Isaiah 38 (BOSCB)

1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.” 2 Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti, 3 “Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo. 4 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti, 5 “Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako. 6 Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino. 7 “ ‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa: 8 Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’ ” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika. 9 Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake: 10 Ndakati, “Mazuva oupenyu hwanguachangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here?Ndigotorerwa makore angu asara here?” 11 Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha,iye Jehovha, munyika yavapenyu;handichazotarisizve kuvanhukana kuva naavo vagere munyika ino zvino. 12 Setende romufudzi, imba yanguyakoromorwa uye yatorwa.Somuruki ndapeta upenyu hwangu,uye iye andigura kubva pachirukiso;masikati namadekwana makaita kuti ndigume. 13 Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza,asi iye akavhuna mapfupa angu ose kufanana nezvinoitwa neshumba;masikati namadekwana makaita kuti ndigume. 14 Ndakarira senyenganyenga kana kondo.Ndakachema sokuchema kunoita njiva.Meso angu akaneta nokutarisa kudenga.Haiwa Jehovha, ndine nhamo, uyai mundinunure!” 15 Asi ndingati kudiniko?Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi.Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose,nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu. 16 Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai;uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo.Makandiporesamukandiraramisa. 17 Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukurukwakandivigira rugare.Murudo rwenyu makandirwirapagomba rokuparadzwa;makaisa zvivi zvangu zvoseshure kwenyu, 18 Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai,rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo;vanodzika kugombahavangagoni kutarisira kutendeka kwenyu. 19 Vapenyu, ivo vapenyu,ndivo vanokurumbidzai,sezvandiri kuita iye nhasi;madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu. 20 Jehovha achandiponesa,uye tichaimba nemitengeranwa,mazuva ose oupenyu hwedumutemberi yaJehovha. 21 Zvino Isaya akanga ati, “Gadzirai bundu ramaonde mugoriisa pamota, uye achapora.” 22 Hezekia akanga abvunza achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti ndiende kutemberi yaJehovha?”

In Other Versions

Isaiah 38 in the ANGEFD

Isaiah 38 in the ANTPNG2D

Isaiah 38 in the AS21

Isaiah 38 in the BAGH

Isaiah 38 in the BBPNG

Isaiah 38 in the BBT1E

Isaiah 38 in the BDS

Isaiah 38 in the BEV

Isaiah 38 in the BHAD

Isaiah 38 in the BIB

Isaiah 38 in the BLPT

Isaiah 38 in the BNT

Isaiah 38 in the BNTABOOT

Isaiah 38 in the BNTLV

Isaiah 38 in the BOATCB

Isaiah 38 in the BOATCB2

Isaiah 38 in the BOBCV

Isaiah 38 in the BOCNT

Isaiah 38 in the BOECS

Isaiah 38 in the BOGWICC

Isaiah 38 in the BOHCB

Isaiah 38 in the BOHCV

Isaiah 38 in the BOHLNT

Isaiah 38 in the BOHNTLTAL

Isaiah 38 in the BOICB

Isaiah 38 in the BOILNTAP

Isaiah 38 in the BOITCV

Isaiah 38 in the BOKCV

Isaiah 38 in the BOKCV2

Isaiah 38 in the BOKHWOG

Isaiah 38 in the BOKSSV

Isaiah 38 in the BOLCB

Isaiah 38 in the BOLCB2

Isaiah 38 in the BOMCV

Isaiah 38 in the BONAV

Isaiah 38 in the BONCB

Isaiah 38 in the BONLT

Isaiah 38 in the BONUT2

Isaiah 38 in the BOPLNT

Isaiah 38 in the BOSNC

Isaiah 38 in the BOTLNT

Isaiah 38 in the BOVCB

Isaiah 38 in the BOYCB

Isaiah 38 in the BPBB

Isaiah 38 in the BPH

Isaiah 38 in the BSB

Isaiah 38 in the CCB

Isaiah 38 in the CUV

Isaiah 38 in the CUVS

Isaiah 38 in the DBT

Isaiah 38 in the DGDNT

Isaiah 38 in the DHNT

Isaiah 38 in the DNT

Isaiah 38 in the ELBE

Isaiah 38 in the EMTV

Isaiah 38 in the ESV

Isaiah 38 in the FBV

Isaiah 38 in the FEB

Isaiah 38 in the GGMNT

Isaiah 38 in the GNT

Isaiah 38 in the HARY

Isaiah 38 in the HNT

Isaiah 38 in the IRVA

Isaiah 38 in the IRVB

Isaiah 38 in the IRVG

Isaiah 38 in the IRVH

Isaiah 38 in the IRVK

Isaiah 38 in the IRVM

Isaiah 38 in the IRVM2

Isaiah 38 in the IRVO

Isaiah 38 in the IRVP

Isaiah 38 in the IRVT

Isaiah 38 in the IRVT2

Isaiah 38 in the IRVU

Isaiah 38 in the ISVN

Isaiah 38 in the JSNT

Isaiah 38 in the KAPI

Isaiah 38 in the KBT1ETNIK

Isaiah 38 in the KBV

Isaiah 38 in the KJV

Isaiah 38 in the KNFD

Isaiah 38 in the LBA

Isaiah 38 in the LBLA

Isaiah 38 in the LNT

Isaiah 38 in the LSV

Isaiah 38 in the MAAL

Isaiah 38 in the MBV

Isaiah 38 in the MBV2

Isaiah 38 in the MHNT

Isaiah 38 in the MKNFD

Isaiah 38 in the MNG

Isaiah 38 in the MNT

Isaiah 38 in the MNT2

Isaiah 38 in the MRS1T

Isaiah 38 in the NAA

Isaiah 38 in the NASB

Isaiah 38 in the NBLA

Isaiah 38 in the NBS

Isaiah 38 in the NBVTP

Isaiah 38 in the NET2

Isaiah 38 in the NIV11

Isaiah 38 in the NNT

Isaiah 38 in the NNT2

Isaiah 38 in the NNT3

Isaiah 38 in the PDDPT

Isaiah 38 in the PFNT

Isaiah 38 in the RMNT

Isaiah 38 in the SBIAS

Isaiah 38 in the SBIBS

Isaiah 38 in the SBIBS2

Isaiah 38 in the SBICS

Isaiah 38 in the SBIDS

Isaiah 38 in the SBIGS

Isaiah 38 in the SBIHS

Isaiah 38 in the SBIIS

Isaiah 38 in the SBIIS2

Isaiah 38 in the SBIIS3

Isaiah 38 in the SBIKS

Isaiah 38 in the SBIKS2

Isaiah 38 in the SBIMS

Isaiah 38 in the SBIOS

Isaiah 38 in the SBIPS

Isaiah 38 in the SBISS

Isaiah 38 in the SBITS

Isaiah 38 in the SBITS2

Isaiah 38 in the SBITS3

Isaiah 38 in the SBITS4

Isaiah 38 in the SBIUS

Isaiah 38 in the SBIVS

Isaiah 38 in the SBT

Isaiah 38 in the SBT1E

Isaiah 38 in the SCHL

Isaiah 38 in the SNT

Isaiah 38 in the SUSU

Isaiah 38 in the SUSU2

Isaiah 38 in the SYNO

Isaiah 38 in the TBIAOTANT

Isaiah 38 in the TBT1E

Isaiah 38 in the TBT1E2

Isaiah 38 in the TFTIP

Isaiah 38 in the TFTU

Isaiah 38 in the TGNTATF3T

Isaiah 38 in the THAI

Isaiah 38 in the TNFD

Isaiah 38 in the TNT

Isaiah 38 in the TNTIK

Isaiah 38 in the TNTIL

Isaiah 38 in the TNTIN

Isaiah 38 in the TNTIP

Isaiah 38 in the TNTIZ

Isaiah 38 in the TOMA

Isaiah 38 in the TTENT

Isaiah 38 in the UBG

Isaiah 38 in the UGV

Isaiah 38 in the UGV2

Isaiah 38 in the UGV3

Isaiah 38 in the VBL

Isaiah 38 in the VDCC

Isaiah 38 in the YALU

Isaiah 38 in the YAPE

Isaiah 38 in the YBVTP

Isaiah 38 in the ZBP