1 Thessalonians 5 (BOSCB)
1 Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, 2 nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. 3 Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki. 4 Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. 5 Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima. 6 Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora. 7 Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku. 8 Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani. 9 Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. 10 Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye. 11 Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino. 12 Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai. 13 Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. 14 Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. 15 Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose. 16 Farai nguva dzose; 17 rambai muchinyengetera; 18 vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. 19 Musadzima moto woMweya; 20 musazvidza zviprofita. 21 Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. 22 Regai zvakaipa zvose. 23 Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 24 Iye anokudanai akatendeka uye achazviita. 25 Hama, tinyengeterereiwo. 26 Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene. 27 Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose. 28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
In Other Versions
1 Thessalonians 5 in the ANGEFD
1 Thessalonians 5 in the ANTPNG2D
1 Thessalonians 5 in the BBPNG
1 Thessalonians 5 in the BBT1E
1 Thessalonians 5 in the BNTABOOT
1 Thessalonians 5 in the BNTLV
1 Thessalonians 5 in the BOATCB
1 Thessalonians 5 in the BOATCB2
1 Thessalonians 5 in the BOBCV
1 Thessalonians 5 in the BOCNT
1 Thessalonians 5 in the BOECS
1 Thessalonians 5 in the BOGWICC
1 Thessalonians 5 in the BOHCB
1 Thessalonians 5 in the BOHCV
1 Thessalonians 5 in the BOHLNT
1 Thessalonians 5 in the BOHNTLTAL
1 Thessalonians 5 in the BOICB
1 Thessalonians 5 in the BOILNTAP
1 Thessalonians 5 in the BOITCV
1 Thessalonians 5 in the BOKCV
1 Thessalonians 5 in the BOKCV2
1 Thessalonians 5 in the BOKHWOG
1 Thessalonians 5 in the BOKSSV
1 Thessalonians 5 in the BOLCB
1 Thessalonians 5 in the BOLCB2
1 Thessalonians 5 in the BOMCV
1 Thessalonians 5 in the BONAV
1 Thessalonians 5 in the BONCB
1 Thessalonians 5 in the BONLT
1 Thessalonians 5 in the BONUT2
1 Thessalonians 5 in the BOPLNT
1 Thessalonians 5 in the BOSNC
1 Thessalonians 5 in the BOTLNT
1 Thessalonians 5 in the BOVCB
1 Thessalonians 5 in the BOYCB
1 Thessalonians 5 in the DGDNT
1 Thessalonians 5 in the GGMNT
1 Thessalonians 5 in the IRVM2
1 Thessalonians 5 in the IRVT2
1 Thessalonians 5 in the KBT1ETNIK
1 Thessalonians 5 in the MKNFD
1 Thessalonians 5 in the MRS1T
1 Thessalonians 5 in the NBVTP
1 Thessalonians 5 in the NIV11
1 Thessalonians 5 in the PDDPT
1 Thessalonians 5 in the SBIAS
1 Thessalonians 5 in the SBIBS
1 Thessalonians 5 in the SBIBS2
1 Thessalonians 5 in the SBICS
1 Thessalonians 5 in the SBIDS
1 Thessalonians 5 in the SBIGS
1 Thessalonians 5 in the SBIHS
1 Thessalonians 5 in the SBIIS
1 Thessalonians 5 in the SBIIS2
1 Thessalonians 5 in the SBIIS3
1 Thessalonians 5 in the SBIKS
1 Thessalonians 5 in the SBIKS2
1 Thessalonians 5 in the SBIMS
1 Thessalonians 5 in the SBIOS
1 Thessalonians 5 in the SBIPS
1 Thessalonians 5 in the SBISS
1 Thessalonians 5 in the SBITS
1 Thessalonians 5 in the SBITS2
1 Thessalonians 5 in the SBITS3
1 Thessalonians 5 in the SBITS4
1 Thessalonians 5 in the SBIUS
1 Thessalonians 5 in the SBIVS
1 Thessalonians 5 in the SBT1E
1 Thessalonians 5 in the SUSU2
1 Thessalonians 5 in the TBIAOTANT
1 Thessalonians 5 in the TBT1E
1 Thessalonians 5 in the TBT1E2
1 Thessalonians 5 in the TFTIP
1 Thessalonians 5 in the TGNTATF3T
1 Thessalonians 5 in the TNTIK
1 Thessalonians 5 in the TNTIL
1 Thessalonians 5 in the TNTIN
1 Thessalonians 5 in the TNTIP
1 Thessalonians 5 in the TNTIZ
1 Thessalonians 5 in the TTENT