Exodus 35 (BOSCB)

1 Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite: 2 Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa. 3 Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.” 4 Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: 5 Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso: “chegoridhe, sirivha uye nendarira; 6 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka;mvere dzembudzi; 7 matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa;matanda omuunga; 8 mafuta omuorivhi emwenje;zvinonhuhwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuhwira kwazvo; 9 mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva. 10 “Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha: 11 “tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko; 12 areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira; 13 tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza; 14 chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje; 15 aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo;chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri; 16 aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose;mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo; 17 zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe; 18 hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho; 19 nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.” 20 Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi, 21 uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene. 22 Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha. 23 Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo. 24 Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo. 25 Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka. 26 Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi. 27 Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva. 28 Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo. 29 VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite. 30 Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, 31 uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha, 32 kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira, 33 kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha. 34 Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe. 35 Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”

In Other Versions

Exodus 35 in the ANGEFD

Exodus 35 in the ANTPNG2D

Exodus 35 in the AS21

Exodus 35 in the BAGH

Exodus 35 in the BBPNG

Exodus 35 in the BBT1E

Exodus 35 in the BDS

Exodus 35 in the BEV

Exodus 35 in the BHAD

Exodus 35 in the BIB

Exodus 35 in the BLPT

Exodus 35 in the BNT

Exodus 35 in the BNTABOOT

Exodus 35 in the BNTLV

Exodus 35 in the BOATCB

Exodus 35 in the BOATCB2

Exodus 35 in the BOBCV

Exodus 35 in the BOCNT

Exodus 35 in the BOECS

Exodus 35 in the BOGWICC

Exodus 35 in the BOHCB

Exodus 35 in the BOHCV

Exodus 35 in the BOHLNT

Exodus 35 in the BOHNTLTAL

Exodus 35 in the BOICB

Exodus 35 in the BOILNTAP

Exodus 35 in the BOITCV

Exodus 35 in the BOKCV

Exodus 35 in the BOKCV2

Exodus 35 in the BOKHWOG

Exodus 35 in the BOKSSV

Exodus 35 in the BOLCB

Exodus 35 in the BOLCB2

Exodus 35 in the BOMCV

Exodus 35 in the BONAV

Exodus 35 in the BONCB

Exodus 35 in the BONLT

Exodus 35 in the BONUT2

Exodus 35 in the BOPLNT

Exodus 35 in the BOSNC

Exodus 35 in the BOTLNT

Exodus 35 in the BOVCB

Exodus 35 in the BOYCB

Exodus 35 in the BPBB

Exodus 35 in the BPH

Exodus 35 in the BSB

Exodus 35 in the CCB

Exodus 35 in the CUV

Exodus 35 in the CUVS

Exodus 35 in the DBT

Exodus 35 in the DGDNT

Exodus 35 in the DHNT

Exodus 35 in the DNT

Exodus 35 in the ELBE

Exodus 35 in the EMTV

Exodus 35 in the ESV

Exodus 35 in the FBV

Exodus 35 in the FEB

Exodus 35 in the GGMNT

Exodus 35 in the GNT

Exodus 35 in the HARY

Exodus 35 in the HNT

Exodus 35 in the IRVA

Exodus 35 in the IRVB

Exodus 35 in the IRVG

Exodus 35 in the IRVH

Exodus 35 in the IRVK

Exodus 35 in the IRVM

Exodus 35 in the IRVM2

Exodus 35 in the IRVO

Exodus 35 in the IRVP

Exodus 35 in the IRVT

Exodus 35 in the IRVT2

Exodus 35 in the IRVU

Exodus 35 in the ISVN

Exodus 35 in the JSNT

Exodus 35 in the KAPI

Exodus 35 in the KBT1ETNIK

Exodus 35 in the KBV

Exodus 35 in the KJV

Exodus 35 in the KNFD

Exodus 35 in the LBA

Exodus 35 in the LBLA

Exodus 35 in the LNT

Exodus 35 in the LSV

Exodus 35 in the MAAL

Exodus 35 in the MBV

Exodus 35 in the MBV2

Exodus 35 in the MHNT

Exodus 35 in the MKNFD

Exodus 35 in the MNG

Exodus 35 in the MNT

Exodus 35 in the MNT2

Exodus 35 in the MRS1T

Exodus 35 in the NAA

Exodus 35 in the NASB

Exodus 35 in the NBLA

Exodus 35 in the NBS

Exodus 35 in the NBVTP

Exodus 35 in the NET2

Exodus 35 in the NIV11

Exodus 35 in the NNT

Exodus 35 in the NNT2

Exodus 35 in the NNT3

Exodus 35 in the PDDPT

Exodus 35 in the PFNT

Exodus 35 in the RMNT

Exodus 35 in the SBIAS

Exodus 35 in the SBIBS

Exodus 35 in the SBIBS2

Exodus 35 in the SBICS

Exodus 35 in the SBIDS

Exodus 35 in the SBIGS

Exodus 35 in the SBIHS

Exodus 35 in the SBIIS

Exodus 35 in the SBIIS2

Exodus 35 in the SBIIS3

Exodus 35 in the SBIKS

Exodus 35 in the SBIKS2

Exodus 35 in the SBIMS

Exodus 35 in the SBIOS

Exodus 35 in the SBIPS

Exodus 35 in the SBISS

Exodus 35 in the SBITS

Exodus 35 in the SBITS2

Exodus 35 in the SBITS3

Exodus 35 in the SBITS4

Exodus 35 in the SBIUS

Exodus 35 in the SBIVS

Exodus 35 in the SBT

Exodus 35 in the SBT1E

Exodus 35 in the SCHL

Exodus 35 in the SNT

Exodus 35 in the SUSU

Exodus 35 in the SUSU2

Exodus 35 in the SYNO

Exodus 35 in the TBIAOTANT

Exodus 35 in the TBT1E

Exodus 35 in the TBT1E2

Exodus 35 in the TFTIP

Exodus 35 in the TFTU

Exodus 35 in the TGNTATF3T

Exodus 35 in the THAI

Exodus 35 in the TNFD

Exodus 35 in the TNT

Exodus 35 in the TNTIK

Exodus 35 in the TNTIL

Exodus 35 in the TNTIN

Exodus 35 in the TNTIP

Exodus 35 in the TNTIZ

Exodus 35 in the TOMA

Exodus 35 in the TTENT

Exodus 35 in the UBG

Exodus 35 in the UGV

Exodus 35 in the UGV2

Exodus 35 in the UGV3

Exodus 35 in the VBL

Exodus 35 in the VDCC

Exodus 35 in the YALU

Exodus 35 in the YAPE

Exodus 35 in the YBVTP

Exodus 35 in the ZBP