Job 25 (BOSCB)
1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2 “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari;uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga. 3 Mauto ake angaverengwa here?Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake? 4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari?Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei? 5 Kunyange dai mwedzi ukasachena,uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake, 6 ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro,iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”