Genesis 34 (BOSCB)

1 Zvino Dhaina, mwanasikana akaberekerwa Jakobho naRea, akabuda kundoshanyira madzimai enyika iyo. 2 Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, mutongi wenzvimbo iyo, akati amuona, akamumanikidza akavata naye, uye akamunyadza. 3 Mwoyo wake wakadokwairira Dhaina mwanasikana waJakobho, uye aida musikana uyu, uye akataura naye zvinyoronyoro. 4 Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, “Nditorerei musikana uyu kuti ave mukadzi wangu.” 5 Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba. 6 Ipapo Hamori baba vaShekemu vakabuda kundotaura naJakobho. 7 Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa. 8 Asi Hamori akati kwavari, “Mwanakomana wangu Shekemu anodokwairira mwanasikana wenyu. Ndapota mupei henyu iye kuti ave mukadzi wake. 9 Ngatiwaniranei; tipei vanasikana venyu uye imiwo mutore vanasikana vedu. 10 Munogona henyu kugara pakati pedu; nyika iri pamberi penyu. Garaimo, tengesaimo, uye muve nepfuma murimo.” 11 Ipapo Shekemu akati kuna baba vaDhaina nokuhanzvadzi dzake, “Regai ndiwane nyasha pamberi penyu, uye ndichakupai zvose zvamunoda. 12 Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.” 13 Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori. 14 Vakati kwaari, “Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadziso kwatiri ichocho. 15 Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose. 16 Ipapo tichakupai vanasikana vedu uye tigozvitorerawo vanasikana venyu. Tichagara pakati penyu tigova vanhu vamwe nemi. 17 Asi kana musingadi kudzingiswa, isu tichatora hanzvadzi yedu tigoenda.” 18 Kutaura kwavo kwainge kwakanaka kuna Hamori nomwanakomana wake Shekemu. 19 Jaya iri raikudzwa zvikuru pakati pemhuri yose yababa varo, harina kunonoka kuita zvavakareva, nokuti akanga achifadzwa nomwanasikana waJakobho. 20 Saka Hamori nomwanakomana wake Shekemu vakaenda kusuo reguta ravo kuti vandotaura navamwe varume vomuguta ravo. 21 Vakati, “Vanhu ava vakanaka kwazvo kwatiri. Ngavagare munyika yedu uye vashambadzire mairi; nyika yakakura kwazvo kwavari. Tinogona kuwana vanasikana vavo uye ivo vanogona kuwana veduwo. 22 Asi varume vachatenderana nesu kuti tive savanhu vamwe nechinhu chimwe bedzi, chokuti vanhurume vedu vadzingiswe, sezvavari ivo. 23 Ko, mombe dzavo, pfuma yavo nezvimwe zvipfuwo zvavo hazvingavi zvedu here? Saka ngatitenderanei navo, vagogara pakati pedu.” 24 Varume vose vakabuda kusuo reguta vakabvumirana naHamori nomwanakomana wake Shekemu, uye vanhurume vose vomuguta vakadzingiswa. 25 Shure kwamazuva matatu, vose vachiri kurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhaina, vakatora minondo yavo vakarwisa guta rakanga risina chifungidziro, vakauraya munhurume wose. 26 Vakauraya Hamori nomwanakomana wake nomunondo uye vakatora hanzvadzi yavo Dhaina kubva mumba maShekemu vakaenda. 27 Vanakomana vaJakobho vakasvika kuzvitunha vakapamba guta iro makanga masvibiswa hanzvadzi yavo. 28 Vakatora makwai avo nemombe dzavo, mbongoro dzavo nezvose zvakanga zviri zvavo muguta uye nezvaiva musango. 29 Vakatakura pfuma yavo navakadzi vavo vose navana, vakapamba zvinhu zvose zvaiva mudzimba. 30 Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandiparira dambudziko mukandiita chinhu chinonhuhwa kuvaKenani navaPerizi, vanhu vagere munyika muno. Tiri vashoma isu, uye kana vakandikomberana uye vakarwa neni, ini nemhuri yangu tichaparadzwa.” 31 Asi ivo vakapindura vakati, “Zvakanaka here kuti vabate hanzvadzi yedu sechifeve?”

In Other Versions

Genesis 34 in the ANGEFD

Genesis 34 in the ANTPNG2D

Genesis 34 in the AS21

Genesis 34 in the BAGH

Genesis 34 in the BBPNG

Genesis 34 in the BBT1E

Genesis 34 in the BDS

Genesis 34 in the BEV

Genesis 34 in the BHAD

Genesis 34 in the BIB

Genesis 34 in the BLPT

Genesis 34 in the BNT

Genesis 34 in the BNTABOOT

Genesis 34 in the BNTLV

Genesis 34 in the BOATCB

Genesis 34 in the BOATCB2

Genesis 34 in the BOBCV

Genesis 34 in the BOCNT

Genesis 34 in the BOECS

Genesis 34 in the BOGWICC

Genesis 34 in the BOHCB

Genesis 34 in the BOHCV

Genesis 34 in the BOHLNT

Genesis 34 in the BOHNTLTAL

Genesis 34 in the BOICB

Genesis 34 in the BOILNTAP

Genesis 34 in the BOITCV

Genesis 34 in the BOKCV

Genesis 34 in the BOKCV2

Genesis 34 in the BOKHWOG

Genesis 34 in the BOKSSV

Genesis 34 in the BOLCB

Genesis 34 in the BOLCB2

Genesis 34 in the BOMCV

Genesis 34 in the BONAV

Genesis 34 in the BONCB

Genesis 34 in the BONLT

Genesis 34 in the BONUT2

Genesis 34 in the BOPLNT

Genesis 34 in the BOSNC

Genesis 34 in the BOTLNT

Genesis 34 in the BOVCB

Genesis 34 in the BOYCB

Genesis 34 in the BPBB

Genesis 34 in the BPH

Genesis 34 in the BSB

Genesis 34 in the CCB

Genesis 34 in the CUV

Genesis 34 in the CUVS

Genesis 34 in the DBT

Genesis 34 in the DGDNT

Genesis 34 in the DHNT

Genesis 34 in the DNT

Genesis 34 in the ELBE

Genesis 34 in the EMTV

Genesis 34 in the ESV

Genesis 34 in the FBV

Genesis 34 in the FEB

Genesis 34 in the GGMNT

Genesis 34 in the GNT

Genesis 34 in the HARY

Genesis 34 in the HNT

Genesis 34 in the IRVA

Genesis 34 in the IRVB

Genesis 34 in the IRVG

Genesis 34 in the IRVH

Genesis 34 in the IRVK

Genesis 34 in the IRVM

Genesis 34 in the IRVM2

Genesis 34 in the IRVO

Genesis 34 in the IRVP

Genesis 34 in the IRVT

Genesis 34 in the IRVT2

Genesis 34 in the IRVU

Genesis 34 in the ISVN

Genesis 34 in the JSNT

Genesis 34 in the KAPI

Genesis 34 in the KBT1ETNIK

Genesis 34 in the KBV

Genesis 34 in the KJV

Genesis 34 in the KNFD

Genesis 34 in the LBA

Genesis 34 in the LBLA

Genesis 34 in the LNT

Genesis 34 in the LSV

Genesis 34 in the MAAL

Genesis 34 in the MBV

Genesis 34 in the MBV2

Genesis 34 in the MHNT

Genesis 34 in the MKNFD

Genesis 34 in the MNG

Genesis 34 in the MNT

Genesis 34 in the MNT2

Genesis 34 in the MRS1T

Genesis 34 in the NAA

Genesis 34 in the NASB

Genesis 34 in the NBLA

Genesis 34 in the NBS

Genesis 34 in the NBVTP

Genesis 34 in the NET2

Genesis 34 in the NIV11

Genesis 34 in the NNT

Genesis 34 in the NNT2

Genesis 34 in the NNT3

Genesis 34 in the PDDPT

Genesis 34 in the PFNT

Genesis 34 in the RMNT

Genesis 34 in the SBIAS

Genesis 34 in the SBIBS

Genesis 34 in the SBIBS2

Genesis 34 in the SBICS

Genesis 34 in the SBIDS

Genesis 34 in the SBIGS

Genesis 34 in the SBIHS

Genesis 34 in the SBIIS

Genesis 34 in the SBIIS2

Genesis 34 in the SBIIS3

Genesis 34 in the SBIKS

Genesis 34 in the SBIKS2

Genesis 34 in the SBIMS

Genesis 34 in the SBIOS

Genesis 34 in the SBIPS

Genesis 34 in the SBISS

Genesis 34 in the SBITS

Genesis 34 in the SBITS2

Genesis 34 in the SBITS3

Genesis 34 in the SBITS4

Genesis 34 in the SBIUS

Genesis 34 in the SBIVS

Genesis 34 in the SBT

Genesis 34 in the SBT1E

Genesis 34 in the SCHL

Genesis 34 in the SNT

Genesis 34 in the SUSU

Genesis 34 in the SUSU2

Genesis 34 in the SYNO

Genesis 34 in the TBIAOTANT

Genesis 34 in the TBT1E

Genesis 34 in the TBT1E2

Genesis 34 in the TFTIP

Genesis 34 in the TFTU

Genesis 34 in the TGNTATF3T

Genesis 34 in the THAI

Genesis 34 in the TNFD

Genesis 34 in the TNT

Genesis 34 in the TNTIK

Genesis 34 in the TNTIL

Genesis 34 in the TNTIN

Genesis 34 in the TNTIP

Genesis 34 in the TNTIZ

Genesis 34 in the TOMA

Genesis 34 in the TTENT

Genesis 34 in the UBG

Genesis 34 in the UGV

Genesis 34 in the UGV2

Genesis 34 in the UGV3

Genesis 34 in the VBL

Genesis 34 in the VDCC

Genesis 34 in the YALU

Genesis 34 in the YAPE

Genesis 34 in the YBVTP

Genesis 34 in the ZBP