Isaiah 58 (BOSCB)
1 “Danidzira nesimba, usanyarara.Simudza inzwi rako sehwamanda.Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo,neimba yaJakobho zvivi zvavo. 2 Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka;vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu,kunge vanga vari rudzi runoita zvakanakauye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo.Vanondikumbira kutonga kwakaruramasokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo. 3 Vanoti, ‘Takatsanyireiko,uye imi mukasazviona?Takazvininipisireiko,imi mukasazviona?’ “Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunodamuchimanikidza vashandi venyu. 4 Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga,uye kurovana netsiva dzakaipisisa.Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano,mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro. 5 Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza,zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise?Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here,nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota?Ndiko kwamunoti kutsanya here,pazuva rinodikanwa naJehovha? 6 “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here:Kusunungura ngetani dzokusaruramisiranokusunungura zvitirobho zvejoko,kusunungura vakamanikidzwanokuvhuna joko rimwe nerimwe? 7 Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara,nokupa varombo vanodzungaira pokugara here,paunoona vakashama, kuvapfekedza,uye kusafuratira venyama neropa rako? 8 Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza,uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza;ipapo kururama kwako kuchakutungamirira,uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure. 9 Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura;uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano. “Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri,kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa, 10 uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzarauye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo,ipapo chiedza chako chichabuda murima,uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati. 11 Jehovha achakutungamirira nguva dzose;achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuvauye achasimbisa mapfupa ako.Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime,sechitubu chine mvura isingapwi. 12 Vanhu vako vachavakazve matongo akarevachasimudza nheyo dzakare;iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka,Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba. 13 “Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata,uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene,kana ukati Sabata izuva rinofadza,uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa,uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako,uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo, 14 ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha,uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika,uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.”Muromo waJehovha wazvitaura.
In Other Versions
Isaiah 58 in the ANGEFD
Isaiah 58 in the ANTPNG2D
Isaiah 58 in the AS21
Isaiah 58 in the BAGH
Isaiah 58 in the BBPNG
Isaiah 58 in the BBT1E
Isaiah 58 in the BDS
Isaiah 58 in the BEV
Isaiah 58 in the BHAD
Isaiah 58 in the BIB
Isaiah 58 in the BLPT
Isaiah 58 in the BNT
Isaiah 58 in the BNTABOOT
Isaiah 58 in the BNTLV
Isaiah 58 in the BOATCB
Isaiah 58 in the BOATCB2
Isaiah 58 in the BOBCV
Isaiah 58 in the BOCNT
Isaiah 58 in the BOECS
Isaiah 58 in the BOGWICC
Isaiah 58 in the BOHCB
Isaiah 58 in the BOHCV
Isaiah 58 in the BOHLNT
Isaiah 58 in the BOHNTLTAL
Isaiah 58 in the BOICB
Isaiah 58 in the BOILNTAP
Isaiah 58 in the BOITCV
Isaiah 58 in the BOKCV
Isaiah 58 in the BOKCV2
Isaiah 58 in the BOKHWOG
Isaiah 58 in the BOKSSV
Isaiah 58 in the BOLCB
Isaiah 58 in the BOLCB2
Isaiah 58 in the BOMCV
Isaiah 58 in the BONAV
Isaiah 58 in the BONCB
Isaiah 58 in the BONLT
Isaiah 58 in the BONUT2
Isaiah 58 in the BOPLNT
Isaiah 58 in the BOSNC
Isaiah 58 in the BOTLNT
Isaiah 58 in the BOVCB
Isaiah 58 in the BOYCB
Isaiah 58 in the BPBB
Isaiah 58 in the BPH
Isaiah 58 in the BSB
Isaiah 58 in the CCB
Isaiah 58 in the CUV
Isaiah 58 in the CUVS
Isaiah 58 in the DBT
Isaiah 58 in the DGDNT
Isaiah 58 in the DHNT
Isaiah 58 in the DNT
Isaiah 58 in the ELBE
Isaiah 58 in the EMTV
Isaiah 58 in the ESV
Isaiah 58 in the FBV
Isaiah 58 in the FEB
Isaiah 58 in the GGMNT
Isaiah 58 in the GNT
Isaiah 58 in the HARY
Isaiah 58 in the HNT
Isaiah 58 in the IRVA
Isaiah 58 in the IRVB
Isaiah 58 in the IRVG
Isaiah 58 in the IRVH
Isaiah 58 in the IRVK
Isaiah 58 in the IRVM
Isaiah 58 in the IRVM2
Isaiah 58 in the IRVO
Isaiah 58 in the IRVP
Isaiah 58 in the IRVT
Isaiah 58 in the IRVT2
Isaiah 58 in the IRVU
Isaiah 58 in the ISVN
Isaiah 58 in the JSNT
Isaiah 58 in the KAPI
Isaiah 58 in the KBT1ETNIK
Isaiah 58 in the KBV
Isaiah 58 in the KJV
Isaiah 58 in the KNFD
Isaiah 58 in the LBA
Isaiah 58 in the LBLA
Isaiah 58 in the LNT
Isaiah 58 in the LSV
Isaiah 58 in the MAAL
Isaiah 58 in the MBV
Isaiah 58 in the MBV2
Isaiah 58 in the MHNT
Isaiah 58 in the MKNFD
Isaiah 58 in the MNG
Isaiah 58 in the MNT
Isaiah 58 in the MNT2
Isaiah 58 in the MRS1T
Isaiah 58 in the NAA
Isaiah 58 in the NASB
Isaiah 58 in the NBLA
Isaiah 58 in the NBS
Isaiah 58 in the NBVTP
Isaiah 58 in the NET2
Isaiah 58 in the NIV11
Isaiah 58 in the NNT
Isaiah 58 in the NNT2
Isaiah 58 in the NNT3
Isaiah 58 in the PDDPT
Isaiah 58 in the PFNT
Isaiah 58 in the RMNT
Isaiah 58 in the SBIAS
Isaiah 58 in the SBIBS
Isaiah 58 in the SBIBS2
Isaiah 58 in the SBICS
Isaiah 58 in the SBIDS
Isaiah 58 in the SBIGS
Isaiah 58 in the SBIHS
Isaiah 58 in the SBIIS
Isaiah 58 in the SBIIS2
Isaiah 58 in the SBIIS3
Isaiah 58 in the SBIKS
Isaiah 58 in the SBIKS2
Isaiah 58 in the SBIMS
Isaiah 58 in the SBIOS
Isaiah 58 in the SBIPS
Isaiah 58 in the SBISS
Isaiah 58 in the SBITS
Isaiah 58 in the SBITS2
Isaiah 58 in the SBITS3
Isaiah 58 in the SBITS4
Isaiah 58 in the SBIUS
Isaiah 58 in the SBIVS
Isaiah 58 in the SBT
Isaiah 58 in the SBT1E
Isaiah 58 in the SCHL
Isaiah 58 in the SNT
Isaiah 58 in the SUSU
Isaiah 58 in the SUSU2
Isaiah 58 in the SYNO
Isaiah 58 in the TBIAOTANT
Isaiah 58 in the TBT1E
Isaiah 58 in the TBT1E2
Isaiah 58 in the TFTIP
Isaiah 58 in the TFTU
Isaiah 58 in the TGNTATF3T
Isaiah 58 in the THAI
Isaiah 58 in the TNFD
Isaiah 58 in the TNT
Isaiah 58 in the TNTIK
Isaiah 58 in the TNTIL
Isaiah 58 in the TNTIN
Isaiah 58 in the TNTIP
Isaiah 58 in the TNTIZ
Isaiah 58 in the TOMA
Isaiah 58 in the TTENT
Isaiah 58 in the UBG
Isaiah 58 in the UGV
Isaiah 58 in the UGV2
Isaiah 58 in the UGV3
Isaiah 58 in the VBL
Isaiah 58 in the VDCC
Isaiah 58 in the YALU
Isaiah 58 in the YAPE
Isaiah 58 in the YBVTP
Isaiah 58 in the ZBP