Revelation 21 (BOSCB)

1 Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. 2 Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. 3 Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. 4 Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” 5 Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” 6 Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. 7 Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu. 8 Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” 9 Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” 10 Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari. 11 Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro. 12 Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri. 13 Kumabvazuva kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumavirira. 14 Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana. 15 Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro. 16 Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro. 17 Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namana nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa. 18 Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi. 19 Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi; 20 yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yekrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti. 21 Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera. 22 Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro. 23 Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro. 24 Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro. 25 Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazova nousiku ikoko. 26 Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri. 27 Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

In Other Versions

Revelation 21 in the ANGEFD

Revelation 21 in the ANTPNG2D

Revelation 21 in the AS21

Revelation 21 in the BAGH

Revelation 21 in the BBPNG

Revelation 21 in the BBT1E

Revelation 21 in the BDS

Revelation 21 in the BEV

Revelation 21 in the BHAD

Revelation 21 in the BIB

Revelation 21 in the BLPT

Revelation 21 in the BNT

Revelation 21 in the BNTABOOT

Revelation 21 in the BNTLV

Revelation 21 in the BOATCB

Revelation 21 in the BOATCB2

Revelation 21 in the BOBCV

Revelation 21 in the BOCNT

Revelation 21 in the BOECS

Revelation 21 in the BOGWICC

Revelation 21 in the BOHCB

Revelation 21 in the BOHCV

Revelation 21 in the BOHLNT

Revelation 21 in the BOHNTLTAL

Revelation 21 in the BOICB

Revelation 21 in the BOILNTAP

Revelation 21 in the BOITCV

Revelation 21 in the BOKCV

Revelation 21 in the BOKCV2

Revelation 21 in the BOKHWOG

Revelation 21 in the BOKSSV

Revelation 21 in the BOLCB

Revelation 21 in the BOLCB2

Revelation 21 in the BOMCV

Revelation 21 in the BONAV

Revelation 21 in the BONCB

Revelation 21 in the BONLT

Revelation 21 in the BONUT2

Revelation 21 in the BOPLNT

Revelation 21 in the BOSNC

Revelation 21 in the BOTLNT

Revelation 21 in the BOVCB

Revelation 21 in the BOYCB

Revelation 21 in the BPBB

Revelation 21 in the BPH

Revelation 21 in the BSB

Revelation 21 in the CCB

Revelation 21 in the CUV

Revelation 21 in the CUVS

Revelation 21 in the DBT

Revelation 21 in the DGDNT

Revelation 21 in the DHNT

Revelation 21 in the DNT

Revelation 21 in the ELBE

Revelation 21 in the EMTV

Revelation 21 in the ESV

Revelation 21 in the FBV

Revelation 21 in the FEB

Revelation 21 in the GGMNT

Revelation 21 in the GNT

Revelation 21 in the HARY

Revelation 21 in the HNT

Revelation 21 in the IRVA

Revelation 21 in the IRVB

Revelation 21 in the IRVG

Revelation 21 in the IRVH

Revelation 21 in the IRVK

Revelation 21 in the IRVM

Revelation 21 in the IRVM2

Revelation 21 in the IRVO

Revelation 21 in the IRVP

Revelation 21 in the IRVT

Revelation 21 in the IRVT2

Revelation 21 in the IRVU

Revelation 21 in the ISVN

Revelation 21 in the JSNT

Revelation 21 in the KAPI

Revelation 21 in the KBT1ETNIK

Revelation 21 in the KBV

Revelation 21 in the KJV

Revelation 21 in the KNFD

Revelation 21 in the LBA

Revelation 21 in the LBLA

Revelation 21 in the LNT

Revelation 21 in the LSV

Revelation 21 in the MAAL

Revelation 21 in the MBV

Revelation 21 in the MBV2

Revelation 21 in the MHNT

Revelation 21 in the MKNFD

Revelation 21 in the MNG

Revelation 21 in the MNT

Revelation 21 in the MNT2

Revelation 21 in the MRS1T

Revelation 21 in the NAA

Revelation 21 in the NASB

Revelation 21 in the NBLA

Revelation 21 in the NBS

Revelation 21 in the NBVTP

Revelation 21 in the NET2

Revelation 21 in the NIV11

Revelation 21 in the NNT

Revelation 21 in the NNT2

Revelation 21 in the NNT3

Revelation 21 in the PDDPT

Revelation 21 in the PFNT

Revelation 21 in the RMNT

Revelation 21 in the SBIAS

Revelation 21 in the SBIBS

Revelation 21 in the SBIBS2

Revelation 21 in the SBICS

Revelation 21 in the SBIDS

Revelation 21 in the SBIGS

Revelation 21 in the SBIHS

Revelation 21 in the SBIIS

Revelation 21 in the SBIIS2

Revelation 21 in the SBIIS3

Revelation 21 in the SBIKS

Revelation 21 in the SBIKS2

Revelation 21 in the SBIMS

Revelation 21 in the SBIOS

Revelation 21 in the SBIPS

Revelation 21 in the SBISS

Revelation 21 in the SBITS

Revelation 21 in the SBITS2

Revelation 21 in the SBITS3

Revelation 21 in the SBITS4

Revelation 21 in the SBIUS

Revelation 21 in the SBIVS

Revelation 21 in the SBT

Revelation 21 in the SBT1E

Revelation 21 in the SCHL

Revelation 21 in the SNT

Revelation 21 in the SUSU

Revelation 21 in the SUSU2

Revelation 21 in the SYNO

Revelation 21 in the TBIAOTANT

Revelation 21 in the TBT1E

Revelation 21 in the TBT1E2

Revelation 21 in the TFTIP

Revelation 21 in the TFTU

Revelation 21 in the TGNTATF3T

Revelation 21 in the THAI

Revelation 21 in the TNFD

Revelation 21 in the TNT

Revelation 21 in the TNTIK

Revelation 21 in the TNTIL

Revelation 21 in the TNTIN

Revelation 21 in the TNTIP

Revelation 21 in the TNTIZ

Revelation 21 in the TOMA

Revelation 21 in the TTENT

Revelation 21 in the UBG

Revelation 21 in the UGV

Revelation 21 in the UGV2

Revelation 21 in the UGV3

Revelation 21 in the VBL

Revelation 21 in the VDCC

Revelation 21 in the YALU

Revelation 21 in the YAPE

Revelation 21 in the YBVTP

Revelation 21 in the ZBP