Isaiah 30 (BOSCB)

1 “Vane nhamo vana vakasindimara,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu,vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu,vachiunganidza chivi pamusoro pechivi; 2 vanoenda kuIjipitivasina kundibvunza;vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro,vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti. 3 Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu,mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa, 4 kunyange vaine machinda muZoaniuye nhume dzavo dzasvika muHanesi, 5 mumwe nomumwe wavo achanyadziswanokuda kwavanhu vasina betsero kwavari,vasingavavigiri rubatsiro kana ruyamuro,asi kunyadziswa chete nokuzvidzwa.” 6 Chirevo pamusoro pemhuka dzeNegevhi:nomunyika yenhamo namatambudziko,yeshumba neshumbakadzi,yemvumbi nenyoka dzine hasha uye dzinobhururuka,nhume dzinotakura pfuma yadzo pamusoro pembongoro,noupfumi hwadzo pamusoro penyundwa dzengamera,dzichihuendesa kurudzi rusingabatsiri, 7 kuIjipiti kuno rubatsiro rusina maturo chose.Naizvozvo ndinomutumidza zita rokutiRahabhi Asina Chaanoita. 8 Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo,uzvinyore murugwaro,kuti pamazuva anouyachigova chapupu nokusingaperi. 9 Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera,vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha. 10 Vanoti kuvaoni,“Regai kuonazve zviratidzo!”nokuvaprofita,“Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka!Tiudzei zvinhu zvinofadza,muprofite zvinonyengera. 11 Siyai nzira iyi,ibvai mugwara iri,murege kuita kuti timisidzanenoMutsvene waIsraeri!” 12 Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri:“Nokuti makaramba shoko rangu iri,mukasendamira pakumanikidzauye mukavimba nokunyengera, 13 chivi ichi chichava kwamurisorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka,runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza. 14 Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari,yakaputswa noutsinyezvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara,chokugoka mazimbe omoto pachotokana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.” 15 Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri:“Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu,murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu,asi imi makaramba chimwe chazvo. 16 Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’Naizvozvo muchatiza!Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo! 17 Chiuru chimwe chete chichatizanokuvhundutsa kwomumwe chete;imi mose muchatizakuvhundutsa kwavashanu,kusvikira masaramaita sedanda romureza riri pamusoro pegomo,kuita somureza pamusoro pechikomo.” 18 Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;anosimuka kuti akuratidzei tsitsi.Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira.Vakaropafadzwa vose vanomurindira! 19 Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai. 20 Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu. 21 Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.” 22 Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!” 23 Achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka. 24 Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro. 25 Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba. 26 Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake agorapa maronda aakavakuvadza nawo. 27 Tarirai, Zita raJehovha rasvika richibva kure,rine hasha dzinopfuta moto namakore outsi hwakasviba kuti ndo-o;miromo yake yakazara nokutsamwa,uye rurimi rwake moto unoparadza. 28 Kufema kwake kunofanana nokuyerera kwemvura ine simba zhinji,inokwira ichisvika mumutsipa.Anozungura ndudzi murusero rwokuparadza;anoisa mushaya dzavanhumatomu anovatsausa. 29 Uye muchaimbasapausiku hwamunopemberera mutambo mutsvene;mwoyo yenyu ichafarasezvinoita vanhu vanokwira kugomo raJehovha,nokuDombo raIsraeri, vachiridza nyere. 30 Jehovha achaita kuti vanhu vanzwe inzwi rake roumambo,uye achaita kuti vaone ruoko rwake ruchiburuka pasi,nehasha zhinji nomoto wokuparadza,nokuputika kwamakore, kunaya kwemvura zhinji nechimvuramabwe. 31 Inzwi raJehovha richaparadza vaAsiria;achavarova netsvimbo yake. 32 Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovhanetsvimbo yake yokuranga,ichaenderana nerwiyo rwamakandira norudimbwa,paacharwa navo muhondo noruoko rwake. 33 Tofeti yakanguri yagadzirira;yakagadzirirwa kare kugamuchira mambo.Gomba rayo romoto rakadzikiswa rikapamhamiswa,uye pane moto wakawanda nehuni zhinji;kufema kwaJehovha,sorukova runopfuta nesafuri,kuchazvitungidza.

In Other Versions

Isaiah 30 in the ANGEFD

Isaiah 30 in the ANTPNG2D

Isaiah 30 in the AS21

Isaiah 30 in the BAGH

Isaiah 30 in the BBPNG

Isaiah 30 in the BBT1E

Isaiah 30 in the BDS

Isaiah 30 in the BEV

Isaiah 30 in the BHAD

Isaiah 30 in the BIB

Isaiah 30 in the BLPT

Isaiah 30 in the BNT

Isaiah 30 in the BNTABOOT

Isaiah 30 in the BNTLV

Isaiah 30 in the BOATCB

Isaiah 30 in the BOATCB2

Isaiah 30 in the BOBCV

Isaiah 30 in the BOCNT

Isaiah 30 in the BOECS

Isaiah 30 in the BOGWICC

Isaiah 30 in the BOHCB

Isaiah 30 in the BOHCV

Isaiah 30 in the BOHLNT

Isaiah 30 in the BOHNTLTAL

Isaiah 30 in the BOICB

Isaiah 30 in the BOILNTAP

Isaiah 30 in the BOITCV

Isaiah 30 in the BOKCV

Isaiah 30 in the BOKCV2

Isaiah 30 in the BOKHWOG

Isaiah 30 in the BOKSSV

Isaiah 30 in the BOLCB

Isaiah 30 in the BOLCB2

Isaiah 30 in the BOMCV

Isaiah 30 in the BONAV

Isaiah 30 in the BONCB

Isaiah 30 in the BONLT

Isaiah 30 in the BONUT2

Isaiah 30 in the BOPLNT

Isaiah 30 in the BOSNC

Isaiah 30 in the BOTLNT

Isaiah 30 in the BOVCB

Isaiah 30 in the BOYCB

Isaiah 30 in the BPBB

Isaiah 30 in the BPH

Isaiah 30 in the BSB

Isaiah 30 in the CCB

Isaiah 30 in the CUV

Isaiah 30 in the CUVS

Isaiah 30 in the DBT

Isaiah 30 in the DGDNT

Isaiah 30 in the DHNT

Isaiah 30 in the DNT

Isaiah 30 in the ELBE

Isaiah 30 in the EMTV

Isaiah 30 in the ESV

Isaiah 30 in the FBV

Isaiah 30 in the FEB

Isaiah 30 in the GGMNT

Isaiah 30 in the GNT

Isaiah 30 in the HARY

Isaiah 30 in the HNT

Isaiah 30 in the IRVA

Isaiah 30 in the IRVB

Isaiah 30 in the IRVG

Isaiah 30 in the IRVH

Isaiah 30 in the IRVK

Isaiah 30 in the IRVM

Isaiah 30 in the IRVM2

Isaiah 30 in the IRVO

Isaiah 30 in the IRVP

Isaiah 30 in the IRVT

Isaiah 30 in the IRVT2

Isaiah 30 in the IRVU

Isaiah 30 in the ISVN

Isaiah 30 in the JSNT

Isaiah 30 in the KAPI

Isaiah 30 in the KBT1ETNIK

Isaiah 30 in the KBV

Isaiah 30 in the KJV

Isaiah 30 in the KNFD

Isaiah 30 in the LBA

Isaiah 30 in the LBLA

Isaiah 30 in the LNT

Isaiah 30 in the LSV

Isaiah 30 in the MAAL

Isaiah 30 in the MBV

Isaiah 30 in the MBV2

Isaiah 30 in the MHNT

Isaiah 30 in the MKNFD

Isaiah 30 in the MNG

Isaiah 30 in the MNT

Isaiah 30 in the MNT2

Isaiah 30 in the MRS1T

Isaiah 30 in the NAA

Isaiah 30 in the NASB

Isaiah 30 in the NBLA

Isaiah 30 in the NBS

Isaiah 30 in the NBVTP

Isaiah 30 in the NET2

Isaiah 30 in the NIV11

Isaiah 30 in the NNT

Isaiah 30 in the NNT2

Isaiah 30 in the NNT3

Isaiah 30 in the PDDPT

Isaiah 30 in the PFNT

Isaiah 30 in the RMNT

Isaiah 30 in the SBIAS

Isaiah 30 in the SBIBS

Isaiah 30 in the SBIBS2

Isaiah 30 in the SBICS

Isaiah 30 in the SBIDS

Isaiah 30 in the SBIGS

Isaiah 30 in the SBIHS

Isaiah 30 in the SBIIS

Isaiah 30 in the SBIIS2

Isaiah 30 in the SBIIS3

Isaiah 30 in the SBIKS

Isaiah 30 in the SBIKS2

Isaiah 30 in the SBIMS

Isaiah 30 in the SBIOS

Isaiah 30 in the SBIPS

Isaiah 30 in the SBISS

Isaiah 30 in the SBITS

Isaiah 30 in the SBITS2

Isaiah 30 in the SBITS3

Isaiah 30 in the SBITS4

Isaiah 30 in the SBIUS

Isaiah 30 in the SBIVS

Isaiah 30 in the SBT

Isaiah 30 in the SBT1E

Isaiah 30 in the SCHL

Isaiah 30 in the SNT

Isaiah 30 in the SUSU

Isaiah 30 in the SUSU2

Isaiah 30 in the SYNO

Isaiah 30 in the TBIAOTANT

Isaiah 30 in the TBT1E

Isaiah 30 in the TBT1E2

Isaiah 30 in the TFTIP

Isaiah 30 in the TFTU

Isaiah 30 in the TGNTATF3T

Isaiah 30 in the THAI

Isaiah 30 in the TNFD

Isaiah 30 in the TNT

Isaiah 30 in the TNTIK

Isaiah 30 in the TNTIL

Isaiah 30 in the TNTIN

Isaiah 30 in the TNTIP

Isaiah 30 in the TNTIZ

Isaiah 30 in the TOMA

Isaiah 30 in the TTENT

Isaiah 30 in the UBG

Isaiah 30 in the UGV

Isaiah 30 in the UGV2

Isaiah 30 in the UGV3

Isaiah 30 in the VBL

Isaiah 30 in the VDCC

Isaiah 30 in the YALU

Isaiah 30 in the YAPE

Isaiah 30 in the YBVTP

Isaiah 30 in the ZBP