuel 12 in the BPH

1 Samuel 12 in the BSB

1 Samuel 12 in the CCB

1 Samuel 12 in the CUV

1 Samuel 12 in the CUVS

1 Samuel 12 in the DBT

1 Samuel 12 in the DGDNT

1 Samuel 12 in the DHNT

1 Samuel 12 in the DNT

1 Samuel 12 in the ELBE

1 Samuel 12 in the EMTV

1 Samuel 12 in the ESV

1 Samuel 12 in the FBV

1 Samuel 12 in the FEB

1 Samuel 12 in the GGMNT

1 Samuel 12 in the GNT

1 Samuel 12 in the HARY

1 Samuel 12 in the HNT

1 Samuel 12 in the IRVA

1 Samuel 12 in the IRVB

1 Samuel 12 in the IRVG

1 Samuel 12 in the IRVH

1 Samuel 12 in the IRVK

1 Samuel 12 in the IRVM

1 Samuel 12 in the IRVM2

1 Samuel 12 in the IRVO

1 Samuel 12 in the IRVP

1 Samuel 12 in the IRVT

1 Samuel 12 in the IRVT2

1 Samuel 12 in the IRVU

1 Samuel 12 in the ISVN

1 Samuel 12 in the JSNT

1 Samuel 12 in the KAPI

1 Samuel 12 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 12 in the KBV

1 Samuel 12 in the KJV

1 Samuel 12 in the KNFD

1 Samuel 12 in the LBA

1 Samuel 12 in the LBLA

1 Samuel 12 in the LNT

1 Samuel 12 in the LSV

1 Samuel 12 in the MAAL

1 Samuel 12 in the MBV

1 Samuel 12 in the MBV2

1 Samuel 12 in the MHNT

1 Samuel 12 in the MKNFD

1 Samuel 12 in the MNG

1 Samuel 12 in the MNT

1 Samuel 12 in the MNT2

1 Samuel 12 in the MRS1T

1 Samuel 12 in the NAA

1 Samuel 12 in the NASB

1 Samuel 12 in the NBLA

1 Samuel 12 in the NBS

1 Samuel 12 in the NBVTP

1 Samuel 12 in the NET2

1 Samuel 12 in the NIV11

1 Samuel 12 in the NNT

1 Samuel 12 in the NNT2

1 Samuel 12 in the NNT3

1 Samuel 12 in the PDDPT

1 Samuel 12 in the PFNT

1 Samuel 12 in the RMNT

1 Samuel 12 in the SBIAS

1 Samuel 12 in the SBIBS

1 Samuel 12 in the SBIBS2

1 Samuel 12 in the SBICS

1 Samuel 12 in the SBIDS

1 Samuel 12 in the SBIGS

1 Samuel 12 in the SBIHS

1 Samuel 12 in the SBIIS

1 Samuel 12 in the SBIIS2

1 Samuel 12 in the SBIIS3

1 Samuel 12 in the SBIKS

1 Samuel 12 in the SBIKS2

1 Samuel 12 in the SBIMS

1 Samuel 12 in the SBIOS

1 Samuel 12 in the SBIPS

1 Samuel 12 in the SBISS

1 Samuel 12 in the SBITS

1 Samuel 12 in the SBITS2

1 Samuel 12 in the SBITS3

1 Samuel 12 in the SBITS4

1 Samuel 12 in the SBIUS

1 Samuel 12 in the SBIVS

1 Samuel 12 in the SBT

1 Samuel 12 in the SBT1E

1 Samuel 12 in the SCHL

1 Samuel 12 in the SNT

1 Samuel 12 in the SUSU

1 Samuel 12 in the SUSU2

1 Samuel 12 in the SYNO

1 Samuel 12 in the TBIAOTANT

1 Samuel 12 in the TBT1E

1 Samuel 12 in the TBT1E2

1 Samuel 12 in the TFTIP

1 Samuel 12 in the TFTU

1 Samuel 12 in the TGNTATF3T

1 Samuel 12 in the THAI

1 Samuel 12 in the TNFD

1 Samuel 12 in the TNT

1 Samuel 12 in the TNTIK

1 Samuel 12 in the TNTIL

1 Samuel 12 in the TNTIN

1 Samuel 12 in the TNTIP

1 Samuel 12 in the TNTIZ

1 Samuel 12 in the TOMA

1 Samuel 12 in the TTENT

1 Samuel 12 in the UBG

1 Samuel 12 in the UGV

1 Samuel 12 in the UGV2

1 Samuel 12 in the UGV3

1 Samuel 12 in the VBL

1 Samuel 12 in the VDCC

1 Samuel 12 in the YALU

1 Samuel 12 in the YAPE

1 Samuel 12 in the YBVTP

1 Samuel 12 in the ZBP