Hebrews 12 (BOSCB)
1 Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. 2 Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. 3 Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu. 4 Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa. 5 Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti:“Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe,uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye, 6 nokuti Ishe anoranga uyo waanoda,uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.” 7 Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? 8 Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi. 9 Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama! 10 Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake. 11 Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako. 12 Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba. 13 “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuva akaremara, asi kuti aporeswe. 14 Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. 15 Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji. 16 Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete. 17 Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaka mukomborero uyo nemisodzi. 18 Hamuna kumboswedera kugomo ringabatwa namaoko uye rinopfuta nomoto; kurima, kukusviba uye nokudutu guru; 19 kukurira kwehwamanda kana inzwi rinotaura mashoko zvokuti vaya vakarinzwa vakakumbirisa kuti varege kuudzwazve rimwe shoko, 20 nokuti vakanga vasingagoni kutakura zvakanga zvarayirwa sokuti: “Kunyange kana mhuka ipi zvayo ikabata gomo, inofanira kutakwa namabwe.” 21 Chakaonekwa chaityisa zvokuti Mozisi akati, “Ndiri kudedera nokutya.” 22 Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro, 23 kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa, 24 kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri. 25 Chenjerai kuti murege kuramba iye anotaura. Kana ivo vasina kupunyuka pavakaramba iye akavayambira panyika, ko, kuzoti isu kana tikatsauka kubva kwaari anotiyambira kubva kudenga? 26 Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungunusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.” 27 Mashoko okuti, “Kamwe chetezve” anoratidza kubviswa kwezvinhu zvinogona kuzungunuswa, izvo zvinhu zvakasikwa, kuitira kuti zvisingagoni kuzungunuswa zvirambe zviripo. 28 Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya, 29 nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”
In Other Versions
Hebrews 12 in the ANGEFD
Hebrews 12 in the ANTPNG2D
Hebrews 12 in the AS21
Hebrews 12 in the BAGH
Hebrews 12 in the BBPNG
Hebrews 12 in the BBT1E
Hebrews 12 in the BDS
Hebrews 12 in the BEV
Hebrews 12 in the BHAD
Hebrews 12 in the BIB
Hebrews 12 in the BLPT
Hebrews 12 in the BNT
Hebrews 12 in the BNTABOOT
Hebrews 12 in the BNTLV
Hebrews 12 in the BOATCB
Hebrews 12 in the BOATCB2
Hebrews 12 in the BOBCV
Hebrews 12 in the BOCNT
Hebrews 12 in the BOECS
Hebrews 12 in the BOGWICC
Hebrews 12 in the BOHCB
Hebrews 12 in the BOHCV
Hebrews 12 in the BOHLNT
Hebrews 12 in the BOHNTLTAL
Hebrews 12 in the BOICB
Hebrews 12 in the BOILNTAP
Hebrews 12 in the BOITCV
Hebrews 12 in the BOKCV
Hebrews 12 in the BOKCV2
Hebrews 12 in the BOKHWOG
Hebrews 12 in the BOKSSV
Hebrews 12 in the BOLCB
Hebrews 12 in the BOLCB2
Hebrews 12 in the BOMCV
Hebrews 12 in the BONAV
Hebrews 12 in the BONCB
Hebrews 12 in the BONLT
Hebrews 12 in the BONUT2
Hebrews 12 in the BOPLNT
Hebrews 12 in the BOSNC
Hebrews 12 in the BOTLNT
Hebrews 12 in the BOVCB
Hebrews 12 in the BOYCB
Hebrews 12 in the BPBB
Hebrews 12 in the BPH
Hebrews 12 in the BSB
Hebrews 12 in the CCB
Hebrews 12 in the CUV
Hebrews 12 in the CUVS
Hebrews 12 in the DBT
Hebrews 12 in the DGDNT
Hebrews 12 in the DHNT
Hebrews 12 in the DNT
Hebrews 12 in the ELBE
Hebrews 12 in the EMTV
Hebrews 12 in the ESV
Hebrews 12 in the FBV
Hebrews 12 in the FEB
Hebrews 12 in the GGMNT
Hebrews 12 in the GNT
Hebrews 12 in the HARY
Hebrews 12 in the HNT
Hebrews 12 in the IRVA
Hebrews 12 in the IRVB
Hebrews 12 in the IRVG
Hebrews 12 in the IRVH
Hebrews 12 in the IRVK
Hebrews 12 in the IRVM
Hebrews 12 in the IRVM2
Hebrews 12 in the IRVO
Hebrews 12 in the IRVP
Hebrews 12 in the IRVT
Hebrews 12 in the IRVT2
Hebrews 12 in the IRVU
Hebrews 12 in the ISVN
Hebrews 12 in the JSNT
Hebrews 12 in the KAPI
Hebrews 12 in the KBT1ETNIK
Hebrews 12 in the KBV
Hebrews 12 in the KJV
Hebrews 12 in the KNFD
Hebrews 12 in the LBA
Hebrews 12 in the LBLA
Hebrews 12 in the LNT
Hebrews 12 in the LSV
Hebrews 12 in the MAAL
Hebrews 12 in the MBV
Hebrews 12 in the MBV2
Hebrews 12 in the MHNT
Hebrews 12 in the MKNFD
Hebrews 12 in the MNG
Hebrews 12 in the MNT
Hebrews 12 in the MNT2
Hebrews 12 in the MRS1T
Hebrews 12 in the NAA
Hebrews 12 in the NASB
Hebrews 12 in the NBLA
Hebrews 12 in the NBS
Hebrews 12 in the NBVTP
Hebrews 12 in the NET2
Hebrews 12 in the NIV11
Hebrews 12 in the NNT
Hebrews 12 in the NNT2
Hebrews 12 in the NNT3
Hebrews 12 in the PDDPT
Hebrews 12 in the PFNT
Hebrews 12 in the RMNT
Hebrews 12 in the SBIAS
Hebrews 12 in the SBIBS
Hebrews 12 in the SBIBS2
Hebrews 12 in the SBICS
Hebrews 12 in the SBIDS
Hebrews 12 in the SBIGS
Hebrews 12 in the SBIHS
Hebrews 12 in the SBIIS
Hebrews 12 in the SBIIS2
Hebrews 12 in the SBIIS3
Hebrews 12 in the SBIKS
Hebrews 12 in the SBIKS2
Hebrews 12 in the SBIMS
Hebrews 12 in the SBIOS
Hebrews 12 in the SBIPS
Hebrews 12 in the SBISS
Hebrews 12 in the SBITS
Hebrews 12 in the SBITS2
Hebrews 12 in the SBITS3
Hebrews 12 in the SBITS4
Hebrews 12 in the SBIUS
Hebrews 12 in the SBIVS
Hebrews 12 in the SBT
Hebrews 12 in the SBT1E
Hebrews 12 in the SCHL
Hebrews 12 in the SNT
Hebrews 12 in the SUSU
Hebrews 12 in the SUSU2
Hebrews 12 in the SYNO
Hebrews 12 in the TBIAOTANT
Hebrews 12 in the TBT1E
Hebrews 12 in the TBT1E2
Hebrews 12 in the TFTIP
Hebrews 12 in the TFTU
Hebrews 12 in the TGNTATF3T
Hebrews 12 in the THAI
Hebrews 12 in the TNFD
Hebrews 12 in the TNT
Hebrews 12 in the TNTIK
Hebrews 12 in the TNTIL
Hebrews 12 in the TNTIN
Hebrews 12 in the TNTIP
Hebrews 12 in the TNTIZ
Hebrews 12 in the TOMA
Hebrews 12 in the TTENT
Hebrews 12 in the UBG
Hebrews 12 in the UGV
Hebrews 12 in the UGV2
Hebrews 12 in the UGV3
Hebrews 12 in the VBL
Hebrews 12 in the VDCC
Hebrews 12 in the YALU
Hebrews 12 in the YAPE
Hebrews 12 in the YBVTP
Hebrews 12 in the ZBP