Isaiah 26 (BOSCB)
1 Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha:Tine guta rakasimba;Mwari anoita kuti ruponesoruve masvingo nenhare dzaro. 2 Zarurai masuo kuti rudzirwakarurama rupinde,rudzi runochengeta kutenda. 3 Muchachengeta murugarerwakakwana munhu ane mufungo wakasimba,nokuti anovimba nemi. 4 Vimba naJehovha nokusingaperi,nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi. 5 Anoderedza avo vagere pakakwirira,anodzikisa pasi guta rapamusoro;anorideredza kusvikira pavhuuye anorikanda muguruva. 6 Tsoka dzicharitsikirira pasi,tsoka dzavakamanikidzwa,idzo tsoka dzavarombo. 7 Nzira yavakarurama yakati chechetere;imi Akarurama, munoita kuti nzira yavakarurama iti chechetere. 8 Hongu, Jehovha tichifamba munzira yomurayiro wenyu,tinokumirirai;zita renyu nemukurumbirawenyu ndizvo chishuwo chemwoyo yedu. 9 Mwoyo wangu unokushuvai pausiku;mangwanani, mweya wangu unokupangai.Kutonga kwenyu pakunouya panyika,vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama. 10 Kunyange nyasha dzichiratidzwa kuna vakaipa, ivo havadzidzi kururama;kunyange munyika yokururama,vanongoramba vachiita zvakaipa,uye havana hanya noukuru hwaJehovha. 11 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro,asi havaruoni.Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa;moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze. 12 Jehovha, imi munotigadzirira rugare;zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira. 13 Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga,asi zita renyu ndiro ratinokudza chete. 14 Ivo vakafa zvino, havachararamizve;mweya yavakafa haimuki.Makavaranga mukavaparadza;makabvisa chirangaridzo chavo. 15 Makakurisa rudzi, imi Jehovha;makakurisa rudzi.Makazviwanira mukurumbira;mukakurisa miganhu yose yenyika. 16 Jehovha, vakauya kwamuri mumatambudziko avo;pamakavarova,havana kugona kuzevezera munyengetero. 17 Sezvinoita mukadzi ane mimba oda kusununguka,anomonyoroka mukurwadziwa kwake, agochema kwazvo,ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, imi Jehovha. 18 Takanga tine mimba, tichimonyoroka mukurwadziwa,asi takabereka mhepo.Hatina kuvigira nyika ruponeso;hatina chatakaberekera vanhu venyika. 19 Asi vakafa venyu vachararama;miviri yavo ichamuka.Imi mugere muguruva,mukai mupembere.Dova renyu rakaita sedova ramangwanani;nyika ichabudisa vakafa vayo. 20 Chiendai, vanhu vangu,pindai mumakamuri enyu,mugopfiga mikova shure kwenyu;muvande kwechinguva kusvikira kutsamwa kwake kwapfuura. 21 Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake,kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo.Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo;haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.
In Other Versions
Isaiah 26 in the ANGEFD
Isaiah 26 in the ANTPNG2D
Isaiah 26 in the AS21
Isaiah 26 in the BAGH
Isaiah 26 in the BBPNG
Isaiah 26 in the BBT1E
Isaiah 26 in the BDS
Isaiah 26 in the BEV
Isaiah 26 in the BHAD
Isaiah 26 in the BIB
Isaiah 26 in the BLPT
Isaiah 26 in the BNT
Isaiah 26 in the BNTABOOT
Isaiah 26 in the BNTLV
Isaiah 26 in the BOATCB
Isaiah 26 in the BOATCB2
Isaiah 26 in the BOBCV
Isaiah 26 in the BOCNT
Isaiah 26 in the BOECS
Isaiah 26 in the BOGWICC
Isaiah 26 in the BOHCB
Isaiah 26 in the BOHCV
Isaiah 26 in the BOHLNT
Isaiah 26 in the BOHNTLTAL
Isaiah 26 in the BOICB
Isaiah 26 in the BOILNTAP
Isaiah 26 in the BOITCV
Isaiah 26 in the BOKCV
Isaiah 26 in the BOKCV2
Isaiah 26 in the BOKHWOG
Isaiah 26 in the BOKSSV
Isaiah 26 in the BOLCB
Isaiah 26 in the BOLCB2
Isaiah 26 in the BOMCV
Isaiah 26 in the BONAV
Isaiah 26 in the BONCB
Isaiah 26 in the BONLT
Isaiah 26 in the BONUT2
Isaiah 26 in the BOPLNT
Isaiah 26 in the BOSNC
Isaiah 26 in the BOTLNT
Isaiah 26 in the BOVCB
Isaiah 26 in the BOYCB
Isaiah 26 in the BPBB
Isaiah 26 in the BPH
Isaiah 26 in the BSB
Isaiah 26 in the CCB
Isaiah 26 in the CUV
Isaiah 26 in the CUVS
Isaiah 26 in the DBT
Isaiah 26 in the DGDNT
Isaiah 26 in the DHNT
Isaiah 26 in the DNT
Isaiah 26 in the ELBE
Isaiah 26 in the EMTV
Isaiah 26 in the ESV
Isaiah 26 in the FBV
Isaiah 26 in the FEB
Isaiah 26 in the GGMNT
Isaiah 26 in the GNT
Isaiah 26 in the HARY
Isaiah 26 in the HNT
Isaiah 26 in the IRVA
Isaiah 26 in the IRVB
Isaiah 26 in the IRVG
Isaiah 26 in the IRVH
Isaiah 26 in the IRVK
Isaiah 26 in the IRVM
Isaiah 26 in the IRVM2
Isaiah 26 in the IRVO
Isaiah 26 in the IRVP
Isaiah 26 in the IRVT
Isaiah 26 in the IRVT2
Isaiah 26 in the IRVU
Isaiah 26 in the ISVN
Isaiah 26 in the JSNT
Isaiah 26 in the KAPI
Isaiah 26 in the KBT1ETNIK
Isaiah 26 in the KBV
Isaiah 26 in the KJV
Isaiah 26 in the KNFD
Isaiah 26 in the LBA
Isaiah 26 in the LBLA
Isaiah 26 in the LNT
Isaiah 26 in the LSV
Isaiah 26 in the MAAL
Isaiah 26 in the MBV
Isaiah 26 in the MBV2
Isaiah 26 in the MHNT
Isaiah 26 in the MKNFD
Isaiah 26 in the MNG
Isaiah 26 in the MNT
Isaiah 26 in the MNT2
Isaiah 26 in the MRS1T
Isaiah 26 in the NAA
Isaiah 26 in the NASB
Isaiah 26 in the NBLA
Isaiah 26 in the NBS
Isaiah 26 in the NBVTP
Isaiah 26 in the NET2
Isaiah 26 in the NIV11
Isaiah 26 in the NNT
Isaiah 26 in the NNT2
Isaiah 26 in the NNT3
Isaiah 26 in the PDDPT
Isaiah 26 in the PFNT
Isaiah 26 in the RMNT
Isaiah 26 in the SBIAS
Isaiah 26 in the SBIBS
Isaiah 26 in the SBIBS2
Isaiah 26 in the SBICS
Isaiah 26 in the SBIDS
Isaiah 26 in the SBIGS
Isaiah 26 in the SBIHS
Isaiah 26 in the SBIIS
Isaiah 26 in the SBIIS2
Isaiah 26 in the SBIIS3
Isaiah 26 in the SBIKS
Isaiah 26 in the SBIKS2
Isaiah 26 in the SBIMS
Isaiah 26 in the SBIOS
Isaiah 26 in the SBIPS
Isaiah 26 in the SBISS
Isaiah 26 in the SBITS
Isaiah 26 in the SBITS2
Isaiah 26 in the SBITS3
Isaiah 26 in the SBITS4
Isaiah 26 in the SBIUS
Isaiah 26 in the SBIVS
Isaiah 26 in the SBT
Isaiah 26 in the SBT1E
Isaiah 26 in the SCHL
Isaiah 26 in the SNT
Isaiah 26 in the SUSU
Isaiah 26 in the SUSU2
Isaiah 26 in the SYNO
Isaiah 26 in the TBIAOTANT
Isaiah 26 in the TBT1E
Isaiah 26 in the TBT1E2
Isaiah 26 in the TFTIP
Isaiah 26 in the TFTU
Isaiah 26 in the TGNTATF3T
Isaiah 26 in the THAI
Isaiah 26 in the TNFD
Isaiah 26 in the TNT
Isaiah 26 in the TNTIK
Isaiah 26 in the TNTIL
Isaiah 26 in the TNTIN
Isaiah 26 in the TNTIP
Isaiah 26 in the TNTIZ
Isaiah 26 in the TOMA
Isaiah 26 in the TTENT
Isaiah 26 in the UBG
Isaiah 26 in the UGV
Isaiah 26 in the UGV2
Isaiah 26 in the UGV3
Isaiah 26 in the VBL
Isaiah 26 in the VDCC
Isaiah 26 in the YALU
Isaiah 26 in the YAPE
Isaiah 26 in the YBVTP
Isaiah 26 in the ZBP