Deuteronomy 32 (BOSCB)
1 Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura;inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu. 2 Regai dzidziso yangu inaye semvurauye mashoko angu ayerere sedova,sokupfunha pauswa hunyoro,semvura zhinji papfumvudza nyoro. 3 Ndichaparidza zita raJehovha.Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu! 4 Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana,uye nzira dzake dzakarurama.Mwari akatendeka asina chaanotadza,akarurama uye ndowezvokwadi. 5 Vakaita zvakaipa kwaari;vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake,asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama, 6 Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here,imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera?Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here,akakuitai nokukuumbai? 7 Rangarira mazuva akare;ufunge marudzi akare kare.Ubvunze baba vako, uye vachakuudza,vakuru vako vachakutsanangurira. 8 Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka,nguva yaakakamura marudzi ose,akaisira vanhu miganhu,zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri. 9 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake,Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa. 10 Akamuwana munyika yomurenje,musina chinhu, munotyisa.Akamudzivirira uye akamuchengeta;akamuchengetedza semboni yeziso rake, 11 segondo rinogadziridza dendereraro nokuengerera pamusoro pavana varo,rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe,rovabereka pamapapiro aro. 12 Jehovha oga ndiye akamutungamirira;kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye. 13 Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyikauye akamupa zvibereko zveminda kuti adye.Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo,uye namafuta akabva padombo romusarasara, 14 noruomba nomukaka kubva pamombe namakwaiuye namakwayana nembudzi zvakakodzwa,namakondobwe akaisvonaka eBhashani,netsanga dzakanakisisa dzegorosi.Akanwa furo reropa ramazambiringa. 15 Jeshuruni akazokora uye akapfura;aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta.Akasiya Mwari akamuitauye akaramba Ibwe, Muponesi wake. 16 Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumweuye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza. 17 Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari,vamwari vavakanga vasingazivi,vamwari vatsva vakanga vachangomuka,vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu. 18 Wakasiya Ibwe rakakubereka;wakakanganwa Mwari akakubereka. 19 Jehovha akaona izvi akavarambanokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake. 20 “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,“tigoona kuti magumo avo achazodii;nokuti rudzi rwakatsauka,vana vasina kutendeka. 21 Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari,vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo.Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu;ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi. 22 Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu,idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu.Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayouye dzichapisa nheyo dzamakomo. 23 “Ndichatutira njodzi pamusoro pavouye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura. 24 Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo,nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa;ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari,uturu hwenyoka dzomuguruva. 25 Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose;mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa.Majaya nemhandara vachaparadzwa,vacheche navatana vachaparadzwawo. 26 Ndakati ndichavaparadzirandigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi, 27 asi ndakazotya kutuka kwomuvengi,kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti,‘Ruoko rwedu rwatikundisa;haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ” 28 Nokuti ivo rudzi rusina mano,havagoni kunzvera pakati pavo. 29 Dai chete vakanga vakachenjerauye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei! 30 Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu,kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei,kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa,kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo? 31 Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu,sezvinofungwa navavengi vedu. 32 Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomunokuminda yeGomora.Mazambiringa avo azere nomuchetura,uye masumbu avo azere nokuvava. 33 Waini yavo uturu hwenyoka,uturu hwakaipisisa hwemhakure. 34 “Ko, handina kuchengeta izvi here,uye ndikazvipfigira mumatura angu? 35 Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva.Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka;zuva renjodzi yavo rava pedyouye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.” 36 Jehovha achatonga vanhu vakeuye achanzwira tsitsi varanda vake,paanoona simba ravo raperauye pasina asara, akatapwa kana asina. 37 Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko,dombo ravakahwanda mariri, 38 vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavonokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa?Ngavasimuke kuti vakubatsirei!Ngavakupei pokuvanda! 39 “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye!Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu,ndinouraya uye ndinopa upenyu,ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu. 40 Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti:Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi, 41 kana ndichirodza munondo wangu unopenyauye ruoko rwangu rwaubata mukutonga,ndichatsiva kuvavengi vanguuye ndigotsiva vaya vanondivenga. 42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo,uye munondo wangu uchadya nyama:ropa revakaurayiwa nevatapwa,nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.” 43 Farai, imi ndudzi, navanhu vake,nokuti achatsiva ropa ravaranda vake;achatsiva kuvavengi vakeagoyananisira nyika yake navanhu vake. 44 Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa. 45 Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose, 46 akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu. 47 Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.” 48 Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati, 49 “Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo. 50 Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake. 51 Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri. 52 Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”
In Other Versions
Deuteronomy 32 in the ANTPNG2D
Deuteronomy 32 in the BNTABOOT
Deuteronomy 32 in the BOHNTLTAL
Deuteronomy 32 in the BOILNTAP
Deuteronomy 32 in the KBT1ETNIK
Deuteronomy 32 in the TBIAOTANT