Isaiah 45 (BOSCB)

1 “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake,kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabatakuti akunde ndudzi pamberi pake,uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo,kuti ndizarure mikova pamberi pake,masuo agorega kupfigwa: 2 Ndichaenda mberi kwakouye ndichaenzanisa makomo;ndichaputsa masuo endarirauye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi. 3 Ndichakupa pfuma yerima,upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda,kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri,anokudana nezita rako. 4 Nokuda kwaJakobho muranda wangu,nokwaIsraeri musanangurwa wangu,ndinokudana nezita rako,uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa,kunyange iwe usingandizivi. 5 Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe;kunze kwangu ini hakuna Mwari.Ndichakusimbisa,kunyange usina kundiziva, 6 kuti kubva kumabudazuvakusvikira kwarinovirira,vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu.Ndini Jehovha uye hakuna mumwe. 7 Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima,ndinoita rugare uye ndinosika njodzi;ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose. 8 “Imi matenga kumusoro, nayisai kururama;makore ngaakudonhedze pasi.Nyika ngaizaruke kwazvo,ruponeso ngarutubuke,kururama ngakukure pamwe chete narwo;ini Jehovha, ndini ndakazvisika. 9 “Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake,iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu.Ko, ivhu ringati kumuumbi,‘Uri kugadzirei?’Ko, basa rako rinoti here,‘Uyu haana maoko?’ 10 Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake,‘Chiiko chamakabereka?’kana kuna mai vake,‘Chiiko chamakazvara?’ 11 “Zvanzi naJehovha,iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake:Pamusoro pezvinhu zvichauya,unondibvunza here pamusoro pavana vangu,kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu? 12 Ndini ndakaita nyikauye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo.Maoko angu pachangu akatatamura matenga;ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi. 13 Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu:ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame.Achavakazve guta rangu,uye achasunungura vatapwa vangu,asi pasina muripo kana mubayiro,ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” 14 Zvanzi naJehovha:“Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia,navaSabhea varefu,vachauya kwauriuye vachava vako;vachatevera mushure mako,vachiuya kwauri vakasungwa nengetani.Vachapfugama pamberi pakouye vachakunyengetedza, vachiti,‘Zvirokwazvo Mwari anewe,uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’ ” 15 Zvechokwadi muri Mwari anozvivanza,imi Mwari noMuponesi waIsraeri. 16 Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa,vachasvika pakunyadziswa pamwe chete. 17 Asi Israeri achaponeswa naJehovhanoruponeso rusingaperi;hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi,kusvikira kumakore asingaperi. 18 Nokuti zvanzi naJehovha,iye akasika matenga,ndiye Mwari;iye akaumba uye akaita nyika,ndiye akaisimbisa;haana kuisikira kuti igare isina chinhu,asi akaiumba kuti igarwe,anoti:“Ndini Jehovha,uye hakuna mumwe. 19 Handina kutaura ndiri pakavanda,ndichibva kumwe kunyika yerima;handina kuti kuvana vaJakobho,‘Nditsvakei pasina.’Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi;ndinoparidza zvakarurama. 20 “Unganai pamwe chete muuye;unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi.Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi,vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa. 21 Paridzai zvichauya, muzvibudise pachena:ngavarangane pamwe chete.Ndianiko akazvitaura kare,ndiani akazvireva kubva kare nakare?Handizini Jehovha here?Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari,Mwari akarurama noMuponesi;hakuna mumwe asi ini. 22 “Dzokerai kwandiri mugoponeswa,imi mose migumo yenyika;nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe. 23 Ndakapika neni pachangu,muromo wangu wakatauranokururama kwose shoko risingazoshandurwi:Mabvi ose achapfugama pamberi pangu;ndimi dzose dzichapika neni. 24 Vachati pamusoro pangu,‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’ ”Vose vakamutsamwiravachauya kwaari uye vachanyadziswa. 25 Asi rudzi rwose rwaIsraeriruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara.

In Other Versions

Isaiah 45 in the ANGEFD

Isaiah 45 in the ANTPNG2D

Isaiah 45 in the AS21

Isaiah 45 in the BAGH

Isaiah 45 in the BBPNG

Isaiah 45 in the BBT1E

Isaiah 45 in the BDS

Isaiah 45 in the BEV

Isaiah 45 in the BHAD

Isaiah 45 in the BIB

Isaiah 45 in the BLPT

Isaiah 45 in the BNT

Isaiah 45 in the BNTABOOT

Isaiah 45 in the BNTLV

Isaiah 45 in the BOATCB

Isaiah 45 in the BOATCB2

Isaiah 45 in the BOBCV

Isaiah 45 in the BOCNT

Isaiah 45 in the BOECS

Isaiah 45 in the BOGWICC

Isaiah 45 in the BOHCB

Isaiah 45 in the BOHCV

Isaiah 45 in the BOHLNT

Isaiah 45 in the BOHNTLTAL

Isaiah 45 in the BOICB

Isaiah 45 in the BOILNTAP

Isaiah 45 in the BOITCV

Isaiah 45 in the BOKCV

Isaiah 45 in the BOKCV2

Isaiah 45 in the BOKHWOG

Isaiah 45 in the BOKSSV

Isaiah 45 in the BOLCB

Isaiah 45 in the BOLCB2

Isaiah 45 in the BOMCV

Isaiah 45 in the BONAV

Isaiah 45 in the BONCB

Isaiah 45 in the BONLT

Isaiah 45 in the BONUT2

Isaiah 45 in the BOPLNT

Isaiah 45 in the BOSNC

Isaiah 45 in the BOTLNT

Isaiah 45 in the BOVCB

Isaiah 45 in the BOYCB

Isaiah 45 in the BPBB

Isaiah 45 in the BPH

Isaiah 45 in the BSB

Isaiah 45 in the CCB

Isaiah 45 in the CUV

Isaiah 45 in the CUVS

Isaiah 45 in the DBT

Isaiah 45 in the DGDNT

Isaiah 45 in the DHNT

Isaiah 45 in the DNT

Isaiah 45 in the ELBE

Isaiah 45 in the EMTV

Isaiah 45 in the ESV

Isaiah 45 in the FBV

Isaiah 45 in the FEB

Isaiah 45 in the GGMNT

Isaiah 45 in the GNT

Isaiah 45 in the HARY

Isaiah 45 in the HNT

Isaiah 45 in the IRVA

Isaiah 45 in the IRVB

Isaiah 45 in the IRVG

Isaiah 45 in the IRVH

Isaiah 45 in the IRVK

Isaiah 45 in the IRVM

Isaiah 45 in the IRVM2

Isaiah 45 in the IRVO

Isaiah 45 in the IRVP

Isaiah 45 in the IRVT

Isaiah 45 in the IRVT2

Isaiah 45 in the IRVU

Isaiah 45 in the ISVN

Isaiah 45 in the JSNT

Isaiah 45 in the KAPI

Isaiah 45 in the KBT1ETNIK

Isaiah 45 in the KBV

Isaiah 45 in the KJV

Isaiah 45 in the KNFD

Isaiah 45 in the LBA

Isaiah 45 in the LBLA

Isaiah 45 in the LNT

Isaiah 45 in the LSV

Isaiah 45 in the MAAL

Isaiah 45 in the MBV

Isaiah 45 in the MBV2

Isaiah 45 in the MHNT

Isaiah 45 in the MKNFD

Isaiah 45 in the MNG

Isaiah 45 in the MNT

Isaiah 45 in the MNT2

Isaiah 45 in the MRS1T

Isaiah 45 in the NAA

Isaiah 45 in the NASB

Isaiah 45 in the NBLA

Isaiah 45 in the NBS

Isaiah 45 in the NBVTP

Isaiah 45 in the NET2

Isaiah 45 in the NIV11

Isaiah 45 in the NNT

Isaiah 45 in the NNT2

Isaiah 45 in the NNT3

Isaiah 45 in the PDDPT

Isaiah 45 in the PFNT

Isaiah 45 in the RMNT

Isaiah 45 in the SBIAS

Isaiah 45 in the SBIBS

Isaiah 45 in the SBIBS2

Isaiah 45 in the SBICS

Isaiah 45 in the SBIDS

Isaiah 45 in the SBIGS

Isaiah 45 in the SBIHS

Isaiah 45 in the SBIIS

Isaiah 45 in the SBIIS2

Isaiah 45 in the SBIIS3

Isaiah 45 in the SBIKS

Isaiah 45 in the SBIKS2

Isaiah 45 in the SBIMS

Isaiah 45 in the SBIOS

Isaiah 45 in the SBIPS

Isaiah 45 in the SBISS

Isaiah 45 in the SBITS

Isaiah 45 in the SBITS2

Isaiah 45 in the SBITS3

Isaiah 45 in the SBITS4

Isaiah 45 in the SBIUS

Isaiah 45 in the SBIVS

Isaiah 45 in the SBT

Isaiah 45 in the SBT1E

Isaiah 45 in the SCHL

Isaiah 45 in the SNT

Isaiah 45 in the SUSU

Isaiah 45 in the SUSU2

Isaiah 45 in the SYNO

Isaiah 45 in the TBIAOTANT

Isaiah 45 in the TBT1E

Isaiah 45 in the TBT1E2

Isaiah 45 in the TFTIP

Isaiah 45 in the TFTU

Isaiah 45 in the TGNTATF3T

Isaiah 45 in the THAI

Isaiah 45 in the TNFD

Isaiah 45 in the TNT

Isaiah 45 in the TNTIK

Isaiah 45 in the TNTIL

Isaiah 45 in the TNTIN

Isaiah 45 in the TNTIP

Isaiah 45 in the TNTIZ

Isaiah 45 in the TOMA

Isaiah 45 in the TTENT

Isaiah 45 in the UBG

Isaiah 45 in the UGV

Isaiah 45 in the UGV2

Isaiah 45 in the UGV3

Isaiah 45 in the VBL

Isaiah 45 in the VDCC

Isaiah 45 in the YALU

Isaiah 45 in the YAPE

Isaiah 45 in the YBVTP

Isaiah 45 in the ZBP