Galatians 3 (BOSCB)

1 Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. 2 Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? 3 Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? 4 Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina? 5 Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa? 6 Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.” 7 Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama. 8 Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa veDzimwe Ndudzi nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.” 9 Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda. 10 Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.” 11 Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.” 12 Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.” 13 Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.” 14 Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kune veDzimwe Ndudzi kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya. 15 Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pane izvozvi. 16 Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu. 17 Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa. 18 Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa. 19 Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri. 20 Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe. 21 Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro. 22 Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda. 23 Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa. 24 Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoruramisirwa nokutenda. 25 Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro. 26 Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu, 27 nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu. 28 Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. 29 Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.

In Other Versions

Galatians 3 in the ANGEFD

Galatians 3 in the ANTPNG2D

Galatians 3 in the AS21

Galatians 3 in the BAGH

Galatians 3 in the BBPNG

Galatians 3 in the BBT1E

Galatians 3 in the BDS

Galatians 3 in the BEV

Galatians 3 in the BHAD

Galatians 3 in the BIB

Galatians 3 in the BLPT

Galatians 3 in the BNT

Galatians 3 in the BNTABOOT

Galatians 3 in the BNTLV

Galatians 3 in the BOATCB

Galatians 3 in the BOATCB2

Galatians 3 in the BOBCV

Galatians 3 in the BOCNT

Galatians 3 in the BOECS

Galatians 3 in the BOGWICC

Galatians 3 in the BOHCB

Galatians 3 in the BOHCV

Galatians 3 in the BOHLNT

Galatians 3 in the BOHNTLTAL

Galatians 3 in the BOICB

Galatians 3 in the BOILNTAP

Galatians 3 in the BOITCV

Galatians 3 in the BOKCV

Galatians 3 in the BOKCV2

Galatians 3 in the BOKHWOG

Galatians 3 in the BOKSSV

Galatians 3 in the BOLCB

Galatians 3 in the BOLCB2

Galatians 3 in the BOMCV

Galatians 3 in the BONAV

Galatians 3 in the BONCB

Galatians 3 in the BONLT

Galatians 3 in the BONUT2

Galatians 3 in the BOPLNT

Galatians 3 in the BOSNC

Galatians 3 in the BOTLNT

Galatians 3 in the BOVCB

Galatians 3 in the BOYCB

Galatians 3 in the BPBB

Galatians 3 in the BPH

Galatians 3 in the BSB

Galatians 3 in the CCB

Galatians 3 in the CUV

Galatians 3 in the CUVS

Galatians 3 in the DBT

Galatians 3 in the DGDNT

Galatians 3 in the DHNT

Galatians 3 in the DNT

Galatians 3 in the ELBE

Galatians 3 in the EMTV

Galatians 3 in the ESV

Galatians 3 in the FBV

Galatians 3 in the FEB

Galatians 3 in the GGMNT

Galatians 3 in the GNT

Galatians 3 in the HARY

Galatians 3 in the HNT

Galatians 3 in the IRVA

Galatians 3 in the IRVB

Galatians 3 in the IRVG

Galatians 3 in the IRVH

Galatians 3 in the IRVK

Galatians 3 in the IRVM

Galatians 3 in the IRVM2

Galatians 3 in the IRVO

Galatians 3 in the IRVP

Galatians 3 in the IRVT

Galatians 3 in the IRVT2

Galatians 3 in the IRVU

Galatians 3 in the ISVN

Galatians 3 in the JSNT

Galatians 3 in the KAPI

Galatians 3 in the KBT1ETNIK

Galatians 3 in the KBV

Galatians 3 in the KJV

Galatians 3 in the KNFD

Galatians 3 in the LBA

Galatians 3 in the LBLA

Galatians 3 in the LNT

Galatians 3 in the LSV

Galatians 3 in the MAAL

Galatians 3 in the MBV

Galatians 3 in the MBV2

Galatians 3 in the MHNT

Galatians 3 in the MKNFD

Galatians 3 in the MNG

Galatians 3 in the MNT

Galatians 3 in the MNT2

Galatians 3 in the MRS1T

Galatians 3 in the NAA

Galatians 3 in the NASB

Galatians 3 in the NBLA

Galatians 3 in the NBS

Galatians 3 in the NBVTP

Galatians 3 in the NET2

Galatians 3 in the NIV11

Galatians 3 in the NNT

Galatians 3 in the NNT2

Galatians 3 in the NNT3

Galatians 3 in the PDDPT

Galatians 3 in the PFNT

Galatians 3 in the RMNT

Galatians 3 in the SBIAS

Galatians 3 in the SBIBS

Galatians 3 in the SBIBS2

Galatians 3 in the SBICS

Galatians 3 in the SBIDS

Galatians 3 in the SBIGS

Galatians 3 in the SBIHS

Galatians 3 in the SBIIS

Galatians 3 in the SBIIS2

Galatians 3 in the SBIIS3

Galatians 3 in the SBIKS

Galatians 3 in the SBIKS2

Galatians 3 in the SBIMS

Galatians 3 in the SBIOS

Galatians 3 in the SBIPS

Galatians 3 in the SBISS

Galatians 3 in the SBITS

Galatians 3 in the SBITS2

Galatians 3 in the SBITS3

Galatians 3 in the SBITS4

Galatians 3 in the SBIUS

Galatians 3 in the SBIVS

Galatians 3 in the SBT

Galatians 3 in the SBT1E

Galatians 3 in the SCHL

Galatians 3 in the SNT

Galatians 3 in the SUSU

Galatians 3 in the SUSU2

Galatians 3 in the SYNO

Galatians 3 in the TBIAOTANT

Galatians 3 in the TBT1E

Galatians 3 in the TBT1E2

Galatians 3 in the TFTIP

Galatians 3 in the TFTU

Galatians 3 in the TGNTATF3T

Galatians 3 in the THAI

Galatians 3 in the TNFD

Galatians 3 in the TNT

Galatians 3 in the TNTIK

Galatians 3 in the TNTIL

Galatians 3 in the TNTIN

Galatians 3 in the TNTIP

Galatians 3 in the TNTIZ

Galatians 3 in the TOMA

Galatians 3 in the TTENT

Galatians 3 in the UBG

Galatians 3 in the UGV

Galatians 3 in the UGV2

Galatians 3 in the UGV3

Galatians 3 in the VBL

Galatians 3 in the VDCC

Galatians 3 in the YALU

Galatians 3 in the YAPE

Galatians 3 in the YBVTP

Galatians 3 in the ZBP