Deuteronomy 29 (BOSCB)

1 Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhi. 2 Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari: Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose. 3 Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru. 4 Asi kusvikira nanhasi Jehovha haana kukupai pfungwa dzokunzwisisa kana meso okuona kana nzeve dzokunzwa. 5 Pamakore makumi mana andakakutungamirirai nomurenje, nguo dzenyu hadzina kusakara, kunyange neshangu dzenyu dzamaiva makapfeka. 6 Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu. 7 Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda. 8 Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo. 9 Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita. 10 Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri, 11 pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu uye vanokukuchererai mvura. 12 Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko, 13 kuti akusimbisei nhasi savanhu vake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho. 14 Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete, 15 imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi. 16 Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano. 17 Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe. 18 Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro. 19 Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma. 20 Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga. 21 Jehovha achamutsaura iye ari oga kubva pamarudzi ose eIsraeri kuti amuise panjodzi, maererano nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri romurayiro. 22 Vana venyu, ivo zvizvarwa zvichazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha. 23 Nyika yose inenge ichitsva nokuparadzwa nomunyu nesafuri, pasina zvakadyarwa, pasina zvinomeramo, pasina uswa nemiti zvinokuramo. Zvichaita sokuparadzwa kweSodhomu neGomora kana kuparadzwa kweAdhama neZebhoimi, idzo Jehovha akaparadza mukutsamwa kwake kunotyisa. 24 Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?” 25 Zvino mhinduro yacho ichava yokuti, “Nemhaka yokuti vanhu vake vakasiya sungano yaJehovha, iye Mwari wamadzibaba avo, sungano yaakaita navo paakavabudisa kubva muIjipiti. 26 Vakabva vakaenda vakandonamata vamwe vamwari uye vakavapfugamira, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vaakanga asina kuvapa. 27 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri. 28 Mukutsamwa kunotyisa nehasha huru Jehovha akavadzura kubva munyika yavo akavarasira kune imwe nyika sezvazvakaita iye zvino.” 29 Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu.

In Other Versions

Deuteronomy 29 in the ANGEFD

Deuteronomy 29 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 29 in the AS21

Deuteronomy 29 in the BAGH

Deuteronomy 29 in the BBPNG

Deuteronomy 29 in the BBT1E

Deuteronomy 29 in the BDS

Deuteronomy 29 in the BEV

Deuteronomy 29 in the BHAD

Deuteronomy 29 in the BIB

Deuteronomy 29 in the BLPT

Deuteronomy 29 in the BNT

Deuteronomy 29 in the BNTABOOT

Deuteronomy 29 in the BNTLV

Deuteronomy 29 in the BOATCB

Deuteronomy 29 in the BOATCB2

Deuteronomy 29 in the BOBCV

Deuteronomy 29 in the BOCNT

Deuteronomy 29 in the BOECS

Deuteronomy 29 in the BOGWICC

Deuteronomy 29 in the BOHCB

Deuteronomy 29 in the BOHCV

Deuteronomy 29 in the BOHLNT

Deuteronomy 29 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 29 in the BOICB

Deuteronomy 29 in the BOILNTAP

Deuteronomy 29 in the BOITCV

Deuteronomy 29 in the BOKCV

Deuteronomy 29 in the BOKCV2

Deuteronomy 29 in the BOKHWOG

Deuteronomy 29 in the BOKSSV

Deuteronomy 29 in the BOLCB

Deuteronomy 29 in the BOLCB2

Deuteronomy 29 in the BOMCV

Deuteronomy 29 in the BONAV

Deuteronomy 29 in the BONCB

Deuteronomy 29 in the BONLT

Deuteronomy 29 in the BONUT2

Deuteronomy 29 in the BOPLNT

Deuteronomy 29 in the BOSNC

Deuteronomy 29 in the BOTLNT

Deuteronomy 29 in the BOVCB

Deuteronomy 29 in the BOYCB

Deuteronomy 29 in the BPBB

Deuteronomy 29 in the BPH

Deuteronomy 29 in the BSB

Deuteronomy 29 in the CCB

Deuteronomy 29 in the CUV

Deuteronomy 29 in the CUVS

Deuteronomy 29 in the DBT

Deuteronomy 29 in the DGDNT

Deuteronomy 29 in the DHNT

Deuteronomy 29 in the DNT

Deuteronomy 29 in the ELBE

Deuteronomy 29 in the EMTV

Deuteronomy 29 in the ESV

Deuteronomy 29 in the FBV

Deuteronomy 29 in the FEB

Deuteronomy 29 in the GGMNT

Deuteronomy 29 in the GNT

Deuteronomy 29 in the HARY

Deuteronomy 29 in the HNT

Deuteronomy 29 in the IRVA

Deuteronomy 29 in the IRVB

Deuteronomy 29 in the IRVG

Deuteronomy 29 in the IRVH

Deuteronomy 29 in the IRVK

Deuteronomy 29 in the IRVM

Deuteronomy 29 in the IRVM2

Deuteronomy 29 in the IRVO

Deuteronomy 29 in the IRVP

Deuteronomy 29 in the IRVT

Deuteronomy 29 in the IRVT2

Deuteronomy 29 in the IRVU

Deuteronomy 29 in the ISVN

Deuteronomy 29 in the JSNT

Deuteronomy 29 in the KAPI

Deuteronomy 29 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 29 in the KBV

Deuteronomy 29 in the KJV

Deuteronomy 29 in the KNFD

Deuteronomy 29 in the LBA

Deuteronomy 29 in the LBLA

Deuteronomy 29 in the LNT

Deuteronomy 29 in the LSV

Deuteronomy 29 in the MAAL

Deuteronomy 29 in the MBV

Deuteronomy 29 in the MBV2

Deuteronomy 29 in the MHNT

Deuteronomy 29 in the MKNFD

Deuteronomy 29 in the MNG

Deuteronomy 29 in the MNT

Deuteronomy 29 in the MNT2

Deuteronomy 29 in the MRS1T

Deuteronomy 29 in the NAA

Deuteronomy 29 in the NASB

Deuteronomy 29 in the NBLA

Deuteronomy 29 in the NBS

Deuteronomy 29 in the NBVTP

Deuteronomy 29 in the NET2

Deuteronomy 29 in the NIV11

Deuteronomy 29 in the NNT

Deuteronomy 29 in the NNT2

Deuteronomy 29 in the NNT3

Deuteronomy 29 in the PDDPT

Deuteronomy 29 in the PFNT

Deuteronomy 29 in the RMNT

Deuteronomy 29 in the SBIAS

Deuteronomy 29 in the SBIBS

Deuteronomy 29 in the SBIBS2

Deuteronomy 29 in the SBICS

Deuteronomy 29 in the SBIDS

Deuteronomy 29 in the SBIGS

Deuteronomy 29 in the SBIHS

Deuteronomy 29 in the SBIIS

Deuteronomy 29 in the SBIIS2

Deuteronomy 29 in the SBIIS3

Deuteronomy 29 in the SBIKS

Deuteronomy 29 in the SBIKS2

Deuteronomy 29 in the SBIMS

Deuteronomy 29 in the SBIOS

Deuteronomy 29 in the SBIPS

Deuteronomy 29 in the SBISS

Deuteronomy 29 in the SBITS

Deuteronomy 29 in the SBITS2

Deuteronomy 29 in the SBITS3

Deuteronomy 29 in the SBITS4

Deuteronomy 29 in the SBIUS

Deuteronomy 29 in the SBIVS

Deuteronomy 29 in the SBT

Deuteronomy 29 in the SBT1E

Deuteronomy 29 in the SCHL

Deuteronomy 29 in the SNT

Deuteronomy 29 in the SUSU

Deuteronomy 29 in the SUSU2

Deuteronomy 29 in the SYNO

Deuteronomy 29 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 29 in the TBT1E

Deuteronomy 29 in the TBT1E2

Deuteronomy 29 in the TFTIP

Deuteronomy 29 in the TFTU

Deuteronomy 29 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 29 in the THAI

Deuteronomy 29 in the TNFD

Deuteronomy 29 in the TNT

Deuteronomy 29 in the TNTIK

Deuteronomy 29 in the TNTIL

Deuteronomy 29 in the TNTIN

Deuteronomy 29 in the TNTIP

Deuteronomy 29 in the TNTIZ

Deuteronomy 29 in the TOMA

Deuteronomy 29 in the TTENT

Deuteronomy 29 in the UBG

Deuteronomy 29 in the UGV

Deuteronomy 29 in the UGV2

Deuteronomy 29 in the UGV3

Deuteronomy 29 in the VBL

Deuteronomy 29 in the VDCC

Deuteronomy 29 in the YALU

Deuteronomy 29 in the YAPE

Deuteronomy 29 in the YBVTP

Deuteronomy 29 in the ZBP