Jeremiah 17 (BOSCB)

1 “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi,chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo,pahwendefa dzemwoyo yavonepanyanga dzearitari dzavo. 2 Kunyange vana vavo vanorangariraaritari dzavo namatanda aAsheramunyasi memiti yakapfumvutirauye napazvikomo zvakakwirira. 3 Gomo rangu riri munyikauye pfuma yako namatura ako osendichazviendesa kuutapwa,pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira,nokuda kwechivi chiri munyika yako yose. 4 Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwanenhaka yandakakupa.Ndichakuita muranda wavavengi vakomunyika yausingazivi,nokuti wakabatidza kutsamwa kwangu,uye kuchapfuta nokusingaperi.” 5 Zvanzi naJehovha:“Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu,anovimba nesimba renyamaano mwoyo unofuratira Jehovha. 6 Achafanana negwenzi murenje;haangaoni kubudirira pakunosvika.Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga,munyika yomunyu isingagarwi nomunhu. 7 “Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,akaisa chivimbo chake maari. 8 Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,unotuma midzi yawo kurukova.Hautyi kana kupisa kuchisvika;mashizha awo anogara ari manyoro.Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura,uye haumboshayiwi zvibereko.” 9 Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose,uye wakaora chose.Ndiani angauziva? 10 “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyouye ndinoedza ndangariro,kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake,uye zvakafanira mabasa ake.” 11 Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira,ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama.Pakati pamazuva ake, zvichamusiya,uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi. 12 Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga,ndicho nzvimbo yedu tsvene. 13 Imi Jehovha, tariro yaIsraeri,vose vanokusiyai vachanyadziswa.Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu,nokuti vakasiya Jehovha,chitubu chemvura mhenyu. 14 Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa;ndiponesei, ipapo ndichaponeswa,nokuti imi ndimi wandinorumbidza. 15 Vanogara vachiti kwandiri,“Shoko raJehovha riripiko?Ngarizadziswe iye zvino!” 16 Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu;munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro.Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu. 17 Musava chinhu chinotyisa kwandiri;ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi. 18 Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa;ngavavhunduswe ivo,asi ini ndidzivirirei kuti ndisavhunduswa.Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi;vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri. 19 Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema. 20 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya. 21 Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema. 22 Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu. 23 Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa. 24 Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro, 25 ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi. 26 Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuhwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha. 27 Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.’ ”

In Other Versions

Jeremiah 17 in the ANGEFD

Jeremiah 17 in the ANTPNG2D

Jeremiah 17 in the AS21

Jeremiah 17 in the BAGH

Jeremiah 17 in the BBPNG

Jeremiah 17 in the BBT1E

Jeremiah 17 in the BDS

Jeremiah 17 in the BEV

Jeremiah 17 in the BHAD

Jeremiah 17 in the BIB

Jeremiah 17 in the BLPT

Jeremiah 17 in the BNT

Jeremiah 17 in the BNTABOOT

Jeremiah 17 in the BNTLV

Jeremiah 17 in the BOATCB

Jeremiah 17 in the BOATCB2

Jeremiah 17 in the BOBCV

Jeremiah 17 in the BOCNT

Jeremiah 17 in the BOECS

Jeremiah 17 in the BOGWICC

Jeremiah 17 in the BOHCB

Jeremiah 17 in the BOHCV

Jeremiah 17 in the BOHLNT

Jeremiah 17 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 17 in the BOICB

Jeremiah 17 in the BOILNTAP

Jeremiah 17 in the BOITCV

Jeremiah 17 in the BOKCV

Jeremiah 17 in the BOKCV2

Jeremiah 17 in the BOKHWOG

Jeremiah 17 in the BOKSSV

Jeremiah 17 in the BOLCB

Jeremiah 17 in the BOLCB2

Jeremiah 17 in the BOMCV

Jeremiah 17 in the BONAV

Jeremiah 17 in the BONCB

Jeremiah 17 in the BONLT

Jeremiah 17 in the BONUT2

Jeremiah 17 in the BOPLNT

Jeremiah 17 in the BOSNC

Jeremiah 17 in the BOTLNT

Jeremiah 17 in the BOVCB

Jeremiah 17 in the BOYCB

Jeremiah 17 in the BPBB

Jeremiah 17 in the BPH

Jeremiah 17 in the BSB

Jeremiah 17 in the CCB

Jeremiah 17 in the CUV

Jeremiah 17 in the CUVS

Jeremiah 17 in the DBT

Jeremiah 17 in the DGDNT

Jeremiah 17 in the DHNT

Jeremiah 17 in the DNT

Jeremiah 17 in the ELBE

Jeremiah 17 in the EMTV

Jeremiah 17 in the ESV

Jeremiah 17 in the FBV

Jeremiah 17 in the FEB

Jeremiah 17 in the GGMNT

Jeremiah 17 in the GNT

Jeremiah 17 in the HARY

Jeremiah 17 in the HNT

Jeremiah 17 in the IRVA

Jeremiah 17 in the IRVB

Jeremiah 17 in the IRVG

Jeremiah 17 in the IRVH

Jeremiah 17 in the IRVK

Jeremiah 17 in the IRVM

Jeremiah 17 in the IRVM2

Jeremiah 17 in the IRVO

Jeremiah 17 in the IRVP

Jeremiah 17 in the IRVT

Jeremiah 17 in the IRVT2

Jeremiah 17 in the IRVU

Jeremiah 17 in the ISVN

Jeremiah 17 in the JSNT

Jeremiah 17 in the KAPI

Jeremiah 17 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 17 in the KBV

Jeremiah 17 in the KJV

Jeremiah 17 in the KNFD

Jeremiah 17 in the LBA

Jeremiah 17 in the LBLA

Jeremiah 17 in the LNT

Jeremiah 17 in the LSV

Jeremiah 17 in the MAAL

Jeremiah 17 in the MBV

Jeremiah 17 in the MBV2

Jeremiah 17 in the MHNT

Jeremiah 17 in the MKNFD

Jeremiah 17 in the MNG

Jeremiah 17 in the MNT

Jeremiah 17 in the MNT2

Jeremiah 17 in the MRS1T

Jeremiah 17 in the NAA

Jeremiah 17 in the NASB

Jeremiah 17 in the NBLA

Jeremiah 17 in the NBS

Jeremiah 17 in the NBVTP

Jeremiah 17 in the NET2

Jeremiah 17 in the NIV11

Jeremiah 17 in the NNT

Jeremiah 17 in the NNT2

Jeremiah 17 in the NNT3

Jeremiah 17 in the PDDPT

Jeremiah 17 in the PFNT

Jeremiah 17 in the RMNT

Jeremiah 17 in the SBIAS

Jeremiah 17 in the SBIBS

Jeremiah 17 in the SBIBS2

Jeremiah 17 in the SBICS

Jeremiah 17 in the SBIDS

Jeremiah 17 in the SBIGS

Jeremiah 17 in the SBIHS

Jeremiah 17 in the SBIIS

Jeremiah 17 in the SBIIS2

Jeremiah 17 in the SBIIS3

Jeremiah 17 in the SBIKS

Jeremiah 17 in the SBIKS2

Jeremiah 17 in the SBIMS

Jeremiah 17 in the SBIOS

Jeremiah 17 in the SBIPS

Jeremiah 17 in the SBISS

Jeremiah 17 in the SBITS

Jeremiah 17 in the SBITS2

Jeremiah 17 in the SBITS3

Jeremiah 17 in the SBITS4

Jeremiah 17 in the SBIUS

Jeremiah 17 in the SBIVS

Jeremiah 17 in the SBT

Jeremiah 17 in the SBT1E

Jeremiah 17 in the SCHL

Jeremiah 17 in the SNT

Jeremiah 17 in the SUSU

Jeremiah 17 in the SUSU2

Jeremiah 17 in the SYNO

Jeremiah 17 in the TBIAOTANT

Jeremiah 17 in the TBT1E

Jeremiah 17 in the TBT1E2

Jeremiah 17 in the TFTIP

Jeremiah 17 in the TFTU

Jeremiah 17 in the TGNTATF3T

Jeremiah 17 in the THAI

Jeremiah 17 in the TNFD

Jeremiah 17 in the TNT

Jeremiah 17 in the TNTIK

Jeremiah 17 in the TNTIL

Jeremiah 17 in the TNTIN

Jeremiah 17 in the TNTIP

Jeremiah 17 in the TNTIZ

Jeremiah 17 in the TOMA

Jeremiah 17 in the TTENT

Jeremiah 17 in the UBG

Jeremiah 17 in the UGV

Jeremiah 17 in the UGV2

Jeremiah 17 in the UGV3

Jeremiah 17 in the VBL

Jeremiah 17 in the VDCC

Jeremiah 17 in the YALU

Jeremiah 17 in the YAPE

Jeremiah 17 in the YBVTP

Jeremiah 17 in the ZBP