Mark 5 (BOSCB)

1 Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase. 2 Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. 3 Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. 4 Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. 5 Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo. 6 Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake. 7 Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!” 8 Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!” 9 Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?”Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.” 10 Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo. 11 Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi. 12 Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.” 13 Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo. 14 Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika. 15 Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya. 16 Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo. 17 Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo. 18 Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye. 19 Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.” 20 Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa. 21 Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa. 22 Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake 23 uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.” 24 Saka Jesu akaenda naye.Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana. 25 Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. 26 Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. 27 Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, 28 nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.” 29 Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake. 30 Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?” 31 Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ” 32 Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo. 33 Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose. 34 Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.” 35 Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?” 36 Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.” 37 Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho. 38 Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. 39 Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.” 40 Asi vakamuseka.Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. 41 Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”) 42 Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru. 43 Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.

In Other Versions

Mark 5 in the ANGEFD

Mark 5 in the ANTPNG2D

Mark 5 in the AS21

Mark 5 in the BAGH

Mark 5 in the BBPNG

Mark 5 in the BBT1E

Mark 5 in the BDS

Mark 5 in the BEV

Mark 5 in the BHAD

Mark 5 in the BIB

Mark 5 in the BLPT

Mark 5 in the BNT

Mark 5 in the BNTABOOT

Mark 5 in the BNTLV

Mark 5 in the BOATCB

Mark 5 in the BOATCB2

Mark 5 in the BOBCV

Mark 5 in the BOCNT

Mark 5 in the BOECS

Mark 5 in the BOGWICC

Mark 5 in the BOHCB

Mark 5 in the BOHCV

Mark 5 in the BOHLNT

Mark 5 in the BOHNTLTAL

Mark 5 in the BOICB

Mark 5 in the BOILNTAP

Mark 5 in the BOITCV

Mark 5 in the BOKCV

Mark 5 in the BOKCV2

Mark 5 in the BOKHWOG

Mark 5 in the BOKSSV

Mark 5 in the BOLCB

Mark 5 in the BOLCB2

Mark 5 in the BOMCV

Mark 5 in the BONAV

Mark 5 in the BONCB

Mark 5 in the BONLT

Mark 5 in the BONUT2

Mark 5 in the BOPLNT

Mark 5 in the BOSNC

Mark 5 in the BOTLNT

Mark 5 in the BOVCB

Mark 5 in the BOYCB

Mark 5 in the BPBB

Mark 5 in the BPH

Mark 5 in the BSB

Mark 5 in the CCB

Mark 5 in the CUV

Mark 5 in the CUVS

Mark 5 in the DBT

Mark 5 in the DGDNT

Mark 5 in the DHNT

Mark 5 in the DNT

Mark 5 in the ELBE

Mark 5 in the EMTV

Mark 5 in the ESV

Mark 5 in the FBV

Mark 5 in the FEB

Mark 5 in the GGMNT

Mark 5 in the GNT

Mark 5 in the HARY

Mark 5 in the HNT

Mark 5 in the IRVA

Mark 5 in the IRVB

Mark 5 in the IRVG

Mark 5 in the IRVH

Mark 5 in the IRVK

Mark 5 in the IRVM

Mark 5 in the IRVM2

Mark 5 in the IRVO

Mark 5 in the IRVP

Mark 5 in the IRVT

Mark 5 in the IRVT2

Mark 5 in the IRVU

Mark 5 in the ISVN

Mark 5 in the JSNT

Mark 5 in the KAPI

Mark 5 in the KBT1ETNIK

Mark 5 in the KBV

Mark 5 in the KJV

Mark 5 in the KNFD

Mark 5 in the LBA

Mark 5 in the LBLA

Mark 5 in the LNT

Mark 5 in the LSV

Mark 5 in the MAAL

Mark 5 in the MBV

Mark 5 in the MBV2

Mark 5 in the MHNT

Mark 5 in the MKNFD

Mark 5 in the MNG

Mark 5 in the MNT

Mark 5 in the MNT2

Mark 5 in the MRS1T

Mark 5 in the NAA

Mark 5 in the NASB

Mark 5 in the NBLA

Mark 5 in the NBS

Mark 5 in the NBVTP

Mark 5 in the NET2

Mark 5 in the NIV11

Mark 5 in the NNT

Mark 5 in the NNT2

Mark 5 in the NNT3

Mark 5 in the PDDPT

Mark 5 in the PFNT

Mark 5 in the RMNT

Mark 5 in the SBIAS

Mark 5 in the SBIBS

Mark 5 in the SBIBS2

Mark 5 in the SBICS

Mark 5 in the SBIDS

Mark 5 in the SBIGS

Mark 5 in the SBIHS

Mark 5 in the SBIIS

Mark 5 in the SBIIS2

Mark 5 in the SBIIS3

Mark 5 in the SBIKS

Mark 5 in the SBIKS2

Mark 5 in the SBIMS

Mark 5 in the SBIOS

Mark 5 in the SBIPS

Mark 5 in the SBISS

Mark 5 in the SBITS

Mark 5 in the SBITS2

Mark 5 in the SBITS3

Mark 5 in the SBITS4

Mark 5 in the SBIUS

Mark 5 in the SBIVS

Mark 5 in the SBT

Mark 5 in the SBT1E

Mark 5 in the SCHL

Mark 5 in the SNT

Mark 5 in the SUSU

Mark 5 in the SUSU2

Mark 5 in the SYNO

Mark 5 in the TBIAOTANT

Mark 5 in the TBT1E

Mark 5 in the TBT1E2

Mark 5 in the TFTIP

Mark 5 in the TFTU

Mark 5 in the TGNTATF3T

Mark 5 in the THAI

Mark 5 in the TNFD

Mark 5 in the TNT

Mark 5 in the TNTIK

Mark 5 in the TNTIL

Mark 5 in the TNTIN

Mark 5 in the TNTIP

Mark 5 in the TNTIZ

Mark 5 in the TOMA

Mark 5 in the TTENT

Mark 5 in the UBG

Mark 5 in the UGV

Mark 5 in the UGV2

Mark 5 in the UGV3

Mark 5 in the VBL

Mark 5 in the VDCC

Mark 5 in the YALU

Mark 5 in the YAPE

Mark 5 in the YBVTP

Mark 5 in the ZBP