Job 36 (BOSCB)

1 Erihu akaenderera mberi achiti: 2 “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva,ipapo ndichakuratidzaikuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari. 3 Ruzivo rwangu runobva kure;ndichati Muiti wangu akarurama. 4 Muzive kuti mashoko angu haasi enhema;akakwana pazivo ari pakati penyu. 5 “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu;ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga. 6 Haaregi vakaipa vari vapenyu,asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo. 7 Haabvisi meso ake pane vakarurama;anovagadza pamwe chete namadzimambouye anovasimudzira nokusingaperi. 8 Asi kana vanhu vakasungwa nengetani,vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika, 9 iye anovaudza zvavanenge vaita,kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru. 10 Anovaita kuti vateerere kurayirwa,uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo. 11 Kana vakateerera uye vakamushumira,vachapedza mazuva avo ose mukubudirirauye makore avo vari mukugutsikana. 12 Asi kana vasingateereri,vachapera nomunondo,uye vachafa vasina zivo. 13 “Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi,kunyange paanovasunga,havaridzi mhere kuti vabatsirwe. 14 Vanofa panguva yeujaya hwavo,pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe. 15 Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo;anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo. 16 “Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo,kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo,pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka. 17 Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa;kutonga uye kururamisira zvakubata iwe. 18 Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma;usarega fufuro huru ichikutsausa. 19 Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rakozvingakutsigira kuti urege kutambudzika here? 20 Rega kushuva usiku,kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo. 21 Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa,izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika. 22 “Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake.Ndianiko mudzidzisi akafanana naye? 23 Ndianiko akamuratidza nzira dzake,kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’ 24 Rangarira kukudza basa rake,iro rakarumbidzwa navanhu munziyo. 25 Marudzi ose avanhu akariona;vanhu vanoritarisa vari kure. 26 Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu!Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki. 27 “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro,anoshanduka achinaya semvura kuhova; 28 makore anodurura unyoro hwawouye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu. 29 Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore,namatinhiriro aanoita ari mudenga rake? 30 Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake,ichituhwina makadzika megungwa. 31 Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzineyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda. 32 Anozadza maoko ake nemheniagorayira kuti irove paanoda. 33 Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya;kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.

In Other Versions

Job 36 in the ANGEFD

Job 36 in the ANTPNG2D

Job 36 in the AS21

Job 36 in the BAGH

Job 36 in the BBPNG

Job 36 in the BBT1E

Job 36 in the BDS

Job 36 in the BEV

Job 36 in the BHAD

Job 36 in the BIB

Job 36 in the BLPT

Job 36 in the BNT

Job 36 in the BNTABOOT

Job 36 in the BNTLV

Job 36 in the BOATCB

Job 36 in the BOATCB2

Job 36 in the BOBCV

Job 36 in the BOCNT

Job 36 in the BOECS

Job 36 in the BOGWICC

Job 36 in the BOHCB

Job 36 in the BOHCV

Job 36 in the BOHLNT

Job 36 in the BOHNTLTAL

Job 36 in the BOICB

Job 36 in the BOILNTAP

Job 36 in the BOITCV

Job 36 in the BOKCV

Job 36 in the BOKCV2

Job 36 in the BOKHWOG

Job 36 in the BOKSSV

Job 36 in the BOLCB

Job 36 in the BOLCB2

Job 36 in the BOMCV

Job 36 in the BONAV

Job 36 in the BONCB

Job 36 in the BONLT

Job 36 in the BONUT2

Job 36 in the BOPLNT

Job 36 in the BOSNC

Job 36 in the BOTLNT

Job 36 in the BOVCB

Job 36 in the BOYCB

Job 36 in the BPBB

Job 36 in the BPH

Job 36 in the BSB

Job 36 in the CCB

Job 36 in the CUV

Job 36 in the CUVS

Job 36 in the DBT

Job 36 in the DGDNT

Job 36 in the DHNT

Job 36 in the DNT

Job 36 in the ELBE

Job 36 in the EMTV

Job 36 in the ESV

Job 36 in the FBV

Job 36 in the FEB

Job 36 in the GGMNT

Job 36 in the GNT

Job 36 in the HARY

Job 36 in the HNT

Job 36 in the IRVA

Job 36 in the IRVB

Job 36 in the IRVG

Job 36 in the IRVH

Job 36 in the IRVK

Job 36 in the IRVM

Job 36 in the IRVM2

Job 36 in the IRVO

Job 36 in the IRVP

Job 36 in the IRVT

Job 36 in the IRVT2

Job 36 in the IRVU

Job 36 in the ISVN

Job 36 in the JSNT

Job 36 in the KAPI

Job 36 in the KBT1ETNIK

Job 36 in the KBV

Job 36 in the KJV

Job 36 in the KNFD

Job 36 in the LBA

Job 36 in the LBLA

Job 36 in the LNT

Job 36 in the LSV

Job 36 in the MAAL

Job 36 in the MBV

Job 36 in the MBV2

Job 36 in the MHNT

Job 36 in the MKNFD

Job 36 in the MNG

Job 36 in the MNT

Job 36 in the MNT2

Job 36 in the MRS1T

Job 36 in the NAA

Job 36 in the NASB

Job 36 in the NBLA

Job 36 in the NBS

Job 36 in the NBVTP

Job 36 in the NET2

Job 36 in the NIV11

Job 36 in the NNT

Job 36 in the NNT2

Job 36 in the NNT3

Job 36 in the PDDPT

Job 36 in the PFNT

Job 36 in the RMNT

Job 36 in the SBIAS

Job 36 in the SBIBS

Job 36 in the SBIBS2

Job 36 in the SBICS

Job 36 in the SBIDS

Job 36 in the SBIGS

Job 36 in the SBIHS

Job 36 in the SBIIS

Job 36 in the SBIIS2

Job 36 in the SBIIS3

Job 36 in the SBIKS

Job 36 in the SBIKS2

Job 36 in the SBIMS

Job 36 in the SBIOS

Job 36 in the SBIPS

Job 36 in the SBISS

Job 36 in the SBITS

Job 36 in the SBITS2

Job 36 in the SBITS3

Job 36 in the SBITS4

Job 36 in the SBIUS

Job 36 in the SBIVS

Job 36 in the SBT

Job 36 in the SBT1E

Job 36 in the SCHL

Job 36 in the SNT

Job 36 in the SUSU

Job 36 in the SUSU2

Job 36 in the SYNO

Job 36 in the TBIAOTANT

Job 36 in the TBT1E

Job 36 in the TBT1E2

Job 36 in the TFTIP

Job 36 in the TFTU

Job 36 in the TGNTATF3T

Job 36 in the THAI

Job 36 in the TNFD

Job 36 in the TNT

Job 36 in the TNTIK

Job 36 in the TNTIL

Job 36 in the TNTIN

Job 36 in the TNTIP

Job 36 in the TNTIZ

Job 36 in the TOMA

Job 36 in the TTENT

Job 36 in the UBG

Job 36 in the UGV

Job 36 in the UGV2

Job 36 in the UGV3

Job 36 in the VBL

Job 36 in the VDCC

Job 36 in the YALU

Job 36 in the YAPE

Job 36 in the YBVTP

Job 36 in the ZBP