Acts 18 (BOSCB)

1 Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde. 2 Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhiyo akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona, 3 uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo. 4 Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki. 5 Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu. 6 Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kune veDzimwe Ndudzi.” 7 Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari. 8 Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa. 9 Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara. 10 Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.” 11 Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari. 12 Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva. 13 Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.” 14 Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei. 15 Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.” 16 Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva. 17 Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo. 18 Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita. 19 Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha. 20 Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba. 21 Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso. 22 Akati aburuka paKesaria, akakwidza akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki. 23 Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose. 24 Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo. 25 Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani. 26 Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere. 27 Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha. 28 Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.

In Other Versions

Acts 18 in the ANGEFD

Acts 18 in the ANTPNG2D

Acts 18 in the AS21

Acts 18 in the BAGH

Acts 18 in the BBPNG

Acts 18 in the BBT1E

Acts 18 in the BDS

Acts 18 in the BEV

Acts 18 in the BHAD

Acts 18 in the BIB

Acts 18 in the BLPT

Acts 18 in the BNT

Acts 18 in the BNTABOOT

Acts 18 in the BNTLV

Acts 18 in the BOATCB

Acts 18 in the BOATCB2

Acts 18 in the BOBCV

Acts 18 in the BOCNT

Acts 18 in the BOECS

Acts 18 in the BOGWICC

Acts 18 in the BOHCB

Acts 18 in the BOHCV

Acts 18 in the BOHLNT

Acts 18 in the BOHNTLTAL

Acts 18 in the BOICB

Acts 18 in the BOILNTAP

Acts 18 in the BOITCV

Acts 18 in the BOKCV

Acts 18 in the BOKCV2

Acts 18 in the BOKHWOG

Acts 18 in the BOKSSV

Acts 18 in the BOLCB

Acts 18 in the BOLCB2

Acts 18 in the BOMCV

Acts 18 in the BONAV

Acts 18 in the BONCB

Acts 18 in the BONLT

Acts 18 in the BONUT2

Acts 18 in the BOPLNT

Acts 18 in the BOSNC

Acts 18 in the BOTLNT

Acts 18 in the BOVCB

Acts 18 in the BOYCB

Acts 18 in the BPBB

Acts 18 in the BPH

Acts 18 in the BSB

Acts 18 in the CCB

Acts 18 in the CUV

Acts 18 in the CUVS

Acts 18 in the DBT

Acts 18 in the DGDNT

Acts 18 in the DHNT

Acts 18 in the DNT

Acts 18 in the ELBE

Acts 18 in the EMTV

Acts 18 in the ESV

Acts 18 in the FBV

Acts 18 in the FEB

Acts 18 in the GGMNT

Acts 18 in the GNT

Acts 18 in the HARY

Acts 18 in the HNT

Acts 18 in the IRVA

Acts 18 in the IRVB

Acts 18 in the IRVG

Acts 18 in the IRVH

Acts 18 in the IRVK

Acts 18 in the IRVM

Acts 18 in the IRVM2

Acts 18 in the IRVO

Acts 18 in the IRVP

Acts 18 in the IRVT

Acts 18 in the IRVT2

Acts 18 in the IRVU

Acts 18 in the ISVN

Acts 18 in the JSNT

Acts 18 in the KAPI

Acts 18 in the KBT1ETNIK

Acts 18 in the KBV

Acts 18 in the KJV

Acts 18 in the KNFD

Acts 18 in the LBA

Acts 18 in the LBLA

Acts 18 in the LNT

Acts 18 in the LSV

Acts 18 in the MAAL

Acts 18 in the MBV

Acts 18 in the MBV2

Acts 18 in the MHNT

Acts 18 in the MKNFD

Acts 18 in the MNG

Acts 18 in the MNT

Acts 18 in the MNT2

Acts 18 in the MRS1T

Acts 18 in the NAA

Acts 18 in the NASB

Acts 18 in the NBLA

Acts 18 in the NBS

Acts 18 in the NBVTP

Acts 18 in the NET2

Acts 18 in the NIV11

Acts 18 in the NNT

Acts 18 in the NNT2

Acts 18 in the NNT3

Acts 18 in the PDDPT

Acts 18 in the PFNT

Acts 18 in the RMNT

Acts 18 in the SBIAS

Acts 18 in the SBIBS

Acts 18 in the SBIBS2

Acts 18 in the SBICS

Acts 18 in the SBIDS

Acts 18 in the SBIGS

Acts 18 in the SBIHS

Acts 18 in the SBIIS

Acts 18 in the SBIIS2

Acts 18 in the SBIIS3

Acts 18 in the SBIKS

Acts 18 in the SBIKS2

Acts 18 in the SBIMS

Acts 18 in the SBIOS

Acts 18 in the SBIPS

Acts 18 in the SBISS

Acts 18 in the SBITS

Acts 18 in the SBITS2

Acts 18 in the SBITS3

Acts 18 in the SBITS4

Acts 18 in the SBIUS

Acts 18 in the SBIVS

Acts 18 in the SBT

Acts 18 in the SBT1E

Acts 18 in the SCHL

Acts 18 in the SNT

Acts 18 in the SUSU

Acts 18 in the SUSU2

Acts 18 in the SYNO

Acts 18 in the TBIAOTANT

Acts 18 in the TBT1E

Acts 18 in the TBT1E2

Acts 18 in the TFTIP

Acts 18 in the TFTU

Acts 18 in the TGNTATF3T

Acts 18 in the THAI

Acts 18 in the TNFD

Acts 18 in the TNT

Acts 18 in the TNTIK

Acts 18 in the TNTIL

Acts 18 in the TNTIN

Acts 18 in the TNTIP

Acts 18 in the TNTIZ

Acts 18 in the TOMA

Acts 18 in the TTENT

Acts 18 in the UBG

Acts 18 in the UGV

Acts 18 in the UGV2

Acts 18 in the UGV3

Acts 18 in the VBL

Acts 18 in the VDCC

Acts 18 in the YALU

Acts 18 in the YAPE

Acts 18 in the YBVTP

Acts 18 in the ZBP