Hebrews 7 (BOSCB)
1 Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo, akamuropafadza, 2 uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “mambo woRugare.” 3 Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi. 4 Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba! 5 Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama. 6 Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa. 7 Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa neakamupfuura paukuru. 8 Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu. 9 Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama, 10 nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake. 11 Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye ari worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni? 12 Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro. 13 Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndeworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari. 14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kumbotaura zvavaprista. 15 Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa, 16 uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki. 17 Nokuti zvakataurwa zvichinzi:“Iwe uri muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.” 18 Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo 19 (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari. 20 Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo, 21 asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari:“Ishe akapikauye haangashanduri murangariro wake:‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ” 22 Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka. 23 Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri; 24 asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. 25 Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera. 26 Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga. 27 Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye. 28 Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi.
In Other Versions
Hebrews 7 in the ANGEFD
Hebrews 7 in the ANTPNG2D
Hebrews 7 in the AS21
Hebrews 7 in the BAGH
Hebrews 7 in the BBPNG
Hebrews 7 in the BBT1E
Hebrews 7 in the BDS
Hebrews 7 in the BEV
Hebrews 7 in the BHAD
Hebrews 7 in the BIB
Hebrews 7 in the BLPT
Hebrews 7 in the BNT
Hebrews 7 in the BNTABOOT
Hebrews 7 in the BNTLV
Hebrews 7 in the BOATCB
Hebrews 7 in the BOATCB2
Hebrews 7 in the BOBCV
Hebrews 7 in the BOCNT
Hebrews 7 in the BOECS
Hebrews 7 in the BOGWICC
Hebrews 7 in the BOHCB
Hebrews 7 in the BOHCV
Hebrews 7 in the BOHLNT
Hebrews 7 in the BOHNTLTAL
Hebrews 7 in the BOICB
Hebrews 7 in the BOILNTAP
Hebrews 7 in the BOITCV
Hebrews 7 in the BOKCV
Hebrews 7 in the BOKCV2
Hebrews 7 in the BOKHWOG
Hebrews 7 in the BOKSSV
Hebrews 7 in the BOLCB
Hebrews 7 in the BOLCB2
Hebrews 7 in the BOMCV
Hebrews 7 in the BONAV
Hebrews 7 in the BONCB
Hebrews 7 in the BONLT
Hebrews 7 in the BONUT2
Hebrews 7 in the BOPLNT
Hebrews 7 in the BOSNC
Hebrews 7 in the BOTLNT
Hebrews 7 in the BOVCB
Hebrews 7 in the BOYCB
Hebrews 7 in the BPBB
Hebrews 7 in the BPH
Hebrews 7 in the BSB
Hebrews 7 in the CCB
Hebrews 7 in the CUV
Hebrews 7 in the CUVS
Hebrews 7 in the DBT
Hebrews 7 in the DGDNT
Hebrews 7 in the DHNT
Hebrews 7 in the DNT
Hebrews 7 in the ELBE
Hebrews 7 in the EMTV
Hebrews 7 in the ESV
Hebrews 7 in the FBV
Hebrews 7 in the FEB
Hebrews 7 in the GGMNT
Hebrews 7 in the GNT
Hebrews 7 in the HARY
Hebrews 7 in the HNT
Hebrews 7 in the IRVA
Hebrews 7 in the IRVB
Hebrews 7 in the IRVG
Hebrews 7 in the IRVH
Hebrews 7 in the IRVK
Hebrews 7 in the IRVM
Hebrews 7 in the IRVM2
Hebrews 7 in the IRVO
Hebrews 7 in the IRVP
Hebrews 7 in the IRVT
Hebrews 7 in the IRVT2
Hebrews 7 in the IRVU
Hebrews 7 in the ISVN
Hebrews 7 in the JSNT
Hebrews 7 in the KAPI
Hebrews 7 in the KBT1ETNIK
Hebrews 7 in the KBV
Hebrews 7 in the KJV
Hebrews 7 in the KNFD
Hebrews 7 in the LBA
Hebrews 7 in the LBLA
Hebrews 7 in the LNT
Hebrews 7 in the LSV
Hebrews 7 in the MAAL
Hebrews 7 in the MBV
Hebrews 7 in the MBV2
Hebrews 7 in the MHNT
Hebrews 7 in the MKNFD
Hebrews 7 in the MNG
Hebrews 7 in the MNT
Hebrews 7 in the MNT2
Hebrews 7 in the MRS1T
Hebrews 7 in the NAA
Hebrews 7 in the NASB
Hebrews 7 in the NBLA
Hebrews 7 in the NBS
Hebrews 7 in the NBVTP
Hebrews 7 in the NET2
Hebrews 7 in the NIV11
Hebrews 7 in the NNT
Hebrews 7 in the NNT2
Hebrews 7 in the NNT3
Hebrews 7 in the PDDPT
Hebrews 7 in the PFNT
Hebrews 7 in the RMNT
Hebrews 7 in the SBIAS
Hebrews 7 in the SBIBS
Hebrews 7 in the SBIBS2
Hebrews 7 in the SBICS
Hebrews 7 in the SBIDS
Hebrews 7 in the SBIGS
Hebrews 7 in the SBIHS
Hebrews 7 in the SBIIS
Hebrews 7 in the SBIIS2
Hebrews 7 in the SBIIS3
Hebrews 7 in the SBIKS
Hebrews 7 in the SBIKS2
Hebrews 7 in the SBIMS
Hebrews 7 in the SBIOS
Hebrews 7 in the SBIPS
Hebrews 7 in the SBISS
Hebrews 7 in the SBITS
Hebrews 7 in the SBITS2
Hebrews 7 in the SBITS3
Hebrews 7 in the SBITS4
Hebrews 7 in the SBIUS
Hebrews 7 in the SBIVS
Hebrews 7 in the SBT
Hebrews 7 in the SBT1E
Hebrews 7 in the SCHL
Hebrews 7 in the SNT
Hebrews 7 in the SUSU
Hebrews 7 in the SUSU2
Hebrews 7 in the SYNO
Hebrews 7 in the TBIAOTANT
Hebrews 7 in the TBT1E
Hebrews 7 in the TBT1E2
Hebrews 7 in the TFTIP
Hebrews 7 in the TFTU
Hebrews 7 in the TGNTATF3T
Hebrews 7 in the THAI
Hebrews 7 in the TNFD
Hebrews 7 in the TNT
Hebrews 7 in the TNTIK
Hebrews 7 in the TNTIL
Hebrews 7 in the TNTIN
Hebrews 7 in the TNTIP
Hebrews 7 in the TNTIZ
Hebrews 7 in the TOMA
Hebrews 7 in the TTENT
Hebrews 7 in the UBG
Hebrews 7 in the UGV
Hebrews 7 in the UGV2
Hebrews 7 in the UGV3
Hebrews 7 in the VBL
Hebrews 7 in the VDCC
Hebrews 7 in the YALU
Hebrews 7 in the YAPE
Hebrews 7 in the YBVTP
Hebrews 7 in the ZBP