Romans 15 (BOSCB)

1 Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi. 2 Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka. 3 Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.” 4 Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro. 5 Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu, 6 kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. 7 Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe. 8 Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba 9 kuti veDzimwe Ndudzi vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati peveDzimwe Ndudzi;ndichaimbira zita renyu nziyo.” 10 Uyezve zvinonzi,“Farai imi veDzimwe Ndudzi, pamwe chete navanhu vake.” 11 Uyezve,“Rumbidzai Ishe, imi mose veDzimwe Ndudzi,uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.” 12 Uyezve, Isaya anoti,“Mudzi waJese uchatunga,iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose;veDzimwe Ndudzi vachava netariro maari.” 13 Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene. 14 Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana. 15 Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari 16 kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kune veDzimwe Ndudzi, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti veDzimwe Ndudzi vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene. 17 Naizvozvo ndinozvirumbidza muna Kristu Jesu muushumiri hwangu kuna Mwari. 18 Nokuti handingatauri zvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaitwa naKristu kubudikidza neni mukutungamirira veDzimwe Ndudzi kuti vateerere Mwari nokuda kwezvandakataura uye ndikaita, 19 nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu. 20 Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu. 21 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona,uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.” 22 Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri. 23 Asi zvino hapasisinazve imwe nzvimbo yandingashanda mumatunhu aya, uye sezvo pava namakore mazhinji ndichida kuuya kwamuri, 24 ndine urongwa hwokuita izvi pandichaenda kuSipeini. Ndinovimba kuti ndichakushanyirai pandichapfuura noko uye kuti muzondibatsira parwendo rwangu ikoko, mushure mokunge ndambofadzwa nokuva nemi kwechinguva. 25 Asi, zvino ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuJerusarema kundoshumira vatsvene variko. 26 Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema. 27 Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana veDzimwe Ndudzi vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino. 28 Saka mushure mokunge ndapedza kuita basa iri uye ndaona kuti vagamuchira chibereko ichi, ndichaenda kuSipeini uye ndichakushanyirai parwendo rwangu. 29 Ndinoziva kuti pandichauya kwamuri, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu. 30 Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari. 31 Nyengeterai kuti ndinunurwe kune vasingatendi vari muJudhea uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hugamuchirwe navatsvene variko, 32 kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari uye kuti ndimutsiridzwe pamwe chete nemi. 33 Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

In Other Versions

Romans 15 in the ANGEFD

Romans 15 in the ANTPNG2D

Romans 15 in the AS21

Romans 15 in the BAGH

Romans 15 in the BBPNG

Romans 15 in the BBT1E

Romans 15 in the BDS

Romans 15 in the BEV

Romans 15 in the BHAD

Romans 15 in the BIB

Romans 15 in the BLPT

Romans 15 in the BNT

Romans 15 in the BNTABOOT

Romans 15 in the BNTLV

Romans 15 in the BOATCB

Romans 15 in the BOATCB2

Romans 15 in the BOBCV

Romans 15 in the BOCNT

Romans 15 in the BOECS

Romans 15 in the BOGWICC

Romans 15 in the BOHCB

Romans 15 in the BOHCV

Romans 15 in the BOHLNT

Romans 15 in the BOHNTLTAL

Romans 15 in the BOICB

Romans 15 in the BOILNTAP

Romans 15 in the BOITCV

Romans 15 in the BOKCV

Romans 15 in the BOKCV2

Romans 15 in the BOKHWOG

Romans 15 in the BOKSSV

Romans 15 in the BOLCB

Romans 15 in the BOLCB2

Romans 15 in the BOMCV

Romans 15 in the BONAV

Romans 15 in the BONCB

Romans 15 in the BONLT

Romans 15 in the BONUT2

Romans 15 in the BOPLNT

Romans 15 in the BOSNC

Romans 15 in the BOTLNT

Romans 15 in the BOVCB

Romans 15 in the BOYCB

Romans 15 in the BPBB

Romans 15 in the BPH

Romans 15 in the BSB

Romans 15 in the CCB

Romans 15 in the CUV

Romans 15 in the CUVS

Romans 15 in the DBT

Romans 15 in the DGDNT

Romans 15 in the DHNT

Romans 15 in the DNT

Romans 15 in the ELBE

Romans 15 in the EMTV

Romans 15 in the ESV

Romans 15 in the FBV

Romans 15 in the FEB

Romans 15 in the GGMNT

Romans 15 in the GNT

Romans 15 in the HARY

Romans 15 in the HNT

Romans 15 in the IRVA

Romans 15 in the IRVB

Romans 15 in the IRVG

Romans 15 in the IRVH

Romans 15 in the IRVK

Romans 15 in the IRVM

Romans 15 in the IRVM2

Romans 15 in the IRVO

Romans 15 in the IRVP

Romans 15 in the IRVT

Romans 15 in the IRVT2

Romans 15 in the IRVU

Romans 15 in the ISVN

Romans 15 in the JSNT

Romans 15 in the KAPI

Romans 15 in the KBT1ETNIK

Romans 15 in the KBV

Romans 15 in the KJV

Romans 15 in the KNFD

Romans 15 in the LBA

Romans 15 in the LBLA

Romans 15 in the LNT

Romans 15 in the LSV

Romans 15 in the MAAL

Romans 15 in the MBV

Romans 15 in the MBV2

Romans 15 in the MHNT

Romans 15 in the MKNFD

Romans 15 in the MNG

Romans 15 in the MNT

Romans 15 in the MNT2

Romans 15 in the MRS1T

Romans 15 in the NAA

Romans 15 in the NASB

Romans 15 in the NBLA

Romans 15 in the NBS

Romans 15 in the NBVTP

Romans 15 in the NET2

Romans 15 in the NIV11

Romans 15 in the NNT

Romans 15 in the NNT2

Romans 15 in the NNT3

Romans 15 in the PDDPT

Romans 15 in the PFNT

Romans 15 in the RMNT

Romans 15 in the SBIAS

Romans 15 in the SBIBS

Romans 15 in the SBIBS2

Romans 15 in the SBICS

Romans 15 in the SBIDS

Romans 15 in the SBIGS

Romans 15 in the SBIHS

Romans 15 in the SBIIS

Romans 15 in the SBIIS2

Romans 15 in the SBIIS3

Romans 15 in the SBIKS

Romans 15 in the SBIKS2

Romans 15 in the SBIMS

Romans 15 in the SBIOS

Romans 15 in the SBIPS

Romans 15 in the SBISS

Romans 15 in the SBITS

Romans 15 in the SBITS2

Romans 15 in the SBITS3

Romans 15 in the SBITS4

Romans 15 in the SBIUS

Romans 15 in the SBIVS

Romans 15 in the SBT

Romans 15 in the SBT1E

Romans 15 in the SCHL

Romans 15 in the SNT

Romans 15 in the SUSU

Romans 15 in the SUSU2

Romans 15 in the SYNO

Romans 15 in the TBIAOTANT

Romans 15 in the TBT1E

Romans 15 in the TBT1E2

Romans 15 in the TFTIP

Romans 15 in the TFTU

Romans 15 in the TGNTATF3T

Romans 15 in the THAI

Romans 15 in the TNFD

Romans 15 in the TNT

Romans 15 in the TNTIK

Romans 15 in the TNTIL

Romans 15 in the TNTIN

Romans 15 in the TNTIP

Romans 15 in the TNTIZ

Romans 15 in the TOMA

Romans 15 in the TTENT

Romans 15 in the UBG

Romans 15 in the UGV

Romans 15 in the UGV2

Romans 15 in the UGV3

Romans 15 in the VBL

Romans 15 in the VDCC

Romans 15 in the YALU

Romans 15 in the YAPE

Romans 15 in the YBVTP

Romans 15 in the ZBP