Psalms 101 (BOSCB)
undefined Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu;kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. 2 Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa.Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangunomwoyo usina chaungapomerwa. 3 Handingaisi chinhu chakaipapamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi;haanganamatiri kwandiri. 4 Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni;handichazovi nechokuita nechakaipa. 5 Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda,iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare;ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza,iyeye handingamuregi akadaro. 6 Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika,kuti vagare neni;iye ane mafambiro asina chaangapomerwa,achandishumira. 7 Hakuna munhu anonyengeraachagara mumba mangu;hakuna munhu anotaura nhemaachamira pamberi pangu. 8 Mangwanani oga oga ndichaita kutivakaipa vose vari panyika vanyarare;ndichauraya vaiti vezvakaipa vose,vabve muguta raJehovha.