Proverbs 15 (BOSCB)

1 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha. 2 Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo,asi muromo webenzi unodurura upenzi. 3 Meso aJehovha ari pose pose,achicherechedza vakaipa navakanaka. 4 Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu,asi rurimi runonyengera runopwanya mweya. 5 Benzi rinoramba kurayira kwababa varo,asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara. 6 Imba yowakarurama ine pfuma zhinji,asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika. 7 Miromo yavakachenjera inokusha zivo;asi mwoyo yamapenzi haidaro. 8 Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa,asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza. 9 Jehovha anovenga nzira yeakaipa,asi anoda vaya vanotevera kururama. 10 Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira;uyo anovenga kudzorwa achafa. 11 Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha,ko, kuzoti mwoyo yavanhu! 12 Mudadi anovenga kudzorwa;haangabvunzi vakachenjera. 13 Mwoyo wakafara, unofadza chiso,asi mwoyo une shungu unopwanya mweya. 14 Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo,asi muromo webenzi unodya upenzi. 15 Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa,asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose. 16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha,pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko. 17 Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo,pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo. 18 Munhu ane hasha anomutsa bopoto,asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara. 19 Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa,asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru. 20 Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro,asi munhu benzi anozvidza mai vake. 21 Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere,asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama. 22 Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano,asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira. 23 Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka,uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva! 24 Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro,ichimuchengetedza kuti asaenda muguva. 25 Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza,asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba. 26 Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa,asi dzavakachena dzinomufadza. 27 Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake,asi anovenga fufuro achararama. 28 Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo,asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa. 29 Jehovha ari kure neakaipa,asi anonzwa munyengetero weakarurama. 30 Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo,uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa. 31 Uyo anoteerera kutsiurakunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera. 32 Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake,asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa. 33 Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri,uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

In Other Versions

Proverbs 15 in the ANGEFD

Proverbs 15 in the ANTPNG2D

Proverbs 15 in the AS21

Proverbs 15 in the BAGH

Proverbs 15 in the BBPNG

Proverbs 15 in the BBT1E

Proverbs 15 in the BDS

Proverbs 15 in the BEV

Proverbs 15 in the BHAD

Proverbs 15 in the BIB

Proverbs 15 in the BLPT

Proverbs 15 in the BNT

Proverbs 15 in the BNTABOOT

Proverbs 15 in the BNTLV

Proverbs 15 in the BOATCB

Proverbs 15 in the BOATCB2

Proverbs 15 in the BOBCV

Proverbs 15 in the BOCNT

Proverbs 15 in the BOECS

Proverbs 15 in the BOGWICC

Proverbs 15 in the BOHCB

Proverbs 15 in the BOHCV

Proverbs 15 in the BOHLNT

Proverbs 15 in the BOHNTLTAL

Proverbs 15 in the BOICB

Proverbs 15 in the BOILNTAP

Proverbs 15 in the BOITCV

Proverbs 15 in the BOKCV

Proverbs 15 in the BOKCV2

Proverbs 15 in the BOKHWOG

Proverbs 15 in the BOKSSV

Proverbs 15 in the BOLCB

Proverbs 15 in the BOLCB2

Proverbs 15 in the BOMCV

Proverbs 15 in the BONAV

Proverbs 15 in the BONCB

Proverbs 15 in the BONLT

Proverbs 15 in the BONUT2

Proverbs 15 in the BOPLNT

Proverbs 15 in the BOSNC

Proverbs 15 in the BOTLNT

Proverbs 15 in the BOVCB

Proverbs 15 in the BOYCB

Proverbs 15 in the BPBB

Proverbs 15 in the BPH

Proverbs 15 in the BSB

Proverbs 15 in the CCB

Proverbs 15 in the CUV

Proverbs 15 in the CUVS

Proverbs 15 in the DBT

Proverbs 15 in the DGDNT

Proverbs 15 in the DHNT

Proverbs 15 in the DNT

Proverbs 15 in the ELBE

Proverbs 15 in the EMTV

Proverbs 15 in the ESV

Proverbs 15 in the FBV

Proverbs 15 in the FEB

Proverbs 15 in the GGMNT

Proverbs 15 in the GNT

Proverbs 15 in the HARY

Proverbs 15 in the HNT

Proverbs 15 in the IRVA

Proverbs 15 in the IRVB

Proverbs 15 in the IRVG

Proverbs 15 in the IRVH

Proverbs 15 in the IRVK

Proverbs 15 in the IRVM

Proverbs 15 in the IRVM2

Proverbs 15 in the IRVO

Proverbs 15 in the IRVP

Proverbs 15 in the IRVT

Proverbs 15 in the IRVT2

Proverbs 15 in the IRVU

Proverbs 15 in the ISVN

Proverbs 15 in the JSNT

Proverbs 15 in the KAPI

Proverbs 15 in the KBT1ETNIK

Proverbs 15 in the KBV

Proverbs 15 in the KJV

Proverbs 15 in the KNFD

Proverbs 15 in the LBA

Proverbs 15 in the LBLA

Proverbs 15 in the LNT

Proverbs 15 in the LSV

Proverbs 15 in the MAAL

Proverbs 15 in the MBV

Proverbs 15 in the MBV2

Proverbs 15 in the MHNT

Proverbs 15 in the MKNFD

Proverbs 15 in the MNG

Proverbs 15 in the MNT

Proverbs 15 in the MNT2

Proverbs 15 in the MRS1T

Proverbs 15 in the NAA

Proverbs 15 in the NASB

Proverbs 15 in the NBLA

Proverbs 15 in the NBS

Proverbs 15 in the NBVTP

Proverbs 15 in the NET2

Proverbs 15 in the NIV11

Proverbs 15 in the NNT

Proverbs 15 in the NNT2

Proverbs 15 in the NNT3

Proverbs 15 in the PDDPT

Proverbs 15 in the PFNT

Proverbs 15 in the RMNT

Proverbs 15 in the SBIAS

Proverbs 15 in the SBIBS

Proverbs 15 in the SBIBS2

Proverbs 15 in the SBICS

Proverbs 15 in the SBIDS

Proverbs 15 in the SBIGS

Proverbs 15 in the SBIHS

Proverbs 15 in the SBIIS

Proverbs 15 in the SBIIS2

Proverbs 15 in the SBIIS3

Proverbs 15 in the SBIKS

Proverbs 15 in the SBIKS2

Proverbs 15 in the SBIMS

Proverbs 15 in the SBIOS

Proverbs 15 in the SBIPS

Proverbs 15 in the SBISS

Proverbs 15 in the SBITS

Proverbs 15 in the SBITS2

Proverbs 15 in the SBITS3

Proverbs 15 in the SBITS4

Proverbs 15 in the SBIUS

Proverbs 15 in the SBIVS

Proverbs 15 in the SBT

Proverbs 15 in the SBT1E

Proverbs 15 in the SCHL

Proverbs 15 in the SNT

Proverbs 15 in the SUSU

Proverbs 15 in the SUSU2

Proverbs 15 in the SYNO

Proverbs 15 in the TBIAOTANT

Proverbs 15 in the TBT1E

Proverbs 15 in the TBT1E2

Proverbs 15 in the TFTIP

Proverbs 15 in the TFTU

Proverbs 15 in the TGNTATF3T

Proverbs 15 in the THAI

Proverbs 15 in the TNFD

Proverbs 15 in the TNT

Proverbs 15 in the TNTIK

Proverbs 15 in the TNTIL

Proverbs 15 in the TNTIN

Proverbs 15 in the TNTIP

Proverbs 15 in the TNTIZ

Proverbs 15 in the TOMA

Proverbs 15 in the TTENT

Proverbs 15 in the UBG

Proverbs 15 in the UGV

Proverbs 15 in the UGV2

Proverbs 15 in the UGV3

Proverbs 15 in the VBL

Proverbs 15 in the VDCC

Proverbs 15 in the YALU

Proverbs 15 in the YAPE

Proverbs 15 in the YBVTP

Proverbs 15 in the ZBP