Psalms 142 (BOSCB)
undefined Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero. 1 Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha;ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha. 2 Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake;ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake. 3 Mweya wangu paunoziya mandiri,imi ndimi munoziva nzira yangu.Munzira mandinofamba,vanhu vakandivanzira misungo. 4 Tarirai kurudyi rwangu mugoona;hakuna ane hanya neni.Handina utiziro;hakuna ane hanya noupenyu hwangu. 5 Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti,“Ndimi utiziro hwangu,nomugove wangu munyika yavapenyu.” 6 Teererai kuchema kwangu,nokuti ndiri pakushayiwa kukuru;ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa,nokuti vanondikurira simba. 7 Ndibudisei mutorongo,kuti ndirumbidze zita renyu. Ipapo vakarurama vachandipoteredzanokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.