Revelation 2 (BOSCB)
1 “Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje. 2 Ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye nokutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema. 3 Wakatsungirira ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta. 4 Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga. 5 Rangarira pawakawa! Tendeuka uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho. 6 Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo. 7 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari. 8 “Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga neWokupedzisira, akafa uye akararamazve. 9 Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani. 10 Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu. 11 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri. 12 “Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose. 13 Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani. 14 Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe. 15 Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti. 16 Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu. 17 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira. 18 “Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti: Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira. 19 Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga. 20 Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo. 21 Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka. 22 Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo. 23 Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake. 24 Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu): 25 Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya. 26 Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi: 27 ‘Achavatonga netsvimbo yesimbi;achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’,sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu. 28 Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani. 29 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.
In Other Versions
Revelation 2 in the ANGEFD
Revelation 2 in the ANTPNG2D
Revelation 2 in the AS21
Revelation 2 in the BAGH
Revelation 2 in the BBPNG
Revelation 2 in the BBT1E
Revelation 2 in the BDS
Revelation 2 in the BEV
Revelation 2 in the BHAD
Revelation 2 in the BIB
Revelation 2 in the BLPT
Revelation 2 in the BNT
Revelation 2 in the BNTABOOT
Revelation 2 in the BNTLV
Revelation 2 in the BOATCB
Revelation 2 in the BOATCB2
Revelation 2 in the BOBCV
Revelation 2 in the BOCNT
Revelation 2 in the BOECS
Revelation 2 in the BOGWICC
Revelation 2 in the BOHCB
Revelation 2 in the BOHCV
Revelation 2 in the BOHLNT
Revelation 2 in the BOHNTLTAL
Revelation 2 in the BOICB
Revelation 2 in the BOILNTAP
Revelation 2 in the BOITCV
Revelation 2 in the BOKCV
Revelation 2 in the BOKCV2
Revelation 2 in the BOKHWOG
Revelation 2 in the BOKSSV
Revelation 2 in the BOLCB
Revelation 2 in the BOLCB2
Revelation 2 in the BOMCV
Revelation 2 in the BONAV
Revelation 2 in the BONCB
Revelation 2 in the BONLT
Revelation 2 in the BONUT2
Revelation 2 in the BOPLNT
Revelation 2 in the BOSNC
Revelation 2 in the BOTLNT
Revelation 2 in the BOVCB
Revelation 2 in the BOYCB
Revelation 2 in the BPBB
Revelation 2 in the BPH
Revelation 2 in the BSB
Revelation 2 in the CCB
Revelation 2 in the CUV
Revelation 2 in the CUVS
Revelation 2 in the DBT
Revelation 2 in the DGDNT
Revelation 2 in the DHNT
Revelation 2 in the DNT
Revelation 2 in the ELBE
Revelation 2 in the EMTV
Revelation 2 in the ESV
Revelation 2 in the FBV
Revelation 2 in the FEB
Revelation 2 in the GGMNT
Revelation 2 in the GNT
Revelation 2 in the HARY
Revelation 2 in the HNT
Revelation 2 in the IRVA
Revelation 2 in the IRVB
Revelation 2 in the IRVG
Revelation 2 in the IRVH
Revelation 2 in the IRVK
Revelation 2 in the IRVM
Revelation 2 in the IRVM2
Revelation 2 in the IRVO
Revelation 2 in the IRVP
Revelation 2 in the IRVT
Revelation 2 in the IRVT2
Revelation 2 in the IRVU
Revelation 2 in the ISVN
Revelation 2 in the JSNT
Revelation 2 in the KAPI
Revelation 2 in the KBT1ETNIK
Revelation 2 in the KBV
Revelation 2 in the KJV
Revelation 2 in the KNFD
Revelation 2 in the LBA
Revelation 2 in the LBLA
Revelation 2 in the LNT
Revelation 2 in the LSV
Revelation 2 in the MAAL
Revelation 2 in the MBV
Revelation 2 in the MBV2
Revelation 2 in the MHNT
Revelation 2 in the MKNFD
Revelation 2 in the MNG
Revelation 2 in the MNT
Revelation 2 in the MNT2
Revelation 2 in the MRS1T
Revelation 2 in the NAA
Revelation 2 in the NASB
Revelation 2 in the NBLA
Revelation 2 in the NBS
Revelation 2 in the NBVTP
Revelation 2 in the NET2
Revelation 2 in the NIV11
Revelation 2 in the NNT
Revelation 2 in the NNT2
Revelation 2 in the NNT3
Revelation 2 in the PDDPT
Revelation 2 in the PFNT
Revelation 2 in the RMNT
Revelation 2 in the SBIAS
Revelation 2 in the SBIBS
Revelation 2 in the SBIBS2
Revelation 2 in the SBICS
Revelation 2 in the SBIDS
Revelation 2 in the SBIGS
Revelation 2 in the SBIHS
Revelation 2 in the SBIIS
Revelation 2 in the SBIIS2
Revelation 2 in the SBIIS3
Revelation 2 in the SBIKS
Revelation 2 in the SBIKS2
Revelation 2 in the SBIMS
Revelation 2 in the SBIOS
Revelation 2 in the SBIPS
Revelation 2 in the SBISS
Revelation 2 in the SBITS
Revelation 2 in the SBITS2
Revelation 2 in the SBITS3
Revelation 2 in the SBITS4
Revelation 2 in the SBIUS
Revelation 2 in the SBIVS
Revelation 2 in the SBT
Revelation 2 in the SBT1E
Revelation 2 in the SCHL
Revelation 2 in the SNT
Revelation 2 in the SUSU
Revelation 2 in the SUSU2
Revelation 2 in the SYNO
Revelation 2 in the TBIAOTANT
Revelation 2 in the TBT1E
Revelation 2 in the TBT1E2
Revelation 2 in the TFTIP
Revelation 2 in the TFTU
Revelation 2 in the TGNTATF3T
Revelation 2 in the THAI
Revelation 2 in the TNFD
Revelation 2 in the TNT
Revelation 2 in the TNTIK
Revelation 2 in the TNTIL
Revelation 2 in the TNTIN
Revelation 2 in the TNTIP
Revelation 2 in the TNTIZ
Revelation 2 in the TOMA
Revelation 2 in the TTENT
Revelation 2 in the UBG
Revelation 2 in the UGV
Revelation 2 in the UGV2
Revelation 2 in the UGV3
Revelation 2 in the VBL
Revelation 2 in the VDCC
Revelation 2 in the YALU
Revelation 2 in the YAPE
Revelation 2 in the YBVTP
Revelation 2 in the ZBP