Psalms 121 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo. 1 Ndinosimudzira meso angu kumakomo,kubatsirwa kwangu kunobvepiko? 2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,muiti wokudenga napasi. 3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,muchengeti wako haangakotsiri; 4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraerihaangakotsiri kana kuvata. 5 Jehovha anokurinda,Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi; 6 zuva haringakubayi masikati,kana mwedzi usiku. 7 Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,iye acharinda upenyu hwako; 8 Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,kubva zvino uye nokusingaperi.