1 Peter 3 (BOSCB)

1 Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, 2 pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu. 3 Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. 4 Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari. 5 Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo, 6 saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo. 7 Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu. 8 Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise. 9 Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa. 10 Nokuti,“Uyo anoda upenyukuti agoona mazuva akanakaanofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,nemiromo yake pakutaura zvinonyengera. 11 Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;anofanira kutsvaka rugare agorutevera. 12 Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama,uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo,asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa.” 13 Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka? 14 Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.” 15 Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza, 16 muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo. 17 Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa. 18 Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya, 19 nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo 20 yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura, 21 uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu, 22 iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake.

In Other Versions

1 Peter 3 in the ANGEFD

1 Peter 3 in the ANTPNG2D

1 Peter 3 in the AS21

1 Peter 3 in the BAGH

1 Peter 3 in the BBPNG

1 Peter 3 in the BBT1E

1 Peter 3 in the BDS

1 Peter 3 in the BEV

1 Peter 3 in the BHAD

1 Peter 3 in the BIB

1 Peter 3 in the BLPT

1 Peter 3 in the BNT

1 Peter 3 in the BNTABOOT

1 Peter 3 in the BNTLV

1 Peter 3 in the BOATCB

1 Peter 3 in the BOATCB2

1 Peter 3 in the BOBCV

1 Peter 3 in the BOCNT

1 Peter 3 in the BOECS

1 Peter 3 in the BOGWICC

1 Peter 3 in the BOHCB

1 Peter 3 in the BOHCV

1 Peter 3 in the BOHLNT

1 Peter 3 in the BOHNTLTAL

1 Peter 3 in the BOICB

1 Peter 3 in the BOILNTAP

1 Peter 3 in the BOITCV

1 Peter 3 in the BOKCV

1 Peter 3 in the BOKCV2

1 Peter 3 in the BOKHWOG

1 Peter 3 in the BOKSSV

1 Peter 3 in the BOLCB

1 Peter 3 in the BOLCB2

1 Peter 3 in the BOMCV

1 Peter 3 in the BONAV

1 Peter 3 in the BONCB

1 Peter 3 in the BONLT

1 Peter 3 in the BONUT2

1 Peter 3 in the BOPLNT

1 Peter 3 in the BOSNC

1 Peter 3 in the BOTLNT

1 Peter 3 in the BOVCB

1 Peter 3 in the BOYCB

1 Peter 3 in the BPBB

1 Peter 3 in the BPH

1 Peter 3 in the BSB

1 Peter 3 in the CCB

1 Peter 3 in the CUV

1 Peter 3 in the CUVS

1 Peter 3 in the DBT

1 Peter 3 in the DGDNT

1 Peter 3 in the DHNT

1 Peter 3 in the DNT

1 Peter 3 in the ELBE

1 Peter 3 in the EMTV

1 Peter 3 in the ESV

1 Peter 3 in the FBV

1 Peter 3 in the FEB

1 Peter 3 in the GGMNT

1 Peter 3 in the GNT

1 Peter 3 in the HARY

1 Peter 3 in the HNT

1 Peter 3 in the IRVA

1 Peter 3 in the IRVB

1 Peter 3 in the IRVG

1 Peter 3 in the IRVH

1 Peter 3 in the IRVK

1 Peter 3 in the IRVM

1 Peter 3 in the IRVM2

1 Peter 3 in the IRVO

1 Peter 3 in the IRVP

1 Peter 3 in the IRVT

1 Peter 3 in the IRVT2

1 Peter 3 in the IRVU

1 Peter 3 in the ISVN

1 Peter 3 in the JSNT

1 Peter 3 in the KAPI

1 Peter 3 in the KBT1ETNIK

1 Peter 3 in the KBV

1 Peter 3 in the KJV

1 Peter 3 in the KNFD

1 Peter 3 in the LBA

1 Peter 3 in the LBLA

1 Peter 3 in the LNT

1 Peter 3 in the LSV

1 Peter 3 in the MAAL

1 Peter 3 in the MBV

1 Peter 3 in the MBV2

1 Peter 3 in the MHNT

1 Peter 3 in the MKNFD

1 Peter 3 in the MNG

1 Peter 3 in the MNT

1 Peter 3 in the MNT2

1 Peter 3 in the MRS1T

1 Peter 3 in the NAA

1 Peter 3 in the NASB

1 Peter 3 in the NBLA

1 Peter 3 in the NBS

1 Peter 3 in the NBVTP

1 Peter 3 in the NET2

1 Peter 3 in the NIV11

1 Peter 3 in the NNT

1 Peter 3 in the NNT2

1 Peter 3 in the NNT3

1 Peter 3 in the PDDPT

1 Peter 3 in the PFNT

1 Peter 3 in the RMNT

1 Peter 3 in the SBIAS

1 Peter 3 in the SBIBS

1 Peter 3 in the SBIBS2

1 Peter 3 in the SBICS

1 Peter 3 in the SBIDS

1 Peter 3 in the SBIGS

1 Peter 3 in the SBIHS

1 Peter 3 in the SBIIS

1 Peter 3 in the SBIIS2

1 Peter 3 in the SBIIS3

1 Peter 3 in the SBIKS

1 Peter 3 in the SBIKS2

1 Peter 3 in the SBIMS

1 Peter 3 in the SBIOS

1 Peter 3 in the SBIPS

1 Peter 3 in the SBISS

1 Peter 3 in the SBITS

1 Peter 3 in the SBITS2

1 Peter 3 in the SBITS3

1 Peter 3 in the SBITS4

1 Peter 3 in the SBIUS

1 Peter 3 in the SBIVS

1 Peter 3 in the SBT

1 Peter 3 in the SBT1E

1 Peter 3 in the SCHL

1 Peter 3 in the SNT

1 Peter 3 in the SUSU

1 Peter 3 in the SUSU2

1 Peter 3 in the SYNO

1 Peter 3 in the TBIAOTANT

1 Peter 3 in the TBT1E

1 Peter 3 in the TBT1E2

1 Peter 3 in the TFTIP

1 Peter 3 in the TFTU

1 Peter 3 in the TGNTATF3T

1 Peter 3 in the THAI

1 Peter 3 in the TNFD

1 Peter 3 in the TNT

1 Peter 3 in the TNTIK

1 Peter 3 in the TNTIL

1 Peter 3 in the TNTIN

1 Peter 3 in the TNTIP

1 Peter 3 in the TNTIZ

1 Peter 3 in the TOMA

1 Peter 3 in the TTENT

1 Peter 3 in the UBG

1 Peter 3 in the UGV

1 Peter 3 in the UGV2

1 Peter 3 in the UGV3

1 Peter 3 in the VBL

1 Peter 3 in the VDCC

1 Peter 3 in the YALU

1 Peter 3 in the YAPE

1 Peter 3 in the YBVTP

1 Peter 3 in the ZBP