Proverbs 8 (BOSCB)

1 Ko, uchenjeri hahudanidziri here?Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here? 2 Panzvimbo dzakakwirira panzira,pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire; 3 parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova,hunodanidzirisa huchiti, 4 “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira;ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose. 5 Imi vasina mano, wanai uchenjeri;imi mapenzi, wanai kunzwisisa. 6 Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura;ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama. 7 Muromo wangu unotaura zvokwadi,nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa. 8 Mashoko ose omuromo wangu akarurama;hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa. 9 Kune ane njere ose zvawo akarurama,akarurama kuna avo vane zivo. 10 Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha,ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka, 11 nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi,uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo. 12 “Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera;ndine ruzivo nenjere. 13 Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa;ndinovenga kuzvikudza namanyawi,maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza. 14 Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu;ndine kunzwisisa nesimba. 15 Madzimambo anobata ushe neniuye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama; 16 machinda anofambisa ushe neni,navakuru vose vanotonga panyika. 17 Ndinoda avo vanondida,uye vaya vanonditsvaka vanondiwana. 18 Pfuma nokukudzwa zvineni,upfumi hunogara nokururama. 19 Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka;zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka. 20 Ndinofamba munzira dzokururama,pamakwara okururamisira, 21 ndichipa upfumi kuna avo vanondida,uye ndichiita kuti matura avo azare. 22 “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake,kutangira mabasa ake akare; 23 ndakagadzwa kubva pakusingaperi,kubva pakutanga, nyika isati yavapo. 24 Makungwa asati avapo, ndakaberekwa,pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji; 25 makomo asati aiswa munzvimbo dzawo,zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa, 26 asati aita nyika nemindakana guruva ripi zvaro renyika. 27 Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo,paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa, 28 paakaita makore kudengauye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa, 29 paakapa gungwa miganhu yarokuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira,uye paakateya nheyo dzenyika. 30 Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake.Ndaigara ndichifara zuva nezuva,ndichifara nguva dzose pamberi pake, 31 ndichifadzwa nenyika yake yoseuye ndichifadzwa navanhu vose. 32 “Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri;vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu. 33 Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera;musakushayira hanya. 34 Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri,anorinda mazuva ose pamasuo angu.Anomira pamukova womusuo wangu. 35 Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyuuye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha. 36 Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza;vose vanondivenga vanoda rufu.”

In Other Versions

Proverbs 8 in the ANGEFD

Proverbs 8 in the ANTPNG2D

Proverbs 8 in the AS21

Proverbs 8 in the BAGH

Proverbs 8 in the BBPNG

Proverbs 8 in the BBT1E

Proverbs 8 in the BDS

Proverbs 8 in the BEV

Proverbs 8 in the BHAD

Proverbs 8 in the BIB

Proverbs 8 in the BLPT

Proverbs 8 in the BNT

Proverbs 8 in the BNTABOOT

Proverbs 8 in the BNTLV

Proverbs 8 in the BOATCB

Proverbs 8 in the BOATCB2

Proverbs 8 in the BOBCV

Proverbs 8 in the BOCNT

Proverbs 8 in the BOECS

Proverbs 8 in the BOGWICC

Proverbs 8 in the BOHCB

Proverbs 8 in the BOHCV

Proverbs 8 in the BOHLNT

Proverbs 8 in the BOHNTLTAL

Proverbs 8 in the BOICB

Proverbs 8 in the BOILNTAP

Proverbs 8 in the BOITCV

Proverbs 8 in the BOKCV

Proverbs 8 in the BOKCV2

Proverbs 8 in the BOKHWOG

Proverbs 8 in the BOKSSV

Proverbs 8 in the BOLCB

Proverbs 8 in the BOLCB2

Proverbs 8 in the BOMCV

Proverbs 8 in the BONAV

Proverbs 8 in the BONCB

Proverbs 8 in the BONLT

Proverbs 8 in the BONUT2

Proverbs 8 in the BOPLNT

Proverbs 8 in the BOSNC

Proverbs 8 in the BOTLNT

Proverbs 8 in the BOVCB

Proverbs 8 in the BOYCB

Proverbs 8 in the BPBB

Proverbs 8 in the BPH

Proverbs 8 in the BSB

Proverbs 8 in the CCB

Proverbs 8 in the CUV

Proverbs 8 in the CUVS

Proverbs 8 in the DBT

Proverbs 8 in the DGDNT

Proverbs 8 in the DHNT

Proverbs 8 in the DNT

Proverbs 8 in the ELBE

Proverbs 8 in the EMTV

Proverbs 8 in the ESV

Proverbs 8 in the FBV

Proverbs 8 in the FEB

Proverbs 8 in the GGMNT

Proverbs 8 in the GNT

Proverbs 8 in the HARY

Proverbs 8 in the HNT

Proverbs 8 in the IRVA

Proverbs 8 in the IRVB

Proverbs 8 in the IRVG

Proverbs 8 in the IRVH

Proverbs 8 in the IRVK

Proverbs 8 in the IRVM

Proverbs 8 in the IRVM2

Proverbs 8 in the IRVO

Proverbs 8 in the IRVP

Proverbs 8 in the IRVT

Proverbs 8 in the IRVT2

Proverbs 8 in the IRVU

Proverbs 8 in the ISVN

Proverbs 8 in the JSNT

Proverbs 8 in the KAPI

Proverbs 8 in the KBT1ETNIK

Proverbs 8 in the KBV

Proverbs 8 in the KJV

Proverbs 8 in the KNFD

Proverbs 8 in the LBA

Proverbs 8 in the LBLA

Proverbs 8 in the LNT

Proverbs 8 in the LSV

Proverbs 8 in the MAAL

Proverbs 8 in the MBV

Proverbs 8 in the MBV2

Proverbs 8 in the MHNT

Proverbs 8 in the MKNFD

Proverbs 8 in the MNG

Proverbs 8 in the MNT

Proverbs 8 in the MNT2

Proverbs 8 in the MRS1T

Proverbs 8 in the NAA

Proverbs 8 in the NASB

Proverbs 8 in the NBLA

Proverbs 8 in the NBS

Proverbs 8 in the NBVTP

Proverbs 8 in the NET2

Proverbs 8 in the NIV11

Proverbs 8 in the NNT

Proverbs 8 in the NNT2

Proverbs 8 in the NNT3

Proverbs 8 in the PDDPT

Proverbs 8 in the PFNT

Proverbs 8 in the RMNT

Proverbs 8 in the SBIAS

Proverbs 8 in the SBIBS

Proverbs 8 in the SBIBS2

Proverbs 8 in the SBICS

Proverbs 8 in the SBIDS

Proverbs 8 in the SBIGS

Proverbs 8 in the SBIHS

Proverbs 8 in the SBIIS

Proverbs 8 in the SBIIS2

Proverbs 8 in the SBIIS3

Proverbs 8 in the SBIKS

Proverbs 8 in the SBIKS2

Proverbs 8 in the SBIMS

Proverbs 8 in the SBIOS

Proverbs 8 in the SBIPS

Proverbs 8 in the SBISS

Proverbs 8 in the SBITS

Proverbs 8 in the SBITS2

Proverbs 8 in the SBITS3

Proverbs 8 in the SBITS4

Proverbs 8 in the SBIUS

Proverbs 8 in the SBIVS

Proverbs 8 in the SBT

Proverbs 8 in the SBT1E

Proverbs 8 in the SCHL

Proverbs 8 in the SNT

Proverbs 8 in the SUSU

Proverbs 8 in the SUSU2

Proverbs 8 in the SYNO

Proverbs 8 in the TBIAOTANT

Proverbs 8 in the TBT1E

Proverbs 8 in the TBT1E2

Proverbs 8 in the TFTIP

Proverbs 8 in the TFTU

Proverbs 8 in the TGNTATF3T

Proverbs 8 in the THAI

Proverbs 8 in the TNFD

Proverbs 8 in the TNT

Proverbs 8 in the TNTIK

Proverbs 8 in the TNTIL

Proverbs 8 in the TNTIN

Proverbs 8 in the TNTIP

Proverbs 8 in the TNTIZ

Proverbs 8 in the TOMA

Proverbs 8 in the TTENT

Proverbs 8 in the UBG

Proverbs 8 in the UGV

Proverbs 8 in the UGV2

Proverbs 8 in the UGV3

Proverbs 8 in the VBL

Proverbs 8 in the VDCC

Proverbs 8 in the YALU

Proverbs 8 in the YAPE

Proverbs 8 in the YBVTP

Proverbs 8 in the ZBP