Matthew 19 (BOSCB)

1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. 2 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko. 3 Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?” 4 Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, 5 akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ 6 Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.” 7 Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?” 8 Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga. 9 Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.” 10 Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.” 11 Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa. 12 Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.” 13 Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo. 14 Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.” 15 Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo. 16 Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” 17 Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.” 18 Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?”Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema. 19 Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ” 20 Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?” 21 Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.” 22 Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo. 23 Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. 24 Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” 25 Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?” 26 Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.” 27 Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?” 28 Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri. 29 Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. 30 Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.

In Other Versions

Matthew 19 in the ANGEFD

Matthew 19 in the ANTPNG2D

Matthew 19 in the AS21

Matthew 19 in the BAGH

Matthew 19 in the BBPNG

Matthew 19 in the BBT1E

Matthew 19 in the BDS

Matthew 19 in the BEV

Matthew 19 in the BHAD

Matthew 19 in the BIB

Matthew 19 in the BLPT

Matthew 19 in the BNT

Matthew 19 in the BNTABOOT

Matthew 19 in the BNTLV

Matthew 19 in the BOATCB

Matthew 19 in the BOATCB2

Matthew 19 in the BOBCV

Matthew 19 in the BOCNT

Matthew 19 in the BOECS

Matthew 19 in the BOGWICC

Matthew 19 in the BOHCB

Matthew 19 in the BOHCV

Matthew 19 in the BOHLNT

Matthew 19 in the BOHNTLTAL

Matthew 19 in the BOICB

Matthew 19 in the BOILNTAP

Matthew 19 in the BOITCV

Matthew 19 in the BOKCV

Matthew 19 in the BOKCV2

Matthew 19 in the BOKHWOG

Matthew 19 in the BOKSSV

Matthew 19 in the BOLCB

Matthew 19 in the BOLCB2

Matthew 19 in the BOMCV

Matthew 19 in the BONAV

Matthew 19 in the BONCB

Matthew 19 in the BONLT

Matthew 19 in the BONUT2

Matthew 19 in the BOPLNT

Matthew 19 in the BOSNC

Matthew 19 in the BOTLNT

Matthew 19 in the BOVCB

Matthew 19 in the BOYCB

Matthew 19 in the BPBB

Matthew 19 in the BPH

Matthew 19 in the BSB

Matthew 19 in the CCB

Matthew 19 in the CUV

Matthew 19 in the CUVS

Matthew 19 in the DBT

Matthew 19 in the DGDNT

Matthew 19 in the DHNT

Matthew 19 in the DNT

Matthew 19 in the ELBE

Matthew 19 in the EMTV

Matthew 19 in the ESV

Matthew 19 in the FBV

Matthew 19 in the FEB

Matthew 19 in the GGMNT

Matthew 19 in the GNT

Matthew 19 in the HARY

Matthew 19 in the HNT

Matthew 19 in the IRVA

Matthew 19 in the IRVB

Matthew 19 in the IRVG

Matthew 19 in the IRVH

Matthew 19 in the IRVK

Matthew 19 in the IRVM

Matthew 19 in the IRVM2

Matthew 19 in the IRVO

Matthew 19 in the IRVP

Matthew 19 in the IRVT

Matthew 19 in the IRVT2

Matthew 19 in the IRVU

Matthew 19 in the ISVN

Matthew 19 in the JSNT

Matthew 19 in the KAPI

Matthew 19 in the KBT1ETNIK

Matthew 19 in the KBV

Matthew 19 in the KJV

Matthew 19 in the KNFD

Matthew 19 in the LBA

Matthew 19 in the LBLA

Matthew 19 in the LNT

Matthew 19 in the LSV

Matthew 19 in the MAAL

Matthew 19 in the MBV

Matthew 19 in the MBV2

Matthew 19 in the MHNT

Matthew 19 in the MKNFD

Matthew 19 in the MNG

Matthew 19 in the MNT

Matthew 19 in the MNT2

Matthew 19 in the MRS1T

Matthew 19 in the NAA

Matthew 19 in the NASB

Matthew 19 in the NBLA

Matthew 19 in the NBS

Matthew 19 in the NBVTP

Matthew 19 in the NET2

Matthew 19 in the NIV11

Matthew 19 in the NNT

Matthew 19 in the NNT2

Matthew 19 in the NNT3

Matthew 19 in the PDDPT

Matthew 19 in the PFNT

Matthew 19 in the RMNT

Matthew 19 in the SBIAS

Matthew 19 in the SBIBS

Matthew 19 in the SBIBS2

Matthew 19 in the SBICS

Matthew 19 in the SBIDS

Matthew 19 in the SBIGS

Matthew 19 in the SBIHS

Matthew 19 in the SBIIS

Matthew 19 in the SBIIS2

Matthew 19 in the SBIIS3

Matthew 19 in the SBIKS

Matthew 19 in the SBIKS2

Matthew 19 in the SBIMS

Matthew 19 in the SBIOS

Matthew 19 in the SBIPS

Matthew 19 in the SBISS

Matthew 19 in the SBITS

Matthew 19 in the SBITS2

Matthew 19 in the SBITS3

Matthew 19 in the SBITS4

Matthew 19 in the SBIUS

Matthew 19 in the SBIVS

Matthew 19 in the SBT

Matthew 19 in the SBT1E

Matthew 19 in the SCHL

Matthew 19 in the SNT

Matthew 19 in the SUSU

Matthew 19 in the SUSU2

Matthew 19 in the SYNO

Matthew 19 in the TBIAOTANT

Matthew 19 in the TBT1E

Matthew 19 in the TBT1E2

Matthew 19 in the TFTIP

Matthew 19 in the TFTU

Matthew 19 in the TGNTATF3T

Matthew 19 in the THAI

Matthew 19 in the TNFD

Matthew 19 in the TNT

Matthew 19 in the TNTIK

Matthew 19 in the TNTIL

Matthew 19 in the TNTIN

Matthew 19 in the TNTIP

Matthew 19 in the TNTIZ

Matthew 19 in the TOMA

Matthew 19 in the TTENT

Matthew 19 in the UBG

Matthew 19 in the UGV

Matthew 19 in the UGV2

Matthew 19 in the UGV3

Matthew 19 in the VBL

Matthew 19 in the VDCC

Matthew 19 in the YALU

Matthew 19 in the YAPE

Matthew 19 in the YBVTP

Matthew 19 in the ZBP