Isaiah 28 (BOSCB)

1 Ine nhamo korona yokuzvikudza, yezvidhakwa zveEfuremu,neruva rosvava pakubwinya kworunako rwaro,riri pamusoro pemipata yakaorerayaavo vakurirwa newaini! 2 Tarira, Ishe ano mumwe ane simba uye anokurira.Sechimvuramabwe uye nedutu rinoparadza,sedutu remvura zhinji uye samafashamu emvura inonaya,achaiwisira pasi nesimba guru. 3 Iya korona, yokuzvikudza yezvidhakwa zveEfuremu,ichatsikwa-tsikwa pasi petsoka. 4 Ruva riya rosvava pakubwinya kworunako rwaro,riri pamusoro pomupata wakaorera, richafanana neonde raibva gohwo risati rasvika,munhu achingoriona, anoritanha noruoko rwake,obva aridya pakarepo. 5 Pazuva iro Jehovha Wamasimba Ose achava korona inobwinya,chishongo chakanaka chavanhu vake vakasara. 6 Achava mweya wokururamisirakuna iye anogara pakutonga,chitubu chesimba kuna avovanodzosera shure vanorwa pasuo. 7 Ivavawo vanodzedzereka newainiuye vanozengaira nedoro:Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro,uye vanonyonganiswa newaini;vanozengaira nedoro,vanodzedzereka pavanoona zviratidzo,vanogumburwa pakutonga. 8 Tafura dzose dzazara marutsiuye hapachina nzvimbo isina tsvina. 9 “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo?Ndianiko waanotsanangurira shoko?Kuvana vakarumurwa pamukaka,kuna avo vachangobva pazamu here? 10 Nokuti zvinoti:Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo,mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara,apa zvishoma, apo zvishoma.” 11 Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa,nendimi dzokumwe, 12 kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora,vakaneta ngavazorore,”uye, “Iyi ndiyo nzvimbo yorunyararo,”asi havana kumboteerera. 13 Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava:Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo,mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara,apa zvishoma, apo zvishoma,kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike,vabatwe nomusungo vagotapwa. 14 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki,imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema. 15 Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu,takatenderana neguva.Shamhu inokukura painouya,haizotibati,nokuti nhema takadziita utiziro hwedu,uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.” 16 Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“Tarirai ndinoisa ibwe muZioni,ibwe rakaedzwa,ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba;anovimba naro haangavhunduki. 17 Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokururamisira,uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho;chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema,uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda. 18 Sungano yenyu norufu ichadzimwa;chitenderano chenyu neguva hachingamiri.Shamhu inokukura painouya,muchakundwa nayo. 19 Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure;mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku,ichakukura.” Kunzwisisa shoko irikuchauyisa kutya. 20 Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara,uye jira richava diki zvokuti munhu haangagoni kufukidzwa naro. 21 Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi,achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni,kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki,uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki. 22 Zvino chiregai kudada kwenyu,nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai;Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose,andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose. 23 Teererai uye munzwe inzwi rangu;rerekai nzeve dzenyu munzwe zvandinoreva. 24 Murimi paanorimira kuti agodyara, anoramba achingorima here?Ko, anoramba achingorima kana kuhara here? 25 Paanoenzanisa munda wake kuti uti chechetere,haangadyari karawe uye agokusha kumini here?Haangadyari gorosi munzvimbo yaro,nebhari mumunda wayo,nesipereti mumunda wayo here? 26 Nokuti Mwari wake anomurayiridzauye achamudzidzisa nzira yakanaka. 27 Karawe haipurwi nechireyi,uye vhiri rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini;karawe inopurwa nemhurouye kumini inopurwa norumuti. 28 Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa;saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi.Kunyange achifambisa mavhiri engoro yakeyokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi. 29 Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose,anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.

In Other Versions

Isaiah 28 in the ANGEFD

Isaiah 28 in the ANTPNG2D

Isaiah 28 in the AS21

Isaiah 28 in the BAGH

Isaiah 28 in the BBPNG

Isaiah 28 in the BBT1E

Isaiah 28 in the BDS

Isaiah 28 in the BEV

Isaiah 28 in the BHAD

Isaiah 28 in the BIB

Isaiah 28 in the BLPT

Isaiah 28 in the BNT

Isaiah 28 in the BNTABOOT

Isaiah 28 in the BNTLV

Isaiah 28 in the BOATCB

Isaiah 28 in the BOATCB2

Isaiah 28 in the BOBCV

Isaiah 28 in the BOCNT

Isaiah 28 in the BOECS

Isaiah 28 in the BOGWICC

Isaiah 28 in the BOHCB

Isaiah 28 in the BOHCV

Isaiah 28 in the BOHLNT

Isaiah 28 in the BOHNTLTAL

Isaiah 28 in the BOICB

Isaiah 28 in the BOILNTAP

Isaiah 28 in the BOITCV

Isaiah 28 in the BOKCV

Isaiah 28 in the BOKCV2

Isaiah 28 in the BOKHWOG

Isaiah 28 in the BOKSSV

Isaiah 28 in the BOLCB

Isaiah 28 in the BOLCB2

Isaiah 28 in the BOMCV

Isaiah 28 in the BONAV

Isaiah 28 in the BONCB

Isaiah 28 in the BONLT

Isaiah 28 in the BONUT2

Isaiah 28 in the BOPLNT

Isaiah 28 in the BOSNC

Isaiah 28 in the BOTLNT

Isaiah 28 in the BOVCB

Isaiah 28 in the BOYCB

Isaiah 28 in the BPBB

Isaiah 28 in the BPH

Isaiah 28 in the BSB

Isaiah 28 in the CCB

Isaiah 28 in the CUV

Isaiah 28 in the CUVS

Isaiah 28 in the DBT

Isaiah 28 in the DGDNT

Isaiah 28 in the DHNT

Isaiah 28 in the DNT

Isaiah 28 in the ELBE

Isaiah 28 in the EMTV

Isaiah 28 in the ESV

Isaiah 28 in the FBV

Isaiah 28 in the FEB

Isaiah 28 in the GGMNT

Isaiah 28 in the GNT

Isaiah 28 in the HARY

Isaiah 28 in the HNT

Isaiah 28 in the IRVA

Isaiah 28 in the IRVB

Isaiah 28 in the IRVG

Isaiah 28 in the IRVH

Isaiah 28 in the IRVK

Isaiah 28 in the IRVM

Isaiah 28 in the IRVM2

Isaiah 28 in the IRVO

Isaiah 28 in the IRVP

Isaiah 28 in the IRVT

Isaiah 28 in the IRVT2

Isaiah 28 in the IRVU

Isaiah 28 in the ISVN

Isaiah 28 in the JSNT

Isaiah 28 in the KAPI

Isaiah 28 in the KBT1ETNIK

Isaiah 28 in the KBV

Isaiah 28 in the KJV

Isaiah 28 in the KNFD

Isaiah 28 in the LBA

Isaiah 28 in the LBLA

Isaiah 28 in the LNT

Isaiah 28 in the LSV

Isaiah 28 in the MAAL

Isaiah 28 in the MBV

Isaiah 28 in the MBV2

Isaiah 28 in the MHNT

Isaiah 28 in the MKNFD

Isaiah 28 in the MNG

Isaiah 28 in the MNT

Isaiah 28 in the MNT2

Isaiah 28 in the MRS1T

Isaiah 28 in the NAA

Isaiah 28 in the NASB

Isaiah 28 in the NBLA

Isaiah 28 in the NBS

Isaiah 28 in the NBVTP

Isaiah 28 in the NET2

Isaiah 28 in the NIV11

Isaiah 28 in the NNT

Isaiah 28 in the NNT2

Isaiah 28 in the NNT3

Isaiah 28 in the PDDPT

Isaiah 28 in the PFNT

Isaiah 28 in the RMNT

Isaiah 28 in the SBIAS

Isaiah 28 in the SBIBS

Isaiah 28 in the SBIBS2

Isaiah 28 in the SBICS

Isaiah 28 in the SBIDS

Isaiah 28 in the SBIGS

Isaiah 28 in the SBIHS

Isaiah 28 in the SBIIS

Isaiah 28 in the SBIIS2

Isaiah 28 in the SBIIS3

Isaiah 28 in the SBIKS

Isaiah 28 in the SBIKS2

Isaiah 28 in the SBIMS

Isaiah 28 in the SBIOS

Isaiah 28 in the SBIPS

Isaiah 28 in the SBISS

Isaiah 28 in the SBITS

Isaiah 28 in the SBITS2

Isaiah 28 in the SBITS3

Isaiah 28 in the SBITS4

Isaiah 28 in the SBIUS

Isaiah 28 in the SBIVS

Isaiah 28 in the SBT

Isaiah 28 in the SBT1E

Isaiah 28 in the SCHL

Isaiah 28 in the SNT

Isaiah 28 in the SUSU

Isaiah 28 in the SUSU2

Isaiah 28 in the SYNO

Isaiah 28 in the TBIAOTANT

Isaiah 28 in the TBT1E

Isaiah 28 in the TBT1E2

Isaiah 28 in the TFTIP

Isaiah 28 in the TFTU

Isaiah 28 in the TGNTATF3T

Isaiah 28 in the THAI

Isaiah 28 in the TNFD

Isaiah 28 in the TNT

Isaiah 28 in the TNTIK

Isaiah 28 in the TNTIL

Isaiah 28 in the TNTIN

Isaiah 28 in the TNTIP

Isaiah 28 in the TNTIZ

Isaiah 28 in the TOMA

Isaiah 28 in the TTENT

Isaiah 28 in the UBG

Isaiah 28 in the UGV

Isaiah 28 in the UGV2

Isaiah 28 in the UGV3

Isaiah 28 in the VBL

Isaiah 28 in the VDCC

Isaiah 28 in the YALU

Isaiah 28 in the YAPE

Isaiah 28 in the YBVTP

Isaiah 28 in the ZBP