John 7 (BOSCB)

1 Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya. 2 Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo, 3 vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita. 4 Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.” 5 Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari. 6 Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka. 7 Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa. 8 Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.” 9 Akati areva izvi, akagara muGarirea. 10 Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande. 11 Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?” 12 Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose.Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.” 13 Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha. 14 Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa. 15 VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?” 16 Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. 17 Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga. 18 Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari. 19 Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?” 20 Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?” 21 Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo. 22 Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata. 23 Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata? 24 Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.” 25 Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye murume uya wavari kuedza kuuraya here? 26 Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu? 27 Asi tinoziva kunobva murume uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.” 28 Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi, 29 asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.” 30 Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika. 31 Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?” 32 VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga. 33 Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma. 34 Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.” 35 VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki? 36 Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?” 37 Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa. 38 Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.” 39 Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake. 40 Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.” 41 Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.”Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea? 42 Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?” 43 Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu. 44 Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari. 45 Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?” 46 Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.” 47 VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo? 48 Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here? 49 Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.” 50 Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati, 51 “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?” 52 Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.” 53 Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

In Other Versions

John 7 in the ANGEFD

John 7 in the ANTPNG2D

John 7 in the AS21

John 7 in the BAGH

John 7 in the BBPNG

John 7 in the BBT1E

John 7 in the BDS

John 7 in the BEV

John 7 in the BHAD

John 7 in the BIB

John 7 in the BLPT

John 7 in the BNT

John 7 in the BNTABOOT

John 7 in the BNTLV

John 7 in the BOATCB

John 7 in the BOATCB2

John 7 in the BOBCV

John 7 in the BOCNT

John 7 in the BOECS

John 7 in the BOGWICC

John 7 in the BOHCB

John 7 in the BOHCV

John 7 in the BOHLNT

John 7 in the BOHNTLTAL

John 7 in the BOICB

John 7 in the BOILNTAP

John 7 in the BOITCV

John 7 in the BOKCV

John 7 in the BOKCV2

John 7 in the BOKHWOG

John 7 in the BOKSSV

John 7 in the BOLCB

John 7 in the BOLCB2

John 7 in the BOMCV

John 7 in the BONAV

John 7 in the BONCB

John 7 in the BONLT

John 7 in the BONUT2

John 7 in the BOPLNT

John 7 in the BOSNC

John 7 in the BOTLNT

John 7 in the BOVCB

John 7 in the BOYCB

John 7 in the BPBB

John 7 in the BPH

John 7 in the BSB

John 7 in the CCB

John 7 in the CUV

John 7 in the CUVS

John 7 in the DBT

John 7 in the DGDNT

John 7 in the DHNT

John 7 in the DNT

John 7 in the ELBE

John 7 in the EMTV

John 7 in the ESV

John 7 in the FBV

John 7 in the FEB

John 7 in the GGMNT

John 7 in the GNT

John 7 in the HARY

John 7 in the HNT

John 7 in the IRVA

John 7 in the IRVB

John 7 in the IRVG

John 7 in the IRVH

John 7 in the IRVK

John 7 in the IRVM

John 7 in the IRVM2

John 7 in the IRVO

John 7 in the IRVP

John 7 in the IRVT

John 7 in the IRVT2

John 7 in the IRVU

John 7 in the ISVN

John 7 in the JSNT

John 7 in the KAPI

John 7 in the KBT1ETNIK

John 7 in the KBV

John 7 in the KJV

John 7 in the KNFD

John 7 in the LBA

John 7 in the LBLA

John 7 in the LNT

John 7 in the LSV

John 7 in the MAAL

John 7 in the MBV

John 7 in the MBV2

John 7 in the MHNT

John 7 in the MKNFD

John 7 in the MNG

John 7 in the MNT

John 7 in the MNT2

John 7 in the MRS1T

John 7 in the NAA

John 7 in the NASB

John 7 in the NBLA

John 7 in the NBS

John 7 in the NBVTP

John 7 in the NET2

John 7 in the NIV11

John 7 in the NNT

John 7 in the NNT2

John 7 in the NNT3

John 7 in the PDDPT

John 7 in the PFNT

John 7 in the RMNT

John 7 in the SBIAS

John 7 in the SBIBS

John 7 in the SBIBS2

John 7 in the SBICS

John 7 in the SBIDS

John 7 in the SBIGS

John 7 in the SBIHS

John 7 in the SBIIS

John 7 in the SBIIS2

John 7 in the SBIIS3

John 7 in the SBIKS

John 7 in the SBIKS2

John 7 in the SBIMS

John 7 in the SBIOS

John 7 in the SBIPS

John 7 in the SBISS

John 7 in the SBITS

John 7 in the SBITS2

John 7 in the SBITS3

John 7 in the SBITS4

John 7 in the SBIUS

John 7 in the SBIVS

John 7 in the SBT

John 7 in the SBT1E

John 7 in the SCHL

John 7 in the SNT

John 7 in the SUSU

John 7 in the SUSU2

John 7 in the SYNO

John 7 in the TBIAOTANT

John 7 in the TBT1E

John 7 in the TBT1E2

John 7 in the TFTIP

John 7 in the TFTU

John 7 in the TGNTATF3T

John 7 in the THAI

John 7 in the TNFD

John 7 in the TNT

John 7 in the TNTIK

John 7 in the TNTIL

John 7 in the TNTIN

John 7 in the TNTIP

John 7 in the TNTIZ

John 7 in the TOMA

John 7 in the TTENT

John 7 in the UBG

John 7 in the UGV

John 7 in the UGV2

John 7 in the UGV3

John 7 in the VBL

John 7 in the VDCC

John 7 in the YALU

John 7 in the YAPE

John 7 in the YBVTP

John 7 in the ZBP