Isaiah 13 (BOSCB)
1 Shoko rakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peBhabhironi: 2 Simudzai mireza pamusoro pechikomo chisina miti,danidzirai kwavari;muninire kwavarikuti vapinde pamasuo amakurukota. 3 Ndakarayira vatsvene vangu;ndakadana varwi vangu kuti vazadzise kutsamwa kwangu,avo vanofadzwa nokukunda kwangu. 4 Inzwai, kutinhira pamusoro pamakomo,kwakafanana nokwavanhu vazhinji zhinji!Inzwai, mheremhere pakati poumambo,sendudzi dziri kuungana pamwe chete!Jehovha Wamasimba Ose ari kugadziriramauto kundorwa. 5 Vanobva kunyika dziri kure,kubva kumagumo amatenga,Jehovha nezvombo zvokutsamwa kwake,kuti aparadze nyika yose. 6 Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo;richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose. 7 Naizvozvo maoko ose achashaya simba,mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyungudika. 8 Kutya kuchavabata,kurwadziwa nokugomera zvichavabata,vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka.Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo,zviso zvavo zvichipfuta. 9 Tarirai, zuva raJehovha riri kuuya,zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa,kuti nyika ive dongouye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo. 10 Nyeredzi dzokudenga namapoka adzohadzizoratidzi chiedza chadzo.Zuva rinobuda richasvibiswauye mwedzi hauzopi chiedza chawo. 11 Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo,navakaipa nokuda kwezvivi zvavo.Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo,uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi. 12 Ndichaita kuti munhu ashayikwe kudarika goridhe,ashayikwe kudarika kushayikwa kwegoridhe reOfiri. 13 Naizvozvo ndichabvundisa matenga;uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo,nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose,pazuva rokutsamwa kwake kunopisa. 14 Semhara inovhimwa,samakwai asina mufudzi,mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake,mumwe nomumwe achatizira kunyika yake. 15 Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa,vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo. 16 Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona;dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa. 17 Tarirai, ndichavamutsira vaMedhiavasina hanya nesirivha,uye vasingafariri goridhe. 18 Uta hwavo huchabaya majaya;havazovi nengoni navachechekana kutarira vana netsitsi. 19 Zvino Bhabhironi rembiri paumambo,kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi,richaparadzwa naMwarikufanana neSodhomu neGomora. 20 Haringatongogarwizve navanhuuye hakuna vachazogaramo kusvikira kuzvizvarwa zvose;hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko,hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko. 21 Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko,makava achazadza dzimba dzavo;mazizi achagara ikoko,uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka. 22 Mapere achachema ari munhare dzavo,makava mudzimba dzavo dzinoyevedza dzamadzimambo.Nguva yake yaswedera,uye mazuva aro haazowedzerwi.
In Other Versions
Isaiah 13 in the ANGEFD
Isaiah 13 in the ANTPNG2D
Isaiah 13 in the AS21
Isaiah 13 in the BAGH
Isaiah 13 in the BBPNG
Isaiah 13 in the BBT1E
Isaiah 13 in the BDS
Isaiah 13 in the BEV
Isaiah 13 in the BHAD
Isaiah 13 in the BIB
Isaiah 13 in the BLPT
Isaiah 13 in the BNT
Isaiah 13 in the BNTABOOT
Isaiah 13 in the BNTLV
Isaiah 13 in the BOATCB
Isaiah 13 in the BOATCB2
Isaiah 13 in the BOBCV
Isaiah 13 in the BOCNT
Isaiah 13 in the BOECS
Isaiah 13 in the BOGWICC
Isaiah 13 in the BOHCB
Isaiah 13 in the BOHCV
Isaiah 13 in the BOHLNT
Isaiah 13 in the BOHNTLTAL
Isaiah 13 in the BOICB
Isaiah 13 in the BOILNTAP
Isaiah 13 in the BOITCV
Isaiah 13 in the BOKCV
Isaiah 13 in the BOKCV2
Isaiah 13 in the BOKHWOG
Isaiah 13 in the BOKSSV
Isaiah 13 in the BOLCB
Isaiah 13 in the BOLCB2
Isaiah 13 in the BOMCV
Isaiah 13 in the BONAV
Isaiah 13 in the BONCB
Isaiah 13 in the BONLT
Isaiah 13 in the BONUT2
Isaiah 13 in the BOPLNT
Isaiah 13 in the BOSNC
Isaiah 13 in the BOTLNT
Isaiah 13 in the BOVCB
Isaiah 13 in the BOYCB
Isaiah 13 in the BPBB
Isaiah 13 in the BPH
Isaiah 13 in the BSB
Isaiah 13 in the CCB
Isaiah 13 in the CUV
Isaiah 13 in the CUVS
Isaiah 13 in the DBT
Isaiah 13 in the DGDNT
Isaiah 13 in the DHNT
Isaiah 13 in the DNT
Isaiah 13 in the ELBE
Isaiah 13 in the EMTV
Isaiah 13 in the ESV
Isaiah 13 in the FBV
Isaiah 13 in the FEB
Isaiah 13 in the GGMNT
Isaiah 13 in the GNT
Isaiah 13 in the HARY
Isaiah 13 in the HNT
Isaiah 13 in the IRVA
Isaiah 13 in the IRVB
Isaiah 13 in the IRVG
Isaiah 13 in the IRVH
Isaiah 13 in the IRVK
Isaiah 13 in the IRVM
Isaiah 13 in the IRVM2
Isaiah 13 in the IRVO
Isaiah 13 in the IRVP
Isaiah 13 in the IRVT
Isaiah 13 in the IRVT2
Isaiah 13 in the IRVU
Isaiah 13 in the ISVN
Isaiah 13 in the JSNT
Isaiah 13 in the KAPI
Isaiah 13 in the KBT1ETNIK
Isaiah 13 in the KBV
Isaiah 13 in the KJV
Isaiah 13 in the KNFD
Isaiah 13 in the LBA
Isaiah 13 in the LBLA
Isaiah 13 in the LNT
Isaiah 13 in the LSV
Isaiah 13 in the MAAL
Isaiah 13 in the MBV
Isaiah 13 in the MBV2
Isaiah 13 in the MHNT
Isaiah 13 in the MKNFD
Isaiah 13 in the MNG
Isaiah 13 in the MNT
Isaiah 13 in the MNT2
Isaiah 13 in the MRS1T
Isaiah 13 in the NAA
Isaiah 13 in the NASB
Isaiah 13 in the NBLA
Isaiah 13 in the NBS
Isaiah 13 in the NBVTP
Isaiah 13 in the NET2
Isaiah 13 in the NIV11
Isaiah 13 in the NNT
Isaiah 13 in the NNT2
Isaiah 13 in the NNT3
Isaiah 13 in the PDDPT
Isaiah 13 in the PFNT
Isaiah 13 in the RMNT
Isaiah 13 in the SBIAS
Isaiah 13 in the SBIBS
Isaiah 13 in the SBIBS2
Isaiah 13 in the SBICS
Isaiah 13 in the SBIDS
Isaiah 13 in the SBIGS
Isaiah 13 in the SBIHS
Isaiah 13 in the SBIIS
Isaiah 13 in the SBIIS2
Isaiah 13 in the SBIIS3
Isaiah 13 in the SBIKS
Isaiah 13 in the SBIKS2
Isaiah 13 in the SBIMS
Isaiah 13 in the SBIOS
Isaiah 13 in the SBIPS
Isaiah 13 in the SBISS
Isaiah 13 in the SBITS
Isaiah 13 in the SBITS2
Isaiah 13 in the SBITS3
Isaiah 13 in the SBITS4
Isaiah 13 in the SBIUS
Isaiah 13 in the SBIVS
Isaiah 13 in the SBT
Isaiah 13 in the SBT1E
Isaiah 13 in the SCHL
Isaiah 13 in the SNT
Isaiah 13 in the SUSU
Isaiah 13 in the SUSU2
Isaiah 13 in the SYNO
Isaiah 13 in the TBIAOTANT
Isaiah 13 in the TBT1E
Isaiah 13 in the TBT1E2
Isaiah 13 in the TFTIP
Isaiah 13 in the TFTU
Isaiah 13 in the TGNTATF3T
Isaiah 13 in the THAI
Isaiah 13 in the TNFD
Isaiah 13 in the TNT
Isaiah 13 in the TNTIK
Isaiah 13 in the TNTIL
Isaiah 13 in the TNTIN
Isaiah 13 in the TNTIP
Isaiah 13 in the TNTIZ
Isaiah 13 in the TOMA
Isaiah 13 in the TTENT
Isaiah 13 in the UBG
Isaiah 13 in the UGV
Isaiah 13 in the UGV2
Isaiah 13 in the UGV3
Isaiah 13 in the VBL
Isaiah 13 in the VDCC
Isaiah 13 in the YALU
Isaiah 13 in the YAPE
Isaiah 13 in the YBVTP
Isaiah 13 in the ZBP