Genesis 46 (BOSCB)

1 Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka. 2 Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!”Iye akati, “Ndiri pano.” 3 Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko. 4 Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.” 5 Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure. 6 Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti. 7 Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose. 8 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho. 9 Vanakomana vaRubheni vaiva:Hanoki, Paru, Hezironi naKami. 10 Vanakomana vaSimeoni vaiva:Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani. 11 Vanakomana vaRevhi vaiva:Gerishoni, Kohati naMerari. 12 Vanakomana vaJudha vaiva:Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani).Vanakomana vaPerezi:Hezironi naHamuri. 13 Vanakomana vaIsakari vaiva:Tora, Pua, Jashubhi naShimironi. 14 Vanakomana vaZebhuruni vaiva:Seredhi, Eroni naJareri. 15 Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete. 16 Vanakomana vaGadhi vaiva:Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri. 17 Vanakomana vaAsheri vaiva:Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yakanga iri Sera.Vanakomana vaBheria vaiva:Hebheri naMarikieri. 18 Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete. 19 Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva:Josefa naBhenjamini. 20 MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni. 21 Vanakomana vaBhenjamini vaiva:Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi. 22 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete. 23 Mwanakomana waDhani aiva:Hushimi. 24 Vanakomana vaNafutari vaiva:Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi. 25 Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete. 26 Vose vakaenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda. 27 Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete. 28 Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni, 29 Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu. 30 Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.” 31 Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri. 32 Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’ 33 Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’ 34 imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.”

In Other Versions

Genesis 46 in the ANGEFD

Genesis 46 in the ANTPNG2D

Genesis 46 in the AS21

Genesis 46 in the BAGH

Genesis 46 in the BBPNG

Genesis 46 in the BBT1E

Genesis 46 in the BDS

Genesis 46 in the BEV

Genesis 46 in the BHAD

Genesis 46 in the BIB

Genesis 46 in the BLPT

Genesis 46 in the BNT

Genesis 46 in the BNTABOOT

Genesis 46 in the BNTLV

Genesis 46 in the BOATCB

Genesis 46 in the BOATCB2

Genesis 46 in the BOBCV

Genesis 46 in the BOCNT

Genesis 46 in the BOECS

Genesis 46 in the BOGWICC

Genesis 46 in the BOHCB

Genesis 46 in the BOHCV

Genesis 46 in the BOHLNT

Genesis 46 in the BOHNTLTAL

Genesis 46 in the BOICB

Genesis 46 in the BOILNTAP

Genesis 46 in the BOITCV

Genesis 46 in the BOKCV

Genesis 46 in the BOKCV2

Genesis 46 in the BOKHWOG

Genesis 46 in the BOKSSV

Genesis 46 in the BOLCB

Genesis 46 in the BOLCB2

Genesis 46 in the BOMCV

Genesis 46 in the BONAV

Genesis 46 in the BONCB

Genesis 46 in the BONLT

Genesis 46 in the BONUT2

Genesis 46 in the BOPLNT

Genesis 46 in the BOSNC

Genesis 46 in the BOTLNT

Genesis 46 in the BOVCB

Genesis 46 in the BOYCB

Genesis 46 in the BPBB

Genesis 46 in the BPH

Genesis 46 in the BSB

Genesis 46 in the CCB

Genesis 46 in the CUV

Genesis 46 in the CUVS

Genesis 46 in the DBT

Genesis 46 in the DGDNT

Genesis 46 in the DHNT

Genesis 46 in the DNT

Genesis 46 in the ELBE

Genesis 46 in the EMTV

Genesis 46 in the ESV

Genesis 46 in the FBV

Genesis 46 in the FEB

Genesis 46 in the GGMNT

Genesis 46 in the GNT

Genesis 46 in the HARY

Genesis 46 in the HNT

Genesis 46 in the IRVA

Genesis 46 in the IRVB

Genesis 46 in the IRVG

Genesis 46 in the IRVH

Genesis 46 in the IRVK

Genesis 46 in the IRVM

Genesis 46 in the IRVM2

Genesis 46 in the IRVO

Genesis 46 in the IRVP

Genesis 46 in the IRVT

Genesis 46 in the IRVT2

Genesis 46 in the IRVU

Genesis 46 in the ISVN

Genesis 46 in the JSNT

Genesis 46 in the KAPI

Genesis 46 in the KBT1ETNIK

Genesis 46 in the KBV

Genesis 46 in the KJV

Genesis 46 in the KNFD

Genesis 46 in the LBA

Genesis 46 in the LBLA

Genesis 46 in the LNT

Genesis 46 in the LSV

Genesis 46 in the MAAL

Genesis 46 in the MBV

Genesis 46 in the MBV2

Genesis 46 in the MHNT

Genesis 46 in the MKNFD

Genesis 46 in the MNG

Genesis 46 in the MNT

Genesis 46 in the MNT2

Genesis 46 in the MRS1T

Genesis 46 in the NAA

Genesis 46 in the NASB

Genesis 46 in the NBLA

Genesis 46 in the NBS

Genesis 46 in the NBVTP

Genesis 46 in the NET2

Genesis 46 in the NIV11

Genesis 46 in the NNT

Genesis 46 in the NNT2

Genesis 46 in the NNT3

Genesis 46 in the PDDPT

Genesis 46 in the PFNT

Genesis 46 in the RMNT

Genesis 46 in the SBIAS

Genesis 46 in the SBIBS

Genesis 46 in the SBIBS2

Genesis 46 in the SBICS

Genesis 46 in the SBIDS

Genesis 46 in the SBIGS

Genesis 46 in the SBIHS

Genesis 46 in the SBIIS

Genesis 46 in the SBIIS2

Genesis 46 in the SBIIS3

Genesis 46 in the SBIKS

Genesis 46 in the SBIKS2

Genesis 46 in the SBIMS

Genesis 46 in the SBIOS

Genesis 46 in the SBIPS

Genesis 46 in the SBISS

Genesis 46 in the SBITS

Genesis 46 in the SBITS2

Genesis 46 in the SBITS3

Genesis 46 in the SBITS4

Genesis 46 in the SBIUS

Genesis 46 in the SBIVS

Genesis 46 in the SBT

Genesis 46 in the SBT1E

Genesis 46 in the SCHL

Genesis 46 in the SNT

Genesis 46 in the SUSU

Genesis 46 in the SUSU2

Genesis 46 in the SYNO

Genesis 46 in the TBIAOTANT

Genesis 46 in the TBT1E

Genesis 46 in the TBT1E2

Genesis 46 in the TFTIP

Genesis 46 in the TFTU

Genesis 46 in the TGNTATF3T

Genesis 46 in the THAI

Genesis 46 in the TNFD

Genesis 46 in the TNT

Genesis 46 in the TNTIK

Genesis 46 in the TNTIL

Genesis 46 in the TNTIN

Genesis 46 in the TNTIP

Genesis 46 in the TNTIZ

Genesis 46 in the TOMA

Genesis 46 in the TTENT

Genesis 46 in the UBG

Genesis 46 in the UGV

Genesis 46 in the UGV2

Genesis 46 in the UGV3

Genesis 46 in the VBL

Genesis 46 in the VDCC

Genesis 46 in the YALU

Genesis 46 in the YAPE

Genesis 46 in the YBVTP

Genesis 46 in the ZBP