Matthew 14 (BOSCB)
1 Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu 2 uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.” 3 Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, mununʼuna wake, 4 sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” 5 Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita. 6 Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo, 7 zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira. 8 Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” 9 Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari, 10 ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. 11 Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake. 12 Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu. 13 Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta. 14 Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo. 15 Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” 16 Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.” 17 Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.” 18 Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” 19 Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. 20 Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. 21 Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana. 22 Pakarepo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava. 23 Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga, 24 asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro. 25 Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. 26 Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!” 27 Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!” 28 Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.” 29 Iye akati, “Uya.”Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu. 30 Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” 31 Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?” 32 Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara. 33 Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.” 34 Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti. 35 Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari 36 vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.
In Other Versions
Matthew 14 in the ANGEFD
Matthew 14 in the ANTPNG2D
Matthew 14 in the AS21
Matthew 14 in the BAGH
Matthew 14 in the BBPNG
Matthew 14 in the BBT1E
Matthew 14 in the BDS
Matthew 14 in the BEV
Matthew 14 in the BHAD
Matthew 14 in the BIB
Matthew 14 in the BLPT
Matthew 14 in the BNT
Matthew 14 in the BNTABOOT
Matthew 14 in the BNTLV
Matthew 14 in the BOATCB
Matthew 14 in the BOATCB2
Matthew 14 in the BOBCV
Matthew 14 in the BOCNT
Matthew 14 in the BOECS
Matthew 14 in the BOGWICC
Matthew 14 in the BOHCB
Matthew 14 in the BOHCV
Matthew 14 in the BOHLNT
Matthew 14 in the BOHNTLTAL
Matthew 14 in the BOICB
Matthew 14 in the BOILNTAP
Matthew 14 in the BOITCV
Matthew 14 in the BOKCV
Matthew 14 in the BOKCV2
Matthew 14 in the BOKHWOG
Matthew 14 in the BOKSSV
Matthew 14 in the BOLCB
Matthew 14 in the BOLCB2
Matthew 14 in the BOMCV
Matthew 14 in the BONAV
Matthew 14 in the BONCB
Matthew 14 in the BONLT
Matthew 14 in the BONUT2
Matthew 14 in the BOPLNT
Matthew 14 in the BOSNC
Matthew 14 in the BOTLNT
Matthew 14 in the BOVCB
Matthew 14 in the BOYCB
Matthew 14 in the BPBB
Matthew 14 in the BPH
Matthew 14 in the BSB
Matthew 14 in the CCB
Matthew 14 in the CUV
Matthew 14 in the CUVS
Matthew 14 in the DBT
Matthew 14 in the DGDNT
Matthew 14 in the DHNT
Matthew 14 in the DNT
Matthew 14 in the ELBE
Matthew 14 in the EMTV
Matthew 14 in the ESV
Matthew 14 in the FBV
Matthew 14 in the FEB
Matthew 14 in the GGMNT
Matthew 14 in the GNT
Matthew 14 in the HARY
Matthew 14 in the HNT
Matthew 14 in the IRVA
Matthew 14 in the IRVB
Matthew 14 in the IRVG
Matthew 14 in the IRVH
Matthew 14 in the IRVK
Matthew 14 in the IRVM
Matthew 14 in the IRVM2
Matthew 14 in the IRVO
Matthew 14 in the IRVP
Matthew 14 in the IRVT
Matthew 14 in the IRVT2
Matthew 14 in the IRVU
Matthew 14 in the ISVN
Matthew 14 in the JSNT
Matthew 14 in the KAPI
Matthew 14 in the KBT1ETNIK
Matthew 14 in the KBV
Matthew 14 in the KJV
Matthew 14 in the KNFD
Matthew 14 in the LBA
Matthew 14 in the LBLA
Matthew 14 in the LNT
Matthew 14 in the LSV
Matthew 14 in the MAAL
Matthew 14 in the MBV
Matthew 14 in the MBV2
Matthew 14 in the MHNT
Matthew 14 in the MKNFD
Matthew 14 in the MNG
Matthew 14 in the MNT
Matthew 14 in the MNT2
Matthew 14 in the MRS1T
Matthew 14 in the NAA
Matthew 14 in the NASB
Matthew 14 in the NBLA
Matthew 14 in the NBS
Matthew 14 in the NBVTP
Matthew 14 in the NET2
Matthew 14 in the NIV11
Matthew 14 in the NNT
Matthew 14 in the NNT2
Matthew 14 in the NNT3
Matthew 14 in the PDDPT
Matthew 14 in the PFNT
Matthew 14 in the RMNT
Matthew 14 in the SBIAS
Matthew 14 in the SBIBS
Matthew 14 in the SBIBS2
Matthew 14 in the SBICS
Matthew 14 in the SBIDS
Matthew 14 in the SBIGS
Matthew 14 in the SBIHS
Matthew 14 in the SBIIS
Matthew 14 in the SBIIS2
Matthew 14 in the SBIIS3
Matthew 14 in the SBIKS
Matthew 14 in the SBIKS2
Matthew 14 in the SBIMS
Matthew 14 in the SBIOS
Matthew 14 in the SBIPS
Matthew 14 in the SBISS
Matthew 14 in the SBITS
Matthew 14 in the SBITS2
Matthew 14 in the SBITS3
Matthew 14 in the SBITS4
Matthew 14 in the SBIUS
Matthew 14 in the SBIVS
Matthew 14 in the SBT
Matthew 14 in the SBT1E
Matthew 14 in the SCHL
Matthew 14 in the SNT
Matthew 14 in the SUSU
Matthew 14 in the SUSU2
Matthew 14 in the SYNO
Matthew 14 in the TBIAOTANT
Matthew 14 in the TBT1E
Matthew 14 in the TBT1E2
Matthew 14 in the TFTIP
Matthew 14 in the TFTU
Matthew 14 in the TGNTATF3T
Matthew 14 in the THAI
Matthew 14 in the TNFD
Matthew 14 in the TNT
Matthew 14 in the TNTIK
Matthew 14 in the TNTIL
Matthew 14 in the TNTIN
Matthew 14 in the TNTIP
Matthew 14 in the TNTIZ
Matthew 14 in the TOMA
Matthew 14 in the TTENT
Matthew 14 in the UBG
Matthew 14 in the UGV
Matthew 14 in the UGV2
Matthew 14 in the UGV3
Matthew 14 in the VBL
Matthew 14 in the VDCC
Matthew 14 in the YALU
Matthew 14 in the YAPE
Matthew 14 in the YBVTP
Matthew 14 in the ZBP