Psalms 131 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi,meso angu haana manyawi;handina hanya nezvinhu zvikurukana zvinhu zvinonyanya kushamisa. 2 Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu;somwana akarumurwa namai vake,somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri. 3 Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha,kubva zvino nokusingaperi.