Isaiah 42 (BOSCB)
1 “Tarirai muranda wangu, wandinotsigira,musanangurwa wangu wandinofarira;Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake,uye achavigira ndudzi kururamisirwa. 2 Haazodanidziri kana kuridza mhere,kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta. 3 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni,uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi.Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira; 4 haangakoniwi uye haangaperi simbakusvikira asimbisa kururamisirwa panyika.Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.” 5 Zvanzi naMwari Jehovha,iye akasika matenga akaatatamura,akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi,anopa kufema kuvanhu vayo,noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo: 6 “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama;ndichabata ruoko rwako.Ndichakuchengeta ndigokuitakuti uve sungano yavanhunechiedza kune veDzimwe Ndudzi, 7 kuti usvinudze meso asingaoni,usunungure vakasungwa mutorongouye usunungure vari mugomba, avo vagere murima. 8 “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu!Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe,kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo. 9 Tarira, zvinhu zvakare zvaitika,uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva;izvo zvisati zvavapondinozvizivisa kwamuri.” 10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,murumbidzei kubva kumagumo enyika,imi munoburukira kugungwa, nezvose zviri mariri,imi zviwi, navose vanogaramo. 11 Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire;nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare.Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro;ngavapururudze pamusoro pemakomo. 12 Ngavape rukudzo kuna Jehovhauye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi. 13 Jehovha achabuda somunhu ane simba,semhare, achamutsa kushingaira kwake;nokudanidzira, achamutsa kurwauye achakunda vavengi vake. 14 “Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu,ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora.Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka,ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira. 15 Ndichaparadza makomo nezvikomo,uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera;ndichashandura nzizi dzikava zviwi,uye madziva ndichaaomesa. 16 Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi,nomumakwara avasina kuziva,ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavouye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere.Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita;handizovasiya. 17 Asi ivo vanovimba nezvifananidzo,vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru. 18 “Inzwai, imi matsi;tarirai, imi mapofu, muone! 19 Ndianiko bofu, asi muranda wangu,uye matsi kufanana nenhume yandinotuma?Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri,kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha? 20 Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya;nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.” 21 Zvakafadza Jehovhanokuda kwokururama kwake,kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise. 22 Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa,vose vakasungwa mumakombakana kuti vakavanzwa mumatorongo.Vakava vabatwa,pasina anovarwira;vakaitwa chinhu chakapambwa,pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.” 23 Ndiani pakati penyu achateerera izvi,kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya? 24 Ndiani akarega Jakobho achipambwa,akaendesa Israeri kuvapambi?Akanga asiri Jehovha here,iye watakatadzira?Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake;havana kuteerera murayiro wake. 25 Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo,iro bongozozo rehondo.Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa;rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.
In Other Versions
Isaiah 42 in the ANGEFD
Isaiah 42 in the ANTPNG2D
Isaiah 42 in the AS21
Isaiah 42 in the BAGH
Isaiah 42 in the BBPNG
Isaiah 42 in the BBT1E
Isaiah 42 in the BDS
Isaiah 42 in the BEV
Isaiah 42 in the BHAD
Isaiah 42 in the BIB
Isaiah 42 in the BLPT
Isaiah 42 in the BNT
Isaiah 42 in the BNTABOOT
Isaiah 42 in the BNTLV
Isaiah 42 in the BOATCB
Isaiah 42 in the BOATCB2
Isaiah 42 in the BOBCV
Isaiah 42 in the BOCNT
Isaiah 42 in the BOECS
Isaiah 42 in the BOGWICC
Isaiah 42 in the BOHCB
Isaiah 42 in the BOHCV
Isaiah 42 in the BOHLNT
Isaiah 42 in the BOHNTLTAL
Isaiah 42 in the BOICB
Isaiah 42 in the BOILNTAP
Isaiah 42 in the BOITCV
Isaiah 42 in the BOKCV
Isaiah 42 in the BOKCV2
Isaiah 42 in the BOKHWOG
Isaiah 42 in the BOKSSV
Isaiah 42 in the BOLCB
Isaiah 42 in the BOLCB2
Isaiah 42 in the BOMCV
Isaiah 42 in the BONAV
Isaiah 42 in the BONCB
Isaiah 42 in the BONLT
Isaiah 42 in the BONUT2
Isaiah 42 in the BOPLNT
Isaiah 42 in the BOSNC
Isaiah 42 in the BOTLNT
Isaiah 42 in the BOVCB
Isaiah 42 in the BOYCB
Isaiah 42 in the BPBB
Isaiah 42 in the BPH
Isaiah 42 in the BSB
Isaiah 42 in the CCB
Isaiah 42 in the CUV
Isaiah 42 in the CUVS
Isaiah 42 in the DBT
Isaiah 42 in the DGDNT
Isaiah 42 in the DHNT
Isaiah 42 in the DNT
Isaiah 42 in the ELBE
Isaiah 42 in the EMTV
Isaiah 42 in the ESV
Isaiah 42 in the FBV
Isaiah 42 in the FEB
Isaiah 42 in the GGMNT
Isaiah 42 in the GNT
Isaiah 42 in the HARY
Isaiah 42 in the HNT
Isaiah 42 in the IRVA
Isaiah 42 in the IRVB
Isaiah 42 in the IRVG
Isaiah 42 in the IRVH
Isaiah 42 in the IRVK
Isaiah 42 in the IRVM
Isaiah 42 in the IRVM2
Isaiah 42 in the IRVO
Isaiah 42 in the IRVP
Isaiah 42 in the IRVT
Isaiah 42 in the IRVT2
Isaiah 42 in the IRVU
Isaiah 42 in the ISVN
Isaiah 42 in the JSNT
Isaiah 42 in the KAPI
Isaiah 42 in the KBT1ETNIK
Isaiah 42 in the KBV
Isaiah 42 in the KJV
Isaiah 42 in the KNFD
Isaiah 42 in the LBA
Isaiah 42 in the LBLA
Isaiah 42 in the LNT
Isaiah 42 in the LSV
Isaiah 42 in the MAAL
Isaiah 42 in the MBV
Isaiah 42 in the MBV2
Isaiah 42 in the MHNT
Isaiah 42 in the MKNFD
Isaiah 42 in the MNG
Isaiah 42 in the MNT
Isaiah 42 in the MNT2
Isaiah 42 in the MRS1T
Isaiah 42 in the NAA
Isaiah 42 in the NASB
Isaiah 42 in the NBLA
Isaiah 42 in the NBS
Isaiah 42 in the NBVTP
Isaiah 42 in the NET2
Isaiah 42 in the NIV11
Isaiah 42 in the NNT
Isaiah 42 in the NNT2
Isaiah 42 in the NNT3
Isaiah 42 in the PDDPT
Isaiah 42 in the PFNT
Isaiah 42 in the RMNT
Isaiah 42 in the SBIAS
Isaiah 42 in the SBIBS
Isaiah 42 in the SBIBS2
Isaiah 42 in the SBICS
Isaiah 42 in the SBIDS
Isaiah 42 in the SBIGS
Isaiah 42 in the SBIHS
Isaiah 42 in the SBIIS
Isaiah 42 in the SBIIS2
Isaiah 42 in the SBIIS3
Isaiah 42 in the SBIKS
Isaiah 42 in the SBIKS2
Isaiah 42 in the SBIMS
Isaiah 42 in the SBIOS
Isaiah 42 in the SBIPS
Isaiah 42 in the SBISS
Isaiah 42 in the SBITS
Isaiah 42 in the SBITS2
Isaiah 42 in the SBITS3
Isaiah 42 in the SBITS4
Isaiah 42 in the SBIUS
Isaiah 42 in the SBIVS
Isaiah 42 in the SBT
Isaiah 42 in the SBT1E
Isaiah 42 in the SCHL
Isaiah 42 in the SNT
Isaiah 42 in the SUSU
Isaiah 42 in the SUSU2
Isaiah 42 in the SYNO
Isaiah 42 in the TBIAOTANT
Isaiah 42 in the TBT1E
Isaiah 42 in the TBT1E2
Isaiah 42 in the TFTIP
Isaiah 42 in the TFTU
Isaiah 42 in the TGNTATF3T
Isaiah 42 in the THAI
Isaiah 42 in the TNFD
Isaiah 42 in the TNT
Isaiah 42 in the TNTIK
Isaiah 42 in the TNTIL
Isaiah 42 in the TNTIN
Isaiah 42 in the TNTIP
Isaiah 42 in the TNTIZ
Isaiah 42 in the TOMA
Isaiah 42 in the TTENT
Isaiah 42 in the UBG
Isaiah 42 in the UGV
Isaiah 42 in the UGV2
Isaiah 42 in the UGV3
Isaiah 42 in the VBL
Isaiah 42 in the VDCC
Isaiah 42 in the YALU
Isaiah 42 in the YAPE
Isaiah 42 in the YBVTP
Isaiah 42 in the ZBP