Revelation 16 (BOSCB)

1 Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.” 2 Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho. 3 Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa. 4 Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, zvikava ropa. 5 Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:“Imi makarurama mukutonga uku,imi muripo uye makanga muripo, Mutsvene Oga,nokuti makatonga saizvozvo; 6 nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita,uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.” 7 Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti:“Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Osekutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.” 8 Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto. 9 Vakapiswa nokupisa kukuru vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze. 10 Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa 11 vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita. 12 Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo. 13 Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema. 14 Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose. 15 “Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama achinyadziswa nokusapfeka nguo.” 16 Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni. 17 Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, mutemberi mukabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!” 18 Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, maungira okutinhira mabhananʼana, maungira okutinhira, nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwenyika kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo. 19 Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake. 20 Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa. 21 Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.

In Other Versions

Revelation 16 in the ANGEFD

Revelation 16 in the ANTPNG2D

Revelation 16 in the AS21

Revelation 16 in the BAGH

Revelation 16 in the BBPNG

Revelation 16 in the BBT1E

Revelation 16 in the BDS

Revelation 16 in the BEV

Revelation 16 in the BHAD

Revelation 16 in the BIB

Revelation 16 in the BLPT

Revelation 16 in the BNT

Revelation 16 in the BNTABOOT

Revelation 16 in the BNTLV

Revelation 16 in the BOATCB

Revelation 16 in the BOATCB2

Revelation 16 in the BOBCV

Revelation 16 in the BOCNT

Revelation 16 in the BOECS

Revelation 16 in the BOGWICC

Revelation 16 in the BOHCB

Revelation 16 in the BOHCV

Revelation 16 in the BOHLNT

Revelation 16 in the BOHNTLTAL

Revelation 16 in the BOICB

Revelation 16 in the BOILNTAP

Revelation 16 in the BOITCV

Revelation 16 in the BOKCV

Revelation 16 in the BOKCV2

Revelation 16 in the BOKHWOG

Revelation 16 in the BOKSSV

Revelation 16 in the BOLCB

Revelation 16 in the BOLCB2

Revelation 16 in the BOMCV

Revelation 16 in the BONAV

Revelation 16 in the BONCB

Revelation 16 in the BONLT

Revelation 16 in the BONUT2

Revelation 16 in the BOPLNT

Revelation 16 in the BOSNC

Revelation 16 in the BOTLNT

Revelation 16 in the BOVCB

Revelation 16 in the BOYCB

Revelation 16 in the BPBB

Revelation 16 in the BPH

Revelation 16 in the BSB

Revelation 16 in the CCB

Revelation 16 in the CUV

Revelation 16 in the CUVS

Revelation 16 in the DBT

Revelation 16 in the DGDNT

Revelation 16 in the DHNT

Revelation 16 in the DNT

Revelation 16 in the ELBE

Revelation 16 in the EMTV

Revelation 16 in the ESV

Revelation 16 in the FBV

Revelation 16 in the FEB

Revelation 16 in the GGMNT

Revelation 16 in the GNT

Revelation 16 in the HARY

Revelation 16 in the HNT

Revelation 16 in the IRVA

Revelation 16 in the IRVB

Revelation 16 in the IRVG

Revelation 16 in the IRVH

Revelation 16 in the IRVK

Revelation 16 in the IRVM

Revelation 16 in the IRVM2

Revelation 16 in the IRVO

Revelation 16 in the IRVP

Revelation 16 in the IRVT

Revelation 16 in the IRVT2

Revelation 16 in the IRVU

Revelation 16 in the ISVN

Revelation 16 in the JSNT

Revelation 16 in the KAPI

Revelation 16 in the KBT1ETNIK

Revelation 16 in the KBV

Revelation 16 in the KJV

Revelation 16 in the KNFD

Revelation 16 in the LBA

Revelation 16 in the LBLA

Revelation 16 in the LNT

Revelation 16 in the LSV

Revelation 16 in the MAAL

Revelation 16 in the MBV

Revelation 16 in the MBV2

Revelation 16 in the MHNT

Revelation 16 in the MKNFD

Revelation 16 in the MNG

Revelation 16 in the MNT

Revelation 16 in the MNT2

Revelation 16 in the MRS1T

Revelation 16 in the NAA

Revelation 16 in the NASB

Revelation 16 in the NBLA

Revelation 16 in the NBS

Revelation 16 in the NBVTP

Revelation 16 in the NET2

Revelation 16 in the NIV11

Revelation 16 in the NNT

Revelation 16 in the NNT2

Revelation 16 in the NNT3

Revelation 16 in the PDDPT

Revelation 16 in the PFNT

Revelation 16 in the RMNT

Revelation 16 in the SBIAS

Revelation 16 in the SBIBS

Revelation 16 in the SBIBS2

Revelation 16 in the SBICS

Revelation 16 in the SBIDS

Revelation 16 in the SBIGS

Revelation 16 in the SBIHS

Revelation 16 in the SBIIS

Revelation 16 in the SBIIS2

Revelation 16 in the SBIIS3

Revelation 16 in the SBIKS

Revelation 16 in the SBIKS2

Revelation 16 in the SBIMS

Revelation 16 in the SBIOS

Revelation 16 in the SBIPS

Revelation 16 in the SBISS

Revelation 16 in the SBITS

Revelation 16 in the SBITS2

Revelation 16 in the SBITS3

Revelation 16 in the SBITS4

Revelation 16 in the SBIUS

Revelation 16 in the SBIVS

Revelation 16 in the SBT

Revelation 16 in the SBT1E

Revelation 16 in the SCHL

Revelation 16 in the SNT

Revelation 16 in the SUSU

Revelation 16 in the SUSU2

Revelation 16 in the SYNO

Revelation 16 in the TBIAOTANT

Revelation 16 in the TBT1E

Revelation 16 in the TBT1E2

Revelation 16 in the TFTIP

Revelation 16 in the TFTU

Revelation 16 in the TGNTATF3T

Revelation 16 in the THAI

Revelation 16 in the TNFD

Revelation 16 in the TNT

Revelation 16 in the TNTIK

Revelation 16 in the TNTIL

Revelation 16 in the TNTIN

Revelation 16 in the TNTIP

Revelation 16 in the TNTIZ

Revelation 16 in the TOMA

Revelation 16 in the TTENT

Revelation 16 in the UBG

Revelation 16 in the UGV

Revelation 16 in the UGV2

Revelation 16 in the UGV3

Revelation 16 in the VBL

Revelation 16 in the VDCC

Revelation 16 in the YALU

Revelation 16 in the YAPE

Revelation 16 in the YBVTP

Revelation 16 in the ZBP