Psalms 120 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo. 1 Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu,uye anondipindura. 2 Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema,nendimi dzinonyengera. 3 Achaiteiko kwauri,uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera? 4 Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare,namazimbe anopfuta omuti womurara. 5 Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki,kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! 6 Ndakagara nguva refupakati pavanovenga rugare. 7 Ndiri munhu worugare;asi pandinotaura, ivo ndevehondo.