Matthew 10 (BOSCB)

1 Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha. 2 Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea;Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani; 3 Firipi naBhatoromeo;Tomasi naMateo muteresi;Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo; 4 Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira. 5 Jesu akatuma gumi navaviri ava, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yeveDzimwe Ndudzi kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria. 6 Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. 7 Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ 8 Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo. 9 Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; 10 musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake. 11 “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. 12 Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. 13 Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. 14 Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. 15 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro. 16 Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva. 17 “Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. 18 Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi. 19 Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, 20 nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri. 21 “Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. 22 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. 23 Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka. 24 “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake. 25 Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake! 26 “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi. 27 Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba. 28 Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. 29 Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. 30 Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. 31 Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji. 32 “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. 33 Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. 34 “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. 35 Ndakauya kuti:“ ‘mwanakomana apesane nababa vake,mwanasikana apesane namai vake,muroora apesane navamwene vake, 36 vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’ 37 “Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. 38 Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu. 39 Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. 40 “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma. 41 Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama. 42 Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”

In Other Versions

Matthew 10 in the ANGEFD

Matthew 10 in the ANTPNG2D

Matthew 10 in the AS21

Matthew 10 in the BAGH

Matthew 10 in the BBPNG

Matthew 10 in the BBT1E

Matthew 10 in the BDS

Matthew 10 in the BEV

Matthew 10 in the BHAD

Matthew 10 in the BIB

Matthew 10 in the BLPT

Matthew 10 in the BNT

Matthew 10 in the BNTABOOT

Matthew 10 in the BNTLV

Matthew 10 in the BOATCB

Matthew 10 in the BOATCB2

Matthew 10 in the BOBCV

Matthew 10 in the BOCNT

Matthew 10 in the BOECS

Matthew 10 in the BOGWICC

Matthew 10 in the BOHCB

Matthew 10 in the BOHCV

Matthew 10 in the BOHLNT

Matthew 10 in the BOHNTLTAL

Matthew 10 in the BOICB

Matthew 10 in the BOILNTAP

Matthew 10 in the BOITCV

Matthew 10 in the BOKCV

Matthew 10 in the BOKCV2

Matthew 10 in the BOKHWOG

Matthew 10 in the BOKSSV

Matthew 10 in the BOLCB

Matthew 10 in the BOLCB2

Matthew 10 in the BOMCV

Matthew 10 in the BONAV

Matthew 10 in the BONCB

Matthew 10 in the BONLT

Matthew 10 in the BONUT2

Matthew 10 in the BOPLNT

Matthew 10 in the BOSNC

Matthew 10 in the BOTLNT

Matthew 10 in the BOVCB

Matthew 10 in the BOYCB

Matthew 10 in the BPBB

Matthew 10 in the BPH

Matthew 10 in the BSB

Matthew 10 in the CCB

Matthew 10 in the CUV

Matthew 10 in the CUVS

Matthew 10 in the DBT

Matthew 10 in the DGDNT

Matthew 10 in the DHNT

Matthew 10 in the DNT

Matthew 10 in the ELBE

Matthew 10 in the EMTV

Matthew 10 in the ESV

Matthew 10 in the FBV

Matthew 10 in the FEB

Matthew 10 in the GGMNT

Matthew 10 in the GNT

Matthew 10 in the HARY

Matthew 10 in the HNT

Matthew 10 in the IRVA

Matthew 10 in the IRVB

Matthew 10 in the IRVG

Matthew 10 in the IRVH

Matthew 10 in the IRVK

Matthew 10 in the IRVM

Matthew 10 in the IRVM2

Matthew 10 in the IRVO

Matthew 10 in the IRVP

Matthew 10 in the IRVT

Matthew 10 in the IRVT2

Matthew 10 in the IRVU

Matthew 10 in the ISVN

Matthew 10 in the JSNT

Matthew 10 in the KAPI

Matthew 10 in the KBT1ETNIK

Matthew 10 in the KBV

Matthew 10 in the KJV

Matthew 10 in the KNFD

Matthew 10 in the LBA

Matthew 10 in the LBLA

Matthew 10 in the LNT

Matthew 10 in the LSV

Matthew 10 in the MAAL

Matthew 10 in the MBV

Matthew 10 in the MBV2

Matthew 10 in the MHNT

Matthew 10 in the MKNFD

Matthew 10 in the MNG

Matthew 10 in the MNT

Matthew 10 in the MNT2

Matthew 10 in the MRS1T

Matthew 10 in the NAA

Matthew 10 in the NASB

Matthew 10 in the NBLA

Matthew 10 in the NBS

Matthew 10 in the NBVTP

Matthew 10 in the NET2

Matthew 10 in the NIV11

Matthew 10 in the NNT

Matthew 10 in the NNT2

Matthew 10 in the NNT3

Matthew 10 in the PDDPT

Matthew 10 in the PFNT

Matthew 10 in the RMNT

Matthew 10 in the SBIAS

Matthew 10 in the SBIBS

Matthew 10 in the SBIBS2

Matthew 10 in the SBICS

Matthew 10 in the SBIDS

Matthew 10 in the SBIGS

Matthew 10 in the SBIHS

Matthew 10 in the SBIIS

Matthew 10 in the SBIIS2

Matthew 10 in the SBIIS3

Matthew 10 in the SBIKS

Matthew 10 in the SBIKS2

Matthew 10 in the SBIMS

Matthew 10 in the SBIOS

Matthew 10 in the SBIPS

Matthew 10 in the SBISS

Matthew 10 in the SBITS

Matthew 10 in the SBITS2

Matthew 10 in the SBITS3

Matthew 10 in the SBITS4

Matthew 10 in the SBIUS

Matthew 10 in the SBIVS

Matthew 10 in the SBT

Matthew 10 in the SBT1E

Matthew 10 in the SCHL

Matthew 10 in the SNT

Matthew 10 in the SUSU

Matthew 10 in the SUSU2

Matthew 10 in the SYNO

Matthew 10 in the TBIAOTANT

Matthew 10 in the TBT1E

Matthew 10 in the TBT1E2

Matthew 10 in the TFTIP

Matthew 10 in the TFTU

Matthew 10 in the TGNTATF3T

Matthew 10 in the THAI

Matthew 10 in the TNFD

Matthew 10 in the TNT

Matthew 10 in the TNTIK

Matthew 10 in the TNTIL

Matthew 10 in the TNTIN

Matthew 10 in the TNTIP

Matthew 10 in the TNTIZ

Matthew 10 in the TOMA

Matthew 10 in the TTENT

Matthew 10 in the UBG

Matthew 10 in the UGV

Matthew 10 in the UGV2

Matthew 10 in the UGV3

Matthew 10 in the VBL

Matthew 10 in the VDCC

Matthew 10 in the YALU

Matthew 10 in the YAPE

Matthew 10 in the YBVTP

Matthew 10 in the ZBP