Romans 4 (BOSCB)
1 Zvino tichati Abhurahama, tateguru wedu, panyama akawaneiko pazviri? 2 Nokuti dai Abhurahama akaruramisirwa namabasa, angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. 3 Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.” 4 Zvino kana munhu achiita basa, mubayiro wake hautorwi sechipo chokungopiwa, asi somubayiro wakamufanira. 5 Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoruramisira munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama. 6 Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti: 7 “Vakaropafadzwa avovakaregererwa zvakaipa zvavo,vakafukidzirwa zvivi zvavo. 8 Akaropafadzwa munhuane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.” 9 Ko, kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa chete here? Kana kuti navasina kudzingiswawo? Nokuti tati kuna Abhurahama kutenda kwake kwakanzi kwaari ndiko kururama. 10 Zvino zvakanzarwo seiko? Akanga adzingiswa here, kana kuti asati? Haana kunzarwo adzingiswa, asi kuti asati adzingiswa! 11 Uye akagamuchira chiratidzo chokudzingiswa, sechisimbiso chokururama kwaakawana nokutenda asati adzingiswa. Saka naizvozvo ndiye baba wavose vanotenda, asi vasina kudzingiswa, kuitira kuti kururama kugopiwa kwavari. 12 Uye ndiyewo baba wavakadzingiswa, avo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwakanga kuna baba vedu Abhurahama vasati vadzingiswa. 13 Nokuti Abhurahama, nezvizvarwa zvake, haana kupiwa chipikirwa chokuti achava mugari wenhaka yenyika, kubudikidza nomurayiro, asi kubudikidza nokururama kunobva pakutenda. 14 Nokuti dai vaya vanorarama nomurayiro vari ivo vadyi venhaka, kutenda hakuna maturo uye nechipikirwa chinokoneswa, 15 nokuti murayiro unouyisa kutsamwa. Uye pasina murayiro hapanawo kudarika. 16 Naizvozvo chipikirwa chinouya nokutenda, kuitira kuti zvive zvenyasha uye kuti chisimbiswe kuzvizvarwa zvose zvaAbhurahama, kwete avo vari vomurayiro voga, asi nokuna avo vari vokutenda kwaAbhurahama. Ndiye baba vedu tose. 17 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo. 18 Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.” 19 Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo. 20 Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, 21 achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa. 22 Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.” 23 Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga, 24 asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa. 25 Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamisirwa kwedu.
In Other Versions
Romans 4 in the ANGEFD
Romans 4 in the ANTPNG2D
Romans 4 in the AS21
Romans 4 in the BAGH
Romans 4 in the BBPNG
Romans 4 in the BBT1E
Romans 4 in the BDS
Romans 4 in the BEV
Romans 4 in the BHAD
Romans 4 in the BIB
Romans 4 in the BLPT
Romans 4 in the BNT
Romans 4 in the BNTABOOT
Romans 4 in the BNTLV
Romans 4 in the BOATCB
Romans 4 in the BOATCB2
Romans 4 in the BOBCV
Romans 4 in the BOCNT
Romans 4 in the BOECS
Romans 4 in the BOGWICC
Romans 4 in the BOHCB
Romans 4 in the BOHCV
Romans 4 in the BOHLNT
Romans 4 in the BOHNTLTAL
Romans 4 in the BOICB
Romans 4 in the BOILNTAP
Romans 4 in the BOITCV
Romans 4 in the BOKCV
Romans 4 in the BOKCV2
Romans 4 in the BOKHWOG
Romans 4 in the BOKSSV
Romans 4 in the BOLCB
Romans 4 in the BOLCB2
Romans 4 in the BOMCV
Romans 4 in the BONAV
Romans 4 in the BONCB
Romans 4 in the BONLT
Romans 4 in the BONUT2
Romans 4 in the BOPLNT
Romans 4 in the BOSNC
Romans 4 in the BOTLNT
Romans 4 in the BOVCB
Romans 4 in the BOYCB
Romans 4 in the BPBB
Romans 4 in the BPH
Romans 4 in the BSB
Romans 4 in the CCB
Romans 4 in the CUV
Romans 4 in the CUVS
Romans 4 in the DBT
Romans 4 in the DGDNT
Romans 4 in the DHNT
Romans 4 in the DNT
Romans 4 in the ELBE
Romans 4 in the EMTV
Romans 4 in the ESV
Romans 4 in the FBV
Romans 4 in the FEB
Romans 4 in the GGMNT
Romans 4 in the GNT
Romans 4 in the HARY
Romans 4 in the HNT
Romans 4 in the IRVA
Romans 4 in the IRVB
Romans 4 in the IRVG
Romans 4 in the IRVH
Romans 4 in the IRVK
Romans 4 in the IRVM
Romans 4 in the IRVM2
Romans 4 in the IRVO
Romans 4 in the IRVP
Romans 4 in the IRVT
Romans 4 in the IRVT2
Romans 4 in the IRVU
Romans 4 in the ISVN
Romans 4 in the JSNT
Romans 4 in the KAPI
Romans 4 in the KBT1ETNIK
Romans 4 in the KBV
Romans 4 in the KJV
Romans 4 in the KNFD
Romans 4 in the LBA
Romans 4 in the LBLA
Romans 4 in the LNT
Romans 4 in the LSV
Romans 4 in the MAAL
Romans 4 in the MBV
Romans 4 in the MBV2
Romans 4 in the MHNT
Romans 4 in the MKNFD
Romans 4 in the MNG
Romans 4 in the MNT
Romans 4 in the MNT2
Romans 4 in the MRS1T
Romans 4 in the NAA
Romans 4 in the NASB
Romans 4 in the NBLA
Romans 4 in the NBS
Romans 4 in the NBVTP
Romans 4 in the NET2
Romans 4 in the NIV11
Romans 4 in the NNT
Romans 4 in the NNT2
Romans 4 in the NNT3
Romans 4 in the PDDPT
Romans 4 in the PFNT
Romans 4 in the RMNT
Romans 4 in the SBIAS
Romans 4 in the SBIBS
Romans 4 in the SBIBS2
Romans 4 in the SBICS
Romans 4 in the SBIDS
Romans 4 in the SBIGS
Romans 4 in the SBIHS
Romans 4 in the SBIIS
Romans 4 in the SBIIS2
Romans 4 in the SBIIS3
Romans 4 in the SBIKS
Romans 4 in the SBIKS2
Romans 4 in the SBIMS
Romans 4 in the SBIOS
Romans 4 in the SBIPS
Romans 4 in the SBISS
Romans 4 in the SBITS
Romans 4 in the SBITS2
Romans 4 in the SBITS3
Romans 4 in the SBITS4
Romans 4 in the SBIUS
Romans 4 in the SBIVS
Romans 4 in the SBT
Romans 4 in the SBT1E
Romans 4 in the SCHL
Romans 4 in the SNT
Romans 4 in the SUSU
Romans 4 in the SUSU2
Romans 4 in the SYNO
Romans 4 in the TBIAOTANT
Romans 4 in the TBT1E
Romans 4 in the TBT1E2
Romans 4 in the TFTIP
Romans 4 in the TFTU
Romans 4 in the TGNTATF3T
Romans 4 in the THAI
Romans 4 in the TNFD
Romans 4 in the TNT
Romans 4 in the TNTIK
Romans 4 in the TNTIL
Romans 4 in the TNTIN
Romans 4 in the TNTIP
Romans 4 in the TNTIZ
Romans 4 in the TOMA
Romans 4 in the TTENT
Romans 4 in the UBG
Romans 4 in the UGV
Romans 4 in the UGV2
Romans 4 in the UGV3
Romans 4 in the VBL
Romans 4 in the VDCC
Romans 4 in the YALU
Romans 4 in the YAPE
Romans 4 in the YBVTP
Romans 4 in the ZBP