Isaiah 57 (BOSCB)
1 Vakarurama vanoparara,uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make;vanhu vanoda Mwari vanobviswa,uye hakuna anonzwisisakuti vakarurama vanobviswakuti vanunurwe kubva pane zvakaipa. 2 Vose vanofamba mukururamavanopinda murugare,vanowana zororo pavanovata murufu. 3 “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi,imi chibereko chemhombwe nezvifeve! 4 Muri kuseka aniko?Ndiani wamunohomerauye wamunobudisira rurimi rwenyu?Ko, hamusi chibereko chemhandu here,nechizvarwa chavanoreva nhema? 5 Munotsva noruchiva pakati pemitiyemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira;munobayira vana venyu mumipatanapasi pamapazi akarembera. 6 Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu;izvozvo, ndiwo mugove wenyu.Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri,uye ukapa chipiriso chezviyo.Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here? 7 Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu;ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro. 8 Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvakowakaisa chirangaridzo chavamwari vako.Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako,wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo;wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda,uye wakatarisa kusasimira kwavo. 9 Wakaenda kuna Moreki namafutaomuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako.Wakatumira nhume dzako kure;wakaburukira kuguva chaiko! 10 Wakaneteswa nenzira dzako dzose,asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako,nokudaro hauna kuziya. 11 “Ndianiko wawakatya uye ukavhundukazvokuti wakazoreva nhema kwandiri,uye hauna kumbondirangarirakana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako?Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyararaiwe ukasanditya here? 12 Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako,uye hazvizombokubatsiri. 13 Paunochemera rubatsiro,zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire!Mhepo ichazvikukura zvose,mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure.Asi munhu anondiita utiziro hwakeachagara nhaka yenyika,uye gomo rangu dzvene richava rake.” 14 Uye zvichazonzi:“Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa!Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.” 15 Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro,iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene:“Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene,asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa,kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisauye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika. 16 Handichapi mhosva nokusingaperi,kana kugara ndakatsamwa,nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu,kufema kwomunhu wandakasika. 17 Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara;ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu,asi akaramba ari munzira dzaaida. 18 Ndakaona nzira dzake,asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza, 19 ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri.Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,”ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.” 20 Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka,risingagoni kuzorora,rina mafungu anorasa marara namatope. 21 Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”
In Other Versions
Isaiah 57 in the ANGEFD
Isaiah 57 in the ANTPNG2D
Isaiah 57 in the AS21
Isaiah 57 in the BAGH
Isaiah 57 in the BBPNG
Isaiah 57 in the BBT1E
Isaiah 57 in the BDS
Isaiah 57 in the BEV
Isaiah 57 in the BHAD
Isaiah 57 in the BIB
Isaiah 57 in the BLPT
Isaiah 57 in the BNT
Isaiah 57 in the BNTABOOT
Isaiah 57 in the BNTLV
Isaiah 57 in the BOATCB
Isaiah 57 in the BOATCB2
Isaiah 57 in the BOBCV
Isaiah 57 in the BOCNT
Isaiah 57 in the BOECS
Isaiah 57 in the BOGWICC
Isaiah 57 in the BOHCB
Isaiah 57 in the BOHCV
Isaiah 57 in the BOHLNT
Isaiah 57 in the BOHNTLTAL
Isaiah 57 in the BOICB
Isaiah 57 in the BOILNTAP
Isaiah 57 in the BOITCV
Isaiah 57 in the BOKCV
Isaiah 57 in the BOKCV2
Isaiah 57 in the BOKHWOG
Isaiah 57 in the BOKSSV
Isaiah 57 in the BOLCB
Isaiah 57 in the BOLCB2
Isaiah 57 in the BOMCV
Isaiah 57 in the BONAV
Isaiah 57 in the BONCB
Isaiah 57 in the BONLT
Isaiah 57 in the BONUT2
Isaiah 57 in the BOPLNT
Isaiah 57 in the BOSNC
Isaiah 57 in the BOTLNT
Isaiah 57 in the BOVCB
Isaiah 57 in the BOYCB
Isaiah 57 in the BPBB
Isaiah 57 in the BPH
Isaiah 57 in the BSB
Isaiah 57 in the CCB
Isaiah 57 in the CUV
Isaiah 57 in the CUVS
Isaiah 57 in the DBT
Isaiah 57 in the DGDNT
Isaiah 57 in the DHNT
Isaiah 57 in the DNT
Isaiah 57 in the ELBE
Isaiah 57 in the EMTV
Isaiah 57 in the ESV
Isaiah 57 in the FBV
Isaiah 57 in the FEB
Isaiah 57 in the GGMNT
Isaiah 57 in the GNT
Isaiah 57 in the HARY
Isaiah 57 in the HNT
Isaiah 57 in the IRVA
Isaiah 57 in the IRVB
Isaiah 57 in the IRVG
Isaiah 57 in the IRVH
Isaiah 57 in the IRVK
Isaiah 57 in the IRVM
Isaiah 57 in the IRVM2
Isaiah 57 in the IRVO
Isaiah 57 in the IRVP
Isaiah 57 in the IRVT
Isaiah 57 in the IRVT2
Isaiah 57 in the IRVU
Isaiah 57 in the ISVN
Isaiah 57 in the JSNT
Isaiah 57 in the KAPI
Isaiah 57 in the KBT1ETNIK
Isaiah 57 in the KBV
Isaiah 57 in the KJV
Isaiah 57 in the KNFD
Isaiah 57 in the LBA
Isaiah 57 in the LBLA
Isaiah 57 in the LNT
Isaiah 57 in the LSV
Isaiah 57 in the MAAL
Isaiah 57 in the MBV
Isaiah 57 in the MBV2
Isaiah 57 in the MHNT
Isaiah 57 in the MKNFD
Isaiah 57 in the MNG
Isaiah 57 in the MNT
Isaiah 57 in the MNT2
Isaiah 57 in the MRS1T
Isaiah 57 in the NAA
Isaiah 57 in the NASB
Isaiah 57 in the NBLA
Isaiah 57 in the NBS
Isaiah 57 in the NBVTP
Isaiah 57 in the NET2
Isaiah 57 in the NIV11
Isaiah 57 in the NNT
Isaiah 57 in the NNT2
Isaiah 57 in the NNT3
Isaiah 57 in the PDDPT
Isaiah 57 in the PFNT
Isaiah 57 in the RMNT
Isaiah 57 in the SBIAS
Isaiah 57 in the SBIBS
Isaiah 57 in the SBIBS2
Isaiah 57 in the SBICS
Isaiah 57 in the SBIDS
Isaiah 57 in the SBIGS
Isaiah 57 in the SBIHS
Isaiah 57 in the SBIIS
Isaiah 57 in the SBIIS2
Isaiah 57 in the SBIIS3
Isaiah 57 in the SBIKS
Isaiah 57 in the SBIKS2
Isaiah 57 in the SBIMS
Isaiah 57 in the SBIOS
Isaiah 57 in the SBIPS
Isaiah 57 in the SBISS
Isaiah 57 in the SBITS
Isaiah 57 in the SBITS2
Isaiah 57 in the SBITS3
Isaiah 57 in the SBITS4
Isaiah 57 in the SBIUS
Isaiah 57 in the SBIVS
Isaiah 57 in the SBT
Isaiah 57 in the SBT1E
Isaiah 57 in the SCHL
Isaiah 57 in the SNT
Isaiah 57 in the SUSU
Isaiah 57 in the SUSU2
Isaiah 57 in the SYNO
Isaiah 57 in the TBIAOTANT
Isaiah 57 in the TBT1E
Isaiah 57 in the TBT1E2
Isaiah 57 in the TFTIP
Isaiah 57 in the TFTU
Isaiah 57 in the TGNTATF3T
Isaiah 57 in the THAI
Isaiah 57 in the TNFD
Isaiah 57 in the TNT
Isaiah 57 in the TNTIK
Isaiah 57 in the TNTIL
Isaiah 57 in the TNTIN
Isaiah 57 in the TNTIP
Isaiah 57 in the TNTIZ
Isaiah 57 in the TOMA
Isaiah 57 in the TTENT
Isaiah 57 in the UBG
Isaiah 57 in the UGV
Isaiah 57 in the UGV2
Isaiah 57 in the UGV3
Isaiah 57 in the VBL
Isaiah 57 in the VDCC
Isaiah 57 in the YALU
Isaiah 57 in the YAPE
Isaiah 57 in the YBVTP
Isaiah 57 in the ZBP