Deuteronomy 32 (BOSCB)

1 Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura;inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu. 2 Regai dzidziso yangu inaye semvurauye mashoko angu ayerere sedova,sokupfunha pauswa hunyoro,semvura zhinji papfumvudza nyoro. 3 Ndichaparidza zita raJehovha.Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu! 4 Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana,uye nzira dzake dzakarurama.Mwari akatendeka asina chaanotadza,akarurama uye ndowezvokwadi. 5 Vakaita zvakaipa kwaari;vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake,asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama, 6 Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here,imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera?Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here,akakuitai nokukuumbai? 7 Rangarira mazuva akare;ufunge marudzi akare kare.Ubvunze baba vako, uye vachakuudza,vakuru vako vachakutsanangurira. 8 Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka,nguva yaakakamura marudzi ose,akaisira vanhu miganhu,zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri. 9 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake,Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa. 10 Akamuwana munyika yomurenje,musina chinhu, munotyisa.Akamudzivirira uye akamuchengeta;akamuchengetedza semboni yeziso rake, 11 segondo rinogadziridza dendereraro nokuengerera pamusoro pavana varo,rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe,rovabereka pamapapiro aro. 12 Jehovha oga ndiye akamutungamirira;kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye. 13 Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyikauye akamupa zvibereko zveminda kuti adye.Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo,uye namafuta akabva padombo romusarasara, 14 noruomba nomukaka kubva pamombe namakwaiuye namakwayana nembudzi zvakakodzwa,namakondobwe akaisvonaka eBhashani,netsanga dzakanakisisa dzegorosi.Akanwa furo reropa ramazambiringa. 15 Jeshuruni akazokora uye akapfura;aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta.Akasiya Mwari akamuitauye akaramba Ibwe, Muponesi wake. 16 Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumweuye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza. 17 Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari,vamwari vavakanga vasingazivi,vamwari vatsva vakanga vachangomuka,vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu. 18 Wakasiya Ibwe rakakubereka;wakakanganwa Mwari akakubereka. 19 Jehovha akaona izvi akavarambanokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake. 20 “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,“tigoona kuti magumo avo achazodii;nokuti rudzi rwakatsauka,vana vasina kutendeka. 21 Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari,vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo.Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu;ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi. 22 Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu,idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu.Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayouye dzichapisa nheyo dzamakomo. 23 “Ndichatutira njodzi pamusoro pavouye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura. 24 Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo,nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa;ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari,uturu hwenyoka dzomuguruva. 25 Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose;mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa.Majaya nemhandara vachaparadzwa,vacheche navatana vachaparadzwawo. 26 Ndakati ndichavaparadzirandigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi, 27 asi ndakazotya kutuka kwomuvengi,kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti,‘Ruoko rwedu rwatikundisa;haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ” 28 Nokuti ivo rudzi rusina mano,havagoni kunzvera pakati pavo. 29 Dai chete vakanga vakachenjerauye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei! 30 Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu,kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei,kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa,kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo? 31 Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu,sezvinofungwa navavengi vedu. 32 Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomunokuminda yeGomora.Mazambiringa avo azere nomuchetura,uye masumbu avo azere nokuvava. 33 Waini yavo uturu hwenyoka,uturu hwakaipisisa hwemhakure. 34 “Ko, handina kuchengeta izvi here,uye ndikazvipfigira mumatura angu? 35 Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva.Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka;zuva renjodzi yavo rava pedyouye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.” 36 Jehovha achatonga vanhu vakeuye achanzwira tsitsi varanda vake,paanoona simba ravo raperauye pasina asara, akatapwa kana asina. 37 Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko,dombo ravakahwanda mariri, 38 vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavonokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa?Ngavasimuke kuti vakubatsirei!Ngavakupei pokuvanda! 39 “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye!Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu,ndinouraya uye ndinopa upenyu,ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu. 40 Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti:Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi, 41 kana ndichirodza munondo wangu unopenyauye ruoko rwangu rwaubata mukutonga,ndichatsiva kuvavengi vanguuye ndigotsiva vaya vanondivenga. 42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo,uye munondo wangu uchadya nyama:ropa revakaurayiwa nevatapwa,nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.” 43 Farai, imi ndudzi, navanhu vake,nokuti achatsiva ropa ravaranda vake;achatsiva kuvavengi vakeagoyananisira nyika yake navanhu vake. 44 Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa. 45 Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose, 46 akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu. 47 Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.” 48 Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati, 49 “Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo. 50 Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake. 51 Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri. 52 Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”

In Other Versions

Deuteronomy 32 in the ANGEFD

Deuteronomy 32 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 32 in the AS21

Deuteronomy 32 in the BAGH

Deuteronomy 32 in the BBPNG

Deuteronomy 32 in the BBT1E

Deuteronomy 32 in the BDS

Deuteronomy 32 in the BEV

Deuteronomy 32 in the BHAD

Deuteronomy 32 in the BIB

Deuteronomy 32 in the BLPT

Deuteronomy 32 in the BNT

Deuteronomy 32 in the BNTABOOT

Deuteronomy 32 in the BNTLV

Deuteronomy 32 in the BOATCB

Deuteronomy 32 in the BOATCB2

Deuteronomy 32 in the BOBCV

Deuteronomy 32 in the BOCNT

Deuteronomy 32 in the BOECS

Deuteronomy 32 in the BOGWICC

Deuteronomy 32 in the BOHCB

Deuteronomy 32 in the BOHCV

Deuteronomy 32 in the BOHLNT

Deuteronomy 32 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 32 in the BOICB

Deuteronomy 32 in the BOILNTAP

Deuteronomy 32 in the BOITCV

Deuteronomy 32 in the BOKCV

Deuteronomy 32 in the BOKCV2

Deuteronomy 32 in the BOKHWOG

Deuteronomy 32 in the BOKSSV

Deuteronomy 32 in the BOLCB

Deuteronomy 32 in the BOLCB2

Deuteronomy 32 in the BOMCV

Deuteronomy 32 in the BONAV

Deuteronomy 32 in the BONCB

Deuteronomy 32 in the BONLT

Deuteronomy 32 in the BONUT2

Deuteronomy 32 in the BOPLNT

Deuteronomy 32 in the BOSNC

Deuteronomy 32 in the BOTLNT

Deuteronomy 32 in the BOVCB

Deuteronomy 32 in the BOYCB

Deuteronomy 32 in the BPBB

Deuteronomy 32 in the BPH

Deuteronomy 32 in the BSB

Deuteronomy 32 in the CCB

Deuteronomy 32 in the CUV

Deuteronomy 32 in the CUVS

Deuteronomy 32 in the DBT

Deuteronomy 32 in the DGDNT

Deuteronomy 32 in the DHNT

Deuteronomy 32 in the DNT

Deuteronomy 32 in the ELBE

Deuteronomy 32 in the EMTV

Deuteronomy 32 in the ESV

Deuteronomy 32 in the FBV

Deuteronomy 32 in the FEB

Deuteronomy 32 in the GGMNT

Deuteronomy 32 in the GNT

Deuteronomy 32 in the HARY

Deuteronomy 32 in the HNT

Deuteronomy 32 in the IRVA

Deuteronomy 32 in the IRVB

Deuteronomy 32 in the IRVG

Deuteronomy 32 in the IRVH

Deuteronomy 32 in the IRVK

Deuteronomy 32 in the IRVM

Deuteronomy 32 in the IRVM2

Deuteronomy 32 in the IRVO

Deuteronomy 32 in the IRVP

Deuteronomy 32 in the IRVT

Deuteronomy 32 in the IRVT2

Deuteronomy 32 in the IRVU

Deuteronomy 32 in the ISVN

Deuteronomy 32 in the JSNT

Deuteronomy 32 in the KAPI

Deuteronomy 32 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 32 in the KBV

Deuteronomy 32 in the KJV

Deuteronomy 32 in the KNFD

Deuteronomy 32 in the LBA

Deuteronomy 32 in the LBLA

Deuteronomy 32 in the LNT

Deuteronomy 32 in the LSV

Deuteronomy 32 in the MAAL

Deuteronomy 32 in the MBV

Deuteronomy 32 in the MBV2

Deuteronomy 32 in the MHNT

Deuteronomy 32 in the MKNFD

Deuteronomy 32 in the MNG

Deuteronomy 32 in the MNT

Deuteronomy 32 in the MNT2

Deuteronomy 32 in the MRS1T

Deuteronomy 32 in the NAA

Deuteronomy 32 in the NASB

Deuteronomy 32 in the NBLA

Deuteronomy 32 in the NBS

Deuteronomy 32 in the NBVTP

Deuteronomy 32 in the NET2

Deuteronomy 32 in the NIV11

Deuteronomy 32 in the NNT

Deuteronomy 32 in the NNT2

Deuteronomy 32 in the NNT3

Deuteronomy 32 in the PDDPT

Deuteronomy 32 in the PFNT

Deuteronomy 32 in the RMNT

Deuteronomy 32 in the SBIAS

Deuteronomy 32 in the SBIBS

Deuteronomy 32 in the SBIBS2

Deuteronomy 32 in the SBICS

Deuteronomy 32 in the SBIDS

Deuteronomy 32 in the SBIGS

Deuteronomy 32 in the SBIHS

Deuteronomy 32 in the SBIIS

Deuteronomy 32 in the SBIIS2

Deuteronomy 32 in the SBIIS3

Deuteronomy 32 in the SBIKS

Deuteronomy 32 in the SBIKS2

Deuteronomy 32 in the SBIMS

Deuteronomy 32 in the SBIOS

Deuteronomy 32 in the SBIPS

Deuteronomy 32 in the SBISS

Deuteronomy 32 in the SBITS

Deuteronomy 32 in the SBITS2

Deuteronomy 32 in the SBITS3

Deuteronomy 32 in the SBITS4

Deuteronomy 32 in the SBIUS

Deuteronomy 32 in the SBIVS

Deuteronomy 32 in the SBT

Deuteronomy 32 in the SBT1E

Deuteronomy 32 in the SCHL

Deuteronomy 32 in the SNT

Deuteronomy 32 in the SUSU

Deuteronomy 32 in the SUSU2

Deuteronomy 32 in the SYNO

Deuteronomy 32 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 32 in the TBT1E

Deuteronomy 32 in the TBT1E2

Deuteronomy 32 in the TFTIP

Deuteronomy 32 in the TFTU

Deuteronomy 32 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 32 in the THAI

Deuteronomy 32 in the TNFD

Deuteronomy 32 in the TNT

Deuteronomy 32 in the TNTIK

Deuteronomy 32 in the TNTIL

Deuteronomy 32 in the TNTIN

Deuteronomy 32 in the TNTIP

Deuteronomy 32 in the TNTIZ

Deuteronomy 32 in the TOMA

Deuteronomy 32 in the TTENT

Deuteronomy 32 in the UBG

Deuteronomy 32 in the UGV

Deuteronomy 32 in the UGV2

Deuteronomy 32 in the UGV3

Deuteronomy 32 in the VBL

Deuteronomy 32 in the VDCC

Deuteronomy 32 in the YALU

Deuteronomy 32 in the YAPE

Deuteronomy 32 in the YBVTP

Deuteronomy 32 in the ZBP