Ezekiel 14 (BOSCB)

1 Vamwe vavakuru veIsraeri vakauya kwandiri vakagara pasi pamberi pangu. 2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 3 “Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here? 4 Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru. 5 Ndichaita izvi kuti ndibatezve mwoyo yavanhu veIsraeri, ivo vakandisiya vose kuti vatevere zvifananidzo zvavo.’ 6 “Naizvozvo uti kuimba yeIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Tendeukai! Dzokai mufuratire zvifananidzo zvenyu musiye mabasa enyu ose anonyangadza! 7 “ ‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu. 8 Ndicharinzira chiso changu pamusoro pomunhu uyo kuti ndimurwise uye ndichamuita muenzaniso netsumo. Ndichamubvisa pakati pavanhu vangu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. 9 “ ‘Uye kana muprofita akanyengerwa kuti ataure chiprofita, ini Jehovha ndini ndamunyengera, uye ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pake ndigomuparadza pakati pavanhu veIsraeri. 10 Vachatakura mhosva yavo ivo, muprofita achava nemhosva zvakangoenzana naiye auya kuzomubvunza. 11 Ipapo vanhu veIsraeri havangazotsaukizve vachibva kwandiri kana kuzvisvibisazve nezvivi zvavo zvose. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” 12 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 13 “Mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokusatendeka kwayo uye ini ndikatambanudza ruoko rwangu pamusoro payo kuti ndiparadze kugoverwa kwayo zvokudya nokutumira nzara pamusoro payo nokuuraya vanhu vayo nezvipfuwo zvayo, 14 kunyange dai varume vatatu ava, Noa, Dhanieri naJobho, vaiva mairi vaingogona kuzviponesa ivo pachavo nokuda kwokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 15 “Kana dai ndikatumira zvikara munyika imomo, izvo zvikaisiya isina kana mwana uye ikazoparadzwa zvokuti pashayikwe anopfuura nomo nokuda kwezvikara, 16 zvirokwazvo, noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume vatatu ava vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo chete ndivo vaingopona, asi nyika yaizoparadzwa. 17 “Kana dai ndaiuyisa munondo kuzorwisa nyika iyo ndikati, ‘Munondo ngaupfuure nomunyika yose,’ uye ndikauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, 18 zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume ava vatatu vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo voga ndivo vaizoponeswa. 19 “Kana dai ndikatuma denda munyika ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo nokuteura ropa, ndichauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, 20 zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai Noa, naDhanieri naJobho vaivamo, havaigona kuponesa mwanakomana kana mwanasikana. Vaingozviponesa ivo chete nokuda kwokururama kwavo. 21 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Zvichaipisisa sei kana ndikatuma pamusoro peJerusarema zvinotyisa zvina zvandakatonga, zvinoti munondo, nzara, zvikara nedenda, kuzouraya vanhu varo nezvipfuwo zvaro! 22 Kunyange zvakadaro hazvo pachava navanosara, vanakomana navanasikana vachabudiswa mairi. Vachauya kwamuri, uye pamunoona tsika dzavo namabasa avo, muchanyaradzwa pamusoro penjodzi yandakauyisa pamusoro peJerusarema, njodzi dzose dzandakauyisa pairi. 23 Muchanyaradzwa pamunoona tsika dzavo namabasa avo, nokuti muchaziva kuti hapana chandakaita mariri pasina chikonzero, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

In Other Versions

Ezekiel 14 in the ANGEFD

Ezekiel 14 in the ANTPNG2D

Ezekiel 14 in the AS21

Ezekiel 14 in the BAGH

Ezekiel 14 in the BBPNG

Ezekiel 14 in the BBT1E

Ezekiel 14 in the BDS

Ezekiel 14 in the BEV

Ezekiel 14 in the BHAD

Ezekiel 14 in the BIB

Ezekiel 14 in the BLPT

Ezekiel 14 in the BNT

Ezekiel 14 in the BNTABOOT

Ezekiel 14 in the BNTLV

Ezekiel 14 in the BOATCB

Ezekiel 14 in the BOATCB2

Ezekiel 14 in the BOBCV

Ezekiel 14 in the BOCNT

Ezekiel 14 in the BOECS

Ezekiel 14 in the BOGWICC

Ezekiel 14 in the BOHCB

Ezekiel 14 in the BOHCV

Ezekiel 14 in the BOHLNT

Ezekiel 14 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 14 in the BOICB

Ezekiel 14 in the BOILNTAP

Ezekiel 14 in the BOITCV

Ezekiel 14 in the BOKCV

Ezekiel 14 in the BOKCV2

Ezekiel 14 in the BOKHWOG

Ezekiel 14 in the BOKSSV

Ezekiel 14 in the BOLCB

Ezekiel 14 in the BOLCB2

Ezekiel 14 in the BOMCV

Ezekiel 14 in the BONAV

Ezekiel 14 in the BONCB

Ezekiel 14 in the BONLT

Ezekiel 14 in the BONUT2

Ezekiel 14 in the BOPLNT

Ezekiel 14 in the BOSNC

Ezekiel 14 in the BOTLNT

Ezekiel 14 in the BOVCB

Ezekiel 14 in the BOYCB

Ezekiel 14 in the BPBB

Ezekiel 14 in the BPH

Ezekiel 14 in the BSB

Ezekiel 14 in the CCB

Ezekiel 14 in the CUV

Ezekiel 14 in the CUVS

Ezekiel 14 in the DBT

Ezekiel 14 in the DGDNT

Ezekiel 14 in the DHNT

Ezekiel 14 in the DNT

Ezekiel 14 in the ELBE

Ezekiel 14 in the EMTV

Ezekiel 14 in the ESV

Ezekiel 14 in the FBV

Ezekiel 14 in the FEB

Ezekiel 14 in the GGMNT

Ezekiel 14 in the GNT

Ezekiel 14 in the HARY

Ezekiel 14 in the HNT

Ezekiel 14 in the IRVA

Ezekiel 14 in the IRVB

Ezekiel 14 in the IRVG

Ezekiel 14 in the IRVH

Ezekiel 14 in the IRVK

Ezekiel 14 in the IRVM

Ezekiel 14 in the IRVM2

Ezekiel 14 in the IRVO

Ezekiel 14 in the IRVP

Ezekiel 14 in the IRVT

Ezekiel 14 in the IRVT2

Ezekiel 14 in the IRVU

Ezekiel 14 in the ISVN

Ezekiel 14 in the JSNT

Ezekiel 14 in the KAPI

Ezekiel 14 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 14 in the KBV

Ezekiel 14 in the KJV

Ezekiel 14 in the KNFD

Ezekiel 14 in the LBA

Ezekiel 14 in the LBLA

Ezekiel 14 in the LNT

Ezekiel 14 in the LSV

Ezekiel 14 in the MAAL

Ezekiel 14 in the MBV

Ezekiel 14 in the MBV2

Ezekiel 14 in the MHNT

Ezekiel 14 in the MKNFD

Ezekiel 14 in the MNG

Ezekiel 14 in the MNT

Ezekiel 14 in the MNT2

Ezekiel 14 in the MRS1T

Ezekiel 14 in the NAA

Ezekiel 14 in the NASB

Ezekiel 14 in the NBLA

Ezekiel 14 in the NBS

Ezekiel 14 in the NBVTP

Ezekiel 14 in the NET2

Ezekiel 14 in the NIV11

Ezekiel 14 in the NNT

Ezekiel 14 in the NNT2

Ezekiel 14 in the NNT3

Ezekiel 14 in the PDDPT

Ezekiel 14 in the PFNT

Ezekiel 14 in the RMNT

Ezekiel 14 in the SBIAS

Ezekiel 14 in the SBIBS

Ezekiel 14 in the SBIBS2

Ezekiel 14 in the SBICS

Ezekiel 14 in the SBIDS

Ezekiel 14 in the SBIGS

Ezekiel 14 in the SBIHS

Ezekiel 14 in the SBIIS

Ezekiel 14 in the SBIIS2

Ezekiel 14 in the SBIIS3

Ezekiel 14 in the SBIKS

Ezekiel 14 in the SBIKS2

Ezekiel 14 in the SBIMS

Ezekiel 14 in the SBIOS

Ezekiel 14 in the SBIPS

Ezekiel 14 in the SBISS

Ezekiel 14 in the SBITS

Ezekiel 14 in the SBITS2

Ezekiel 14 in the SBITS3

Ezekiel 14 in the SBITS4

Ezekiel 14 in the SBIUS

Ezekiel 14 in the SBIVS

Ezekiel 14 in the SBT

Ezekiel 14 in the SBT1E

Ezekiel 14 in the SCHL

Ezekiel 14 in the SNT

Ezekiel 14 in the SUSU

Ezekiel 14 in the SUSU2

Ezekiel 14 in the SYNO

Ezekiel 14 in the TBIAOTANT

Ezekiel 14 in the TBT1E

Ezekiel 14 in the TBT1E2

Ezekiel 14 in the TFTIP

Ezekiel 14 in the TFTU

Ezekiel 14 in the TGNTATF3T

Ezekiel 14 in the THAI

Ezekiel 14 in the TNFD

Ezekiel 14 in the TNT

Ezekiel 14 in the TNTIK

Ezekiel 14 in the TNTIL

Ezekiel 14 in the TNTIN

Ezekiel 14 in the TNTIP

Ezekiel 14 in the TNTIZ

Ezekiel 14 in the TOMA

Ezekiel 14 in the TTENT

Ezekiel 14 in the UBG

Ezekiel 14 in the UGV

Ezekiel 14 in the UGV2

Ezekiel 14 in the UGV3

Ezekiel 14 in the VBL

Ezekiel 14 in the VDCC

Ezekiel 14 in the YALU

Ezekiel 14 in the YAPE

Ezekiel 14 in the YBVTP

Ezekiel 14 in the ZBP