Jeremiah 4 (BOSCB)

1 “Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka,dzokai kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyuzvinonyangadza uye mukasarasikazve, 2 kana mukapika muchokwadi,nokururama uye nenzira yakarurama muchiti:‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.” 3 Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema:“Zviundirei gombomurege kudyara pakati peminzwa. 4 Zvidzingisirei kuna Jehovha,dzingisai mwoyo yenyu,imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema,kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto,nokuda kwezvakaipa zvamakaita,iko kupisa kusina angakudzima. 5 “Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti:‘Ridzai hwamanda munyika yose!’Danidzirai nesimba muchiti:‘Unganai pamwe chete!Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’ 6 Simudzai mureza wokuenda kuZioni!Tizai muvande musinganonoki!Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro,iko kuparadza kwakaipisisa.” 7 Shumba yabuda mudenhere rayo;muparadzi wendudzi abuda.Asiya nzvimbo yakekuti aparadze nyika yenyu.Maguta enyu achava matongopasina achagaramo. 8 Naizvozvo pfekai masaga,chemai muungudze,nokuti kutsamwa kwaJehovhakunotyisa hakuna kubva kwatiri. 9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,“mambo namachinda vachaora mwoyo,vaprista vachatyiswa,uye vaprofita vachavhundutswa.” 10 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.” 11 Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingapepeti kana kunatsa; 12 mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.” 13 Tarirai! Ari kuuya samakore,ngoro dzake dzinouya sechamupupuri,mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo,Tine nhamo! Taparara! 14 Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa.Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini? 15 Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani,richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu. 16 “Zivisai izvi kumarudzi,zviparidzei kuJerusarema muchiti:‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure,ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha. 17 Vanorikomba savanhu vakarinda munda,nokuti rakandimukira,’ ”ndizvo zvinotaura Jehovha. 18 “Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisaizvi pamusoro pako.Ichi ndicho chirango chako.Haiwa, zvinovava sei!Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!” 19 Maiwe, kurwadziwa kwangu,kurwadziwa kwangu!Ndiri kubidirika nokurwadziwa.Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu!Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari.Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda;ndanzwa mheremhere yehondo. 20 Njodzi inotevera njodzi;nyika yose yava dongo.Munguva shoma shoma, matende angu aparadzwa,musha wangu nenguva diki diki. 21 Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko,uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko? 22 “Vanhu vangu mapenzi;havandizivi ini.Vana vasina pfungwa;havanzwisisi.Vakangwarira kuita zvakaipa;havazivi kuita zvakanaka.” 23 Ndakatarira nyika,yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu;uye nokumatenga,chiedza chawo chakanga chisisipo. 24 Ndakatarira pamakomo,tarirai, aidengenyeka;zvikomo zvose zvaizeya. 25 Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu;shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure. 26 Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga;maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha,pamberi pehasha dzake dzinotyisa. 27 Zvanzi naJehovha:“Nyika yose ichaparadzwa,kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose. 28 Naizvozvo nyika ichachemauye matenga kumusoro achava rimanokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita,ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.” 29 Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta,maguta ose anotiza.Vamwe vanopinda mumatenhere;vamwe vanokwira pakati pamatombo.Maguta ose asara asina munhu;hapana anogaramo. 30 Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa?Wapfekereiko nguo tsvuku,uye unoshongereiko zvishongo zvegoridhe?Wazorereiko meso ako pendi?Unongozvishongedzera pasina.Zvikomba zvako zvinokushora;zvinotsvaka kukuuraya. 31 Ndiri kunzwa kuchema sekwomukadzi anorwadziwa pakusununguka,kugomera sekwomukadzi opona dangwe rake,kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka,achitambanudza maoko ake achiti,“Maiwe! Ndoziya;upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”

In Other Versions

Jeremiah 4 in the ANGEFD

Jeremiah 4 in the ANTPNG2D

Jeremiah 4 in the AS21

Jeremiah 4 in the BAGH

Jeremiah 4 in the BBPNG

Jeremiah 4 in the BBT1E

Jeremiah 4 in the BDS

Jeremiah 4 in the BEV

Jeremiah 4 in the BHAD

Jeremiah 4 in the BIB

Jeremiah 4 in the BLPT

Jeremiah 4 in the BNT

Jeremiah 4 in the BNTABOOT

Jeremiah 4 in the BNTLV

Jeremiah 4 in the BOATCB

Jeremiah 4 in the BOATCB2

Jeremiah 4 in the BOBCV

Jeremiah 4 in the BOCNT

Jeremiah 4 in the BOECS

Jeremiah 4 in the BOGWICC

Jeremiah 4 in the BOHCB

Jeremiah 4 in the BOHCV

Jeremiah 4 in the BOHLNT

Jeremiah 4 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 4 in the BOICB

Jeremiah 4 in the BOILNTAP

Jeremiah 4 in the BOITCV

Jeremiah 4 in the BOKCV

Jeremiah 4 in the BOKCV2

Jeremiah 4 in the BOKHWOG

Jeremiah 4 in the BOKSSV

Jeremiah 4 in the BOLCB

Jeremiah 4 in the BOLCB2

Jeremiah 4 in the BOMCV

Jeremiah 4 in the BONAV

Jeremiah 4 in the BONCB

Jeremiah 4 in the BONLT

Jeremiah 4 in the BONUT2

Jeremiah 4 in the BOPLNT

Jeremiah 4 in the BOSNC

Jeremiah 4 in the BOTLNT

Jeremiah 4 in the BOVCB

Jeremiah 4 in the BOYCB

Jeremiah 4 in the BPBB

Jeremiah 4 in the BPH

Jeremiah 4 in the BSB

Jeremiah 4 in the CCB

Jeremiah 4 in the CUV

Jeremiah 4 in the CUVS

Jeremiah 4 in the DBT

Jeremiah 4 in the DGDNT

Jeremiah 4 in the DHNT

Jeremiah 4 in the DNT

Jeremiah 4 in the ELBE

Jeremiah 4 in the EMTV

Jeremiah 4 in the ESV

Jeremiah 4 in the FBV

Jeremiah 4 in the FEB

Jeremiah 4 in the GGMNT

Jeremiah 4 in the GNT

Jeremiah 4 in the HARY

Jeremiah 4 in the HNT

Jeremiah 4 in the IRVA

Jeremiah 4 in the IRVB

Jeremiah 4 in the IRVG

Jeremiah 4 in the IRVH

Jeremiah 4 in the IRVK

Jeremiah 4 in the IRVM

Jeremiah 4 in the IRVM2

Jeremiah 4 in the IRVO

Jeremiah 4 in the IRVP

Jeremiah 4 in the IRVT

Jeremiah 4 in the IRVT2

Jeremiah 4 in the IRVU

Jeremiah 4 in the ISVN

Jeremiah 4 in the JSNT

Jeremiah 4 in the KAPI

Jeremiah 4 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 4 in the KBV

Jeremiah 4 in the KJV

Jeremiah 4 in the KNFD

Jeremiah 4 in the LBA

Jeremiah 4 in the LBLA

Jeremiah 4 in the LNT

Jeremiah 4 in the LSV

Jeremiah 4 in the MAAL

Jeremiah 4 in the MBV

Jeremiah 4 in the MBV2

Jeremiah 4 in the MHNT

Jeremiah 4 in the MKNFD

Jeremiah 4 in the MNG

Jeremiah 4 in the MNT

Jeremiah 4 in the MNT2

Jeremiah 4 in the MRS1T

Jeremiah 4 in the NAA

Jeremiah 4 in the NASB

Jeremiah 4 in the NBLA

Jeremiah 4 in the NBS

Jeremiah 4 in the NBVTP

Jeremiah 4 in the NET2

Jeremiah 4 in the NIV11

Jeremiah 4 in the NNT

Jeremiah 4 in the NNT2

Jeremiah 4 in the NNT3

Jeremiah 4 in the PDDPT

Jeremiah 4 in the PFNT

Jeremiah 4 in the RMNT

Jeremiah 4 in the SBIAS

Jeremiah 4 in the SBIBS

Jeremiah 4 in the SBIBS2

Jeremiah 4 in the SBICS

Jeremiah 4 in the SBIDS

Jeremiah 4 in the SBIGS

Jeremiah 4 in the SBIHS

Jeremiah 4 in the SBIIS

Jeremiah 4 in the SBIIS2

Jeremiah 4 in the SBIIS3

Jeremiah 4 in the SBIKS

Jeremiah 4 in the SBIKS2

Jeremiah 4 in the SBIMS

Jeremiah 4 in the SBIOS

Jeremiah 4 in the SBIPS

Jeremiah 4 in the SBISS

Jeremiah 4 in the SBITS

Jeremiah 4 in the SBITS2

Jeremiah 4 in the SBITS3

Jeremiah 4 in the SBITS4

Jeremiah 4 in the SBIUS

Jeremiah 4 in the SBIVS

Jeremiah 4 in the SBT

Jeremiah 4 in the SBT1E

Jeremiah 4 in the SCHL

Jeremiah 4 in the SNT

Jeremiah 4 in the SUSU

Jeremiah 4 in the SUSU2

Jeremiah 4 in the SYNO

Jeremiah 4 in the TBIAOTANT

Jeremiah 4 in the TBT1E

Jeremiah 4 in the TBT1E2

Jeremiah 4 in the TFTIP

Jeremiah 4 in the TFTU

Jeremiah 4 in the TGNTATF3T

Jeremiah 4 in the THAI

Jeremiah 4 in the TNFD

Jeremiah 4 in the TNT

Jeremiah 4 in the TNTIK

Jeremiah 4 in the TNTIL

Jeremiah 4 in the TNTIN

Jeremiah 4 in the TNTIP

Jeremiah 4 in the TNTIZ

Jeremiah 4 in the TOMA

Jeremiah 4 in the TTENT

Jeremiah 4 in the UBG

Jeremiah 4 in the UGV

Jeremiah 4 in the UGV2

Jeremiah 4 in the UGV3

Jeremiah 4 in the VBL

Jeremiah 4 in the VDCC

Jeremiah 4 in the YALU

Jeremiah 4 in the YAPE

Jeremiah 4 in the YBVTP

Jeremiah 4 in the ZBP