John 2 (BOSCB)
1 Pazuva rechitatu muchato wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo, 2 uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu. 3 Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.” 4 Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.” 5 Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.” 6 Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana. 7 Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo. 8 Ipapo akati kwavari, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.”Vakaita saizvozvo. 9 Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi 10 akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino.” 11 Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari. 12 Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanunʼuna vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma. 13 Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema. 14 Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari. 15 Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo. 16 Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!” 17 Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” 18 Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?” 19 Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.” 20 VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?” 21 Asi temberi yaaireva waiva muviri wake. 22 Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu. 23 Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita vakatenda muzita rake. 24 Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose. 25 Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.
In Other Versions
John 2 in the ANGEFD
John 2 in the ANTPNG2D
John 2 in the AS21
John 2 in the BAGH
John 2 in the BBPNG
John 2 in the BBT1E
John 2 in the BDS
John 2 in the BEV
John 2 in the BHAD
John 2 in the BIB
John 2 in the BLPT
John 2 in the BNT
John 2 in the BNTABOOT
John 2 in the BNTLV
John 2 in the BOATCB
John 2 in the BOATCB2
John 2 in the BOBCV
John 2 in the BOCNT
John 2 in the BOECS
John 2 in the BOGWICC
John 2 in the BOHCB
John 2 in the BOHCV
John 2 in the BOHLNT
John 2 in the BOHNTLTAL
John 2 in the BOICB
John 2 in the BOILNTAP
John 2 in the BOITCV
John 2 in the BOKCV
John 2 in the BOKCV2
John 2 in the BOKHWOG
John 2 in the BOKSSV
John 2 in the BOLCB
John 2 in the BOLCB2
John 2 in the BOMCV
John 2 in the BONAV
John 2 in the BONCB
John 2 in the BONLT
John 2 in the BONUT2
John 2 in the BOPLNT
John 2 in the BOSNC
John 2 in the BOTLNT
John 2 in the BOVCB
John 2 in the BOYCB
John 2 in the BPBB
John 2 in the BPH
John 2 in the BSB
John 2 in the CCB
John 2 in the CUV
John 2 in the CUVS
John 2 in the DBT
John 2 in the DGDNT
John 2 in the DHNT
John 2 in the DNT
John 2 in the ELBE
John 2 in the EMTV
John 2 in the ESV
John 2 in the FBV
John 2 in the FEB
John 2 in the GGMNT
John 2 in the GNT
John 2 in the HARY
John 2 in the HNT
John 2 in the IRVA
John 2 in the IRVB
John 2 in the IRVG
John 2 in the IRVH
John 2 in the IRVK
John 2 in the IRVM
John 2 in the IRVM2
John 2 in the IRVO
John 2 in the IRVP
John 2 in the IRVT
John 2 in the IRVT2
John 2 in the IRVU
John 2 in the ISVN
John 2 in the JSNT
John 2 in the KAPI
John 2 in the KBT1ETNIK
John 2 in the KBV
John 2 in the KJV
John 2 in the KNFD
John 2 in the LBA
John 2 in the LBLA
John 2 in the LNT
John 2 in the LSV
John 2 in the MAAL
John 2 in the MBV
John 2 in the MBV2
John 2 in the MHNT
John 2 in the MKNFD
John 2 in the MNG
John 2 in the MNT
John 2 in the MNT2
John 2 in the MRS1T
John 2 in the NAA
John 2 in the NASB
John 2 in the NBLA
John 2 in the NBS
John 2 in the NBVTP
John 2 in the NET2
John 2 in the NIV11
John 2 in the NNT
John 2 in the NNT2
John 2 in the NNT3
John 2 in the PDDPT
John 2 in the PFNT
John 2 in the RMNT
John 2 in the SBIAS
John 2 in the SBIBS
John 2 in the SBIBS2
John 2 in the SBICS
John 2 in the SBIDS
John 2 in the SBIGS
John 2 in the SBIHS
John 2 in the SBIIS
John 2 in the SBIIS2
John 2 in the SBIIS3
John 2 in the SBIKS
John 2 in the SBIKS2
John 2 in the SBIMS
John 2 in the SBIOS
John 2 in the SBIPS
John 2 in the SBISS
John 2 in the SBITS
John 2 in the SBITS2
John 2 in the SBITS3
John 2 in the SBITS4
John 2 in the SBIUS
John 2 in the SBIVS
John 2 in the SBT
John 2 in the SBT1E
John 2 in the SCHL
John 2 in the SNT
John 2 in the SUSU
John 2 in the SUSU2
John 2 in the SYNO
John 2 in the TBIAOTANT
John 2 in the TBT1E
John 2 in the TBT1E2
John 2 in the TFTIP
John 2 in the TFTU
John 2 in the TGNTATF3T
John 2 in the THAI
John 2 in the TNFD
John 2 in the TNT
John 2 in the TNTIK
John 2 in the TNTIL
John 2 in the TNTIN
John 2 in the TNTIP
John 2 in the TNTIZ
John 2 in the TOMA
John 2 in the TTENT
John 2 in the UBG
John 2 in the UGV
John 2 in the UGV2
John 2 in the UGV3
John 2 in the VBL
John 2 in the VDCC
John 2 in the YALU
John 2 in the YAPE
John 2 in the YBVTP
John 2 in the ZBP