Revelation 11 (BOSCB)

1 Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo. 2 Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kune veDzimwe Ndudzi. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri. 3 Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.” 4 Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika. 5 Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza. 6 Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo. 7 Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. 8 Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo. 9 Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo. 10 Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika. 11 Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, kutya kukabata avo vakavaona. 12 Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona. 13 Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikaondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo vakarumbidza Mwari wokudenga. 14 Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza. 15 Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti:“Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake,uye achatonga nokusingaperi-peri.” 16 Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari, 17 vachiti:“Tinokuvongai imi, Ishe Mwari Wamasimba Ose,Iye aripo uye akanga aripo,nokuti matora simba renyu guruuye matanga kutonga. 18 Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya.Nguva yokutonga vakafa yasvika,neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro,uye navatsvene venyu neavo vanotya zita renyu,zvose vaduku navakuru,uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.” 19 Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.

In Other Versions

Revelation 11 in the ANGEFD

Revelation 11 in the ANTPNG2D

Revelation 11 in the AS21

Revelation 11 in the BAGH

Revelation 11 in the BBPNG

Revelation 11 in the BBT1E

Revelation 11 in the BDS

Revelation 11 in the BEV

Revelation 11 in the BHAD

Revelation 11 in the BIB

Revelation 11 in the BLPT

Revelation 11 in the BNT

Revelation 11 in the BNTABOOT

Revelation 11 in the BNTLV

Revelation 11 in the BOATCB

Revelation 11 in the BOATCB2

Revelation 11 in the BOBCV

Revelation 11 in the BOCNT

Revelation 11 in the BOECS

Revelation 11 in the BOGWICC

Revelation 11 in the BOHCB

Revelation 11 in the BOHCV

Revelation 11 in the BOHLNT

Revelation 11 in the BOHNTLTAL

Revelation 11 in the BOICB

Revelation 11 in the BOILNTAP

Revelation 11 in the BOITCV

Revelation 11 in the BOKCV

Revelation 11 in the BOKCV2

Revelation 11 in the BOKHWOG

Revelation 11 in the BOKSSV

Revelation 11 in the BOLCB

Revelation 11 in the BOLCB2

Revelation 11 in the BOMCV

Revelation 11 in the BONAV

Revelation 11 in the BONCB

Revelation 11 in the BONLT

Revelation 11 in the BONUT2

Revelation 11 in the BOPLNT

Revelation 11 in the BOSNC

Revelation 11 in the BOTLNT

Revelation 11 in the BOVCB

Revelation 11 in the BOYCB

Revelation 11 in the BPBB

Revelation 11 in the BPH

Revelation 11 in the BSB

Revelation 11 in the CCB

Revelation 11 in the CUV

Revelation 11 in the CUVS

Revelation 11 in the DBT

Revelation 11 in the DGDNT

Revelation 11 in the DHNT

Revelation 11 in the DNT

Revelation 11 in the ELBE

Revelation 11 in the EMTV

Revelation 11 in the ESV

Revelation 11 in the FBV

Revelation 11 in the FEB

Revelation 11 in the GGMNT

Revelation 11 in the GNT

Revelation 11 in the HARY

Revelation 11 in the HNT

Revelation 11 in the IRVA

Revelation 11 in the IRVB

Revelation 11 in the IRVG

Revelation 11 in the IRVH

Revelation 11 in the IRVK

Revelation 11 in the IRVM

Revelation 11 in the IRVM2

Revelation 11 in the IRVO

Revelation 11 in the IRVP

Revelation 11 in the IRVT

Revelation 11 in the IRVT2

Revelation 11 in the IRVU

Revelation 11 in the ISVN

Revelation 11 in the JSNT

Revelation 11 in the KAPI

Revelation 11 in the KBT1ETNIK

Revelation 11 in the KBV

Revelation 11 in the KJV

Revelation 11 in the KNFD

Revelation 11 in the LBA

Revelation 11 in the LBLA

Revelation 11 in the LNT

Revelation 11 in the LSV

Revelation 11 in the MAAL

Revelation 11 in the MBV

Revelation 11 in the MBV2

Revelation 11 in the MHNT

Revelation 11 in the MKNFD

Revelation 11 in the MNG

Revelation 11 in the MNT

Revelation 11 in the MNT2

Revelation 11 in the MRS1T

Revelation 11 in the NAA

Revelation 11 in the NASB

Revelation 11 in the NBLA

Revelation 11 in the NBS

Revelation 11 in the NBVTP

Revelation 11 in the NET2

Revelation 11 in the NIV11

Revelation 11 in the NNT

Revelation 11 in the NNT2

Revelation 11 in the NNT3

Revelation 11 in the PDDPT

Revelation 11 in the PFNT

Revelation 11 in the RMNT

Revelation 11 in the SBIAS

Revelation 11 in the SBIBS

Revelation 11 in the SBIBS2

Revelation 11 in the SBICS

Revelation 11 in the SBIDS

Revelation 11 in the SBIGS

Revelation 11 in the SBIHS

Revelation 11 in the SBIIS

Revelation 11 in the SBIIS2

Revelation 11 in the SBIIS3

Revelation 11 in the SBIKS

Revelation 11 in the SBIKS2

Revelation 11 in the SBIMS

Revelation 11 in the SBIOS

Revelation 11 in the SBIPS

Revelation 11 in the SBISS

Revelation 11 in the SBITS

Revelation 11 in the SBITS2

Revelation 11 in the SBITS3

Revelation 11 in the SBITS4

Revelation 11 in the SBIUS

Revelation 11 in the SBIVS

Revelation 11 in the SBT

Revelation 11 in the SBT1E

Revelation 11 in the SCHL

Revelation 11 in the SNT

Revelation 11 in the SUSU

Revelation 11 in the SUSU2

Revelation 11 in the SYNO

Revelation 11 in the TBIAOTANT

Revelation 11 in the TBT1E

Revelation 11 in the TBT1E2

Revelation 11 in the TFTIP

Revelation 11 in the TFTU

Revelation 11 in the TGNTATF3T

Revelation 11 in the THAI

Revelation 11 in the TNFD

Revelation 11 in the TNT

Revelation 11 in the TNTIK

Revelation 11 in the TNTIL

Revelation 11 in the TNTIN

Revelation 11 in the TNTIP

Revelation 11 in the TNTIZ

Revelation 11 in the TOMA

Revelation 11 in the TTENT

Revelation 11 in the UBG

Revelation 11 in the UGV

Revelation 11 in the UGV2

Revelation 11 in the UGV3

Revelation 11 in the VBL

Revelation 11 in the VDCC

Revelation 11 in the YALU

Revelation 11 in the YAPE

Revelation 11 in the YBVTP

Revelation 11 in the ZBP