Matthew 20 (BOSCB)

1 “Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwanani-ngwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. 2 Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa. 3 “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita. 4 Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’ 5 Saka vakaenda.“Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo. 6 Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’ 7 “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’“Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’ 8 “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’ 9 “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari. 10 Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari. 11 Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda. 12 Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’ 13 “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here? 14 Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa. 15 Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’ 16 “Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.” 17 Zvino Jesu paakanga achikwira kuenda kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari, 18 “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu 19 uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!” 20 Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro. 21 Akabvunza akati, “Munodeiko?”Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.” 22 Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?”Vakapindura vachiti, “Tinogona.” 23 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.” 24 Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomununʼuna ava. 25 Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi veveDzimwe Ndudzi vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo. 26 Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, 27 uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, 28 sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” 29 Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera. 30 Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” 31 Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” 32 Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitireiko?” 33 Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.” 34 Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.

In Other Versions

Matthew 20 in the ANGEFD

Matthew 20 in the ANTPNG2D

Matthew 20 in the AS21

Matthew 20 in the BAGH

Matthew 20 in the BBPNG

Matthew 20 in the BBT1E

Matthew 20 in the BDS

Matthew 20 in the BEV

Matthew 20 in the BHAD

Matthew 20 in the BIB

Matthew 20 in the BLPT

Matthew 20 in the BNT

Matthew 20 in the BNTABOOT

Matthew 20 in the BNTLV

Matthew 20 in the BOATCB

Matthew 20 in the BOATCB2

Matthew 20 in the BOBCV

Matthew 20 in the BOCNT

Matthew 20 in the BOECS

Matthew 20 in the BOGWICC

Matthew 20 in the BOHCB

Matthew 20 in the BOHCV

Matthew 20 in the BOHLNT

Matthew 20 in the BOHNTLTAL

Matthew 20 in the BOICB

Matthew 20 in the BOILNTAP

Matthew 20 in the BOITCV

Matthew 20 in the BOKCV

Matthew 20 in the BOKCV2

Matthew 20 in the BOKHWOG

Matthew 20 in the BOKSSV

Matthew 20 in the BOLCB

Matthew 20 in the BOLCB2

Matthew 20 in the BOMCV

Matthew 20 in the BONAV

Matthew 20 in the BONCB

Matthew 20 in the BONLT

Matthew 20 in the BONUT2

Matthew 20 in the BOPLNT

Matthew 20 in the BOSNC

Matthew 20 in the BOTLNT

Matthew 20 in the BOVCB

Matthew 20 in the BOYCB

Matthew 20 in the BPBB

Matthew 20 in the BPH

Matthew 20 in the BSB

Matthew 20 in the CCB

Matthew 20 in the CUV

Matthew 20 in the CUVS

Matthew 20 in the DBT

Matthew 20 in the DGDNT

Matthew 20 in the DHNT

Matthew 20 in the DNT

Matthew 20 in the ELBE

Matthew 20 in the EMTV

Matthew 20 in the ESV

Matthew 20 in the FBV

Matthew 20 in the FEB

Matthew 20 in the GGMNT

Matthew 20 in the GNT

Matthew 20 in the HARY

Matthew 20 in the HNT

Matthew 20 in the IRVA

Matthew 20 in the IRVB

Matthew 20 in the IRVG

Matthew 20 in the IRVH

Matthew 20 in the IRVK

Matthew 20 in the IRVM

Matthew 20 in the IRVM2

Matthew 20 in the IRVO

Matthew 20 in the IRVP

Matthew 20 in the IRVT

Matthew 20 in the IRVT2

Matthew 20 in the IRVU

Matthew 20 in the ISVN

Matthew 20 in the JSNT

Matthew 20 in the KAPI

Matthew 20 in the KBT1ETNIK

Matthew 20 in the KBV

Matthew 20 in the KJV

Matthew 20 in the KNFD

Matthew 20 in the LBA

Matthew 20 in the LBLA

Matthew 20 in the LNT

Matthew 20 in the LSV

Matthew 20 in the MAAL

Matthew 20 in the MBV

Matthew 20 in the MBV2

Matthew 20 in the MHNT

Matthew 20 in the MKNFD

Matthew 20 in the MNG

Matthew 20 in the MNT

Matthew 20 in the MNT2

Matthew 20 in the MRS1T

Matthew 20 in the NAA

Matthew 20 in the NASB

Matthew 20 in the NBLA

Matthew 20 in the NBS

Matthew 20 in the NBVTP

Matthew 20 in the NET2

Matthew 20 in the NIV11

Matthew 20 in the NNT

Matthew 20 in the NNT2

Matthew 20 in the NNT3

Matthew 20 in the PDDPT

Matthew 20 in the PFNT

Matthew 20 in the RMNT

Matthew 20 in the SBIAS

Matthew 20 in the SBIBS

Matthew 20 in the SBIBS2

Matthew 20 in the SBICS

Matthew 20 in the SBIDS

Matthew 20 in the SBIGS

Matthew 20 in the SBIHS

Matthew 20 in the SBIIS

Matthew 20 in the SBIIS2

Matthew 20 in the SBIIS3

Matthew 20 in the SBIKS

Matthew 20 in the SBIKS2

Matthew 20 in the SBIMS

Matthew 20 in the SBIOS

Matthew 20 in the SBIPS

Matthew 20 in the SBISS

Matthew 20 in the SBITS

Matthew 20 in the SBITS2

Matthew 20 in the SBITS3

Matthew 20 in the SBITS4

Matthew 20 in the SBIUS

Matthew 20 in the SBIVS

Matthew 20 in the SBT

Matthew 20 in the SBT1E

Matthew 20 in the SCHL

Matthew 20 in the SNT

Matthew 20 in the SUSU

Matthew 20 in the SUSU2

Matthew 20 in the SYNO

Matthew 20 in the TBIAOTANT

Matthew 20 in the TBT1E

Matthew 20 in the TBT1E2

Matthew 20 in the TFTIP

Matthew 20 in the TFTU

Matthew 20 in the TGNTATF3T

Matthew 20 in the THAI

Matthew 20 in the TNFD

Matthew 20 in the TNT

Matthew 20 in the TNTIK

Matthew 20 in the TNTIL

Matthew 20 in the TNTIN

Matthew 20 in the TNTIP

Matthew 20 in the TNTIZ

Matthew 20 in the TOMA

Matthew 20 in the TTENT

Matthew 20 in the UBG

Matthew 20 in the UGV

Matthew 20 in the UGV2

Matthew 20 in the UGV3

Matthew 20 in the VBL

Matthew 20 in the VDCC

Matthew 20 in the YALU

Matthew 20 in the YAPE

Matthew 20 in the YBVTP

Matthew 20 in the ZBP