Ezekiel 12 (BOSCB)
1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, iwe ugere pakati pavanhu vanondimukira. Vane meso okuona asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi, nokuti vanhu vokumukira. 3 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira. 4 Masikati chaiwo, vakatarira, iwe budisa nhumbi dzako dzakarongedzerwa kutama. Ipapo panguva yamadekwana, ivo vakatarira, buda iwe sezvinoita vaya vanoenda muutapwa. 5 Uboore masvingo vakatarira ugotora nhumbi dzako ubude napo. 6 Udziise papfudzi rako ivo vakangotarisa ugobuda nadzo kwasviba. Ufukidze chiso chako kuti urege kuona nyika, nokuti ndakuita chiratidzo kuimba yaIsraeri.” 7 Saka ndakaita sezvandakarayirwa. Panguva yamasikati ndakabudisa zvinhu zvangu zvarongedzerwa kutama. Zvino panguva yamadekwana ndakaboora masvingo namaoko angu. Ndakabudisa nhumbi dzangu kwasviba, ndakazvitakura pamapfudzi angu ivo vakangotarisa. 8 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri panguva yamangwanani richiti, 9 “Mwanakomana womunhu, imba iyo yokundimukira yaIsraeri haina kukubvunza here kuti, ‘Uri kuiteiko?’ 10 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusarema neimba yose yaIsraeri iripo.’ 11 Uti kwavari, ‘Ini ndiri chiratidzo kwamuri.’“Sezvandakaita, ndizvo zvavachaitirwawo. Vachaenda kuutapwa senhapwa. 12 “Muchinda ari pakati pavo achaisa zvinhu zvake papfudzi kwasviba agoenda, uye achaboorerwa buri rokubuda naro parusvingo. Achafukidza chiso chake kuitira kuti arege kuona nyika. 13 Ndichamutambanudzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu; ndichamuendesa kuBhabhironi, nyika yavaKaradhea, asi haasi kuzoiona, uye ikoko ndiko kwaachafira. 14 Ndichaparadzira kumhepo vose vakamupoteredza, vashandiri vake namauto ake, uye ndichavateverera nomunondo wakavhomorwa. 15 “Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi ndigovaparadzira kunyika dzose. 16 Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.” 17 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 18 “Mwanakomana womunhu, udedere paunenge uchidya zvokudya zvako, uye udedere uye utye paunonwa mvura yako. 19 Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye nomunyika yaIsraeri: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya uye vachanwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo. 20 Maguta anogarwa navanhu achava matongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” 21 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 22 “Mwanakomana womunhu, chirevo ichi chamunacho munyika yaIsraeri ndecheiko chinoti, ‘Mazuva ari kungopera uye zviratidzo zvose zvinongova pasina?’ 23 Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe. 24 Nokuti hakuchazovazve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri. 25 Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” 26 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, 27 “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri iri kuti, ‘Chiratidzo chaanoona ndechamakore mazhinji kubva iye zvino, uye anoprofita zvenguva inouya zviri kure.’ 28 “Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna shoko rangu richanonokazve; zvose zvandinoreva zvichazadzisika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
In Other Versions
Ezekiel 12 in the ANGEFD
Ezekiel 12 in the ANTPNG2D
Ezekiel 12 in the AS21
Ezekiel 12 in the BAGH
Ezekiel 12 in the BBPNG
Ezekiel 12 in the BBT1E
Ezekiel 12 in the BDS
Ezekiel 12 in the BEV
Ezekiel 12 in the BHAD
Ezekiel 12 in the BIB
Ezekiel 12 in the BLPT
Ezekiel 12 in the BNT
Ezekiel 12 in the BNTABOOT
Ezekiel 12 in the BNTLV
Ezekiel 12 in the BOATCB
Ezekiel 12 in the BOATCB2
Ezekiel 12 in the BOBCV
Ezekiel 12 in the BOCNT
Ezekiel 12 in the BOECS
Ezekiel 12 in the BOGWICC
Ezekiel 12 in the BOHCB
Ezekiel 12 in the BOHCV
Ezekiel 12 in the BOHLNT
Ezekiel 12 in the BOHNTLTAL
Ezekiel 12 in the BOICB
Ezekiel 12 in the BOILNTAP
Ezekiel 12 in the BOITCV
Ezekiel 12 in the BOKCV
Ezekiel 12 in the BOKCV2
Ezekiel 12 in the BOKHWOG
Ezekiel 12 in the BOKSSV
Ezekiel 12 in the BOLCB
Ezekiel 12 in the BOLCB2
Ezekiel 12 in the BOMCV
Ezekiel 12 in the BONAV
Ezekiel 12 in the BONCB
Ezekiel 12 in the BONLT
Ezekiel 12 in the BONUT2
Ezekiel 12 in the BOPLNT
Ezekiel 12 in the BOSNC
Ezekiel 12 in the BOTLNT
Ezekiel 12 in the BOVCB
Ezekiel 12 in the BOYCB
Ezekiel 12 in the BPBB
Ezekiel 12 in the BPH
Ezekiel 12 in the BSB
Ezekiel 12 in the CCB
Ezekiel 12 in the CUV
Ezekiel 12 in the CUVS
Ezekiel 12 in the DBT
Ezekiel 12 in the DGDNT
Ezekiel 12 in the DHNT
Ezekiel 12 in the DNT
Ezekiel 12 in the ELBE
Ezekiel 12 in the EMTV
Ezekiel 12 in the ESV
Ezekiel 12 in the FBV
Ezekiel 12 in the FEB
Ezekiel 12 in the GGMNT
Ezekiel 12 in the GNT
Ezekiel 12 in the HARY
Ezekiel 12 in the HNT
Ezekiel 12 in the IRVA
Ezekiel 12 in the IRVB
Ezekiel 12 in the IRVG
Ezekiel 12 in the IRVH
Ezekiel 12 in the IRVK
Ezekiel 12 in the IRVM
Ezekiel 12 in the IRVM2
Ezekiel 12 in the IRVO
Ezekiel 12 in the IRVP
Ezekiel 12 in the IRVT
Ezekiel 12 in the IRVT2
Ezekiel 12 in the IRVU
Ezekiel 12 in the ISVN
Ezekiel 12 in the JSNT
Ezekiel 12 in the KAPI
Ezekiel 12 in the KBT1ETNIK
Ezekiel 12 in the KBV
Ezekiel 12 in the KJV
Ezekiel 12 in the KNFD
Ezekiel 12 in the LBA
Ezekiel 12 in the LBLA
Ezekiel 12 in the LNT
Ezekiel 12 in the LSV
Ezekiel 12 in the MAAL
Ezekiel 12 in the MBV
Ezekiel 12 in the MBV2
Ezekiel 12 in the MHNT
Ezekiel 12 in the MKNFD
Ezekiel 12 in the MNG
Ezekiel 12 in the MNT
Ezekiel 12 in the MNT2
Ezekiel 12 in the MRS1T
Ezekiel 12 in the NAA
Ezekiel 12 in the NASB
Ezekiel 12 in the NBLA
Ezekiel 12 in the NBS
Ezekiel 12 in the NBVTP
Ezekiel 12 in the NET2
Ezekiel 12 in the NIV11
Ezekiel 12 in the NNT
Ezekiel 12 in the NNT2
Ezekiel 12 in the NNT3
Ezekiel 12 in the PDDPT
Ezekiel 12 in the PFNT
Ezekiel 12 in the RMNT
Ezekiel 12 in the SBIAS
Ezekiel 12 in the SBIBS
Ezekiel 12 in the SBIBS2
Ezekiel 12 in the SBICS
Ezekiel 12 in the SBIDS
Ezekiel 12 in the SBIGS
Ezekiel 12 in the SBIHS
Ezekiel 12 in the SBIIS
Ezekiel 12 in the SBIIS2
Ezekiel 12 in the SBIIS3
Ezekiel 12 in the SBIKS
Ezekiel 12 in the SBIKS2
Ezekiel 12 in the SBIMS
Ezekiel 12 in the SBIOS
Ezekiel 12 in the SBIPS
Ezekiel 12 in the SBISS
Ezekiel 12 in the SBITS
Ezekiel 12 in the SBITS2
Ezekiel 12 in the SBITS3
Ezekiel 12 in the SBITS4
Ezekiel 12 in the SBIUS
Ezekiel 12 in the SBIVS
Ezekiel 12 in the SBT
Ezekiel 12 in the SBT1E
Ezekiel 12 in the SCHL
Ezekiel 12 in the SNT
Ezekiel 12 in the SUSU
Ezekiel 12 in the SUSU2
Ezekiel 12 in the SYNO
Ezekiel 12 in the TBIAOTANT
Ezekiel 12 in the TBT1E
Ezekiel 12 in the TBT1E2
Ezekiel 12 in the TFTIP
Ezekiel 12 in the TFTU
Ezekiel 12 in the TGNTATF3T
Ezekiel 12 in the THAI
Ezekiel 12 in the TNFD
Ezekiel 12 in the TNT
Ezekiel 12 in the TNTIK
Ezekiel 12 in the TNTIL
Ezekiel 12 in the TNTIN
Ezekiel 12 in the TNTIP
Ezekiel 12 in the TNTIZ
Ezekiel 12 in the TOMA
Ezekiel 12 in the TTENT
Ezekiel 12 in the UBG
Ezekiel 12 in the UGV
Ezekiel 12 in the UGV2
Ezekiel 12 in the UGV3
Ezekiel 12 in the VBL
Ezekiel 12 in the VDCC
Ezekiel 12 in the YALU
Ezekiel 12 in the YAPE
Ezekiel 12 in the YBVTP
Ezekiel 12 in the ZBP