Psalms 82 (BOSCB)
undefined Pisarema raAsafi. 1 Mwari anogara paungano huru;anotonga pakati pa“vamwari” achiti, 2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakaruramauye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera 3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. 4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa;varwirei paruoko rwowakaipa. 5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.Vanongofamba-famba murima;nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa. 6 “Ndakati, ‘Muri vamwari;imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’ 7 Asi muchafa savanhuwo zvavo;muchawa savatongi vose.” 8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.