Matthew 27 (BOSCB)

1 Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe. 2 Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati. 3 Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru. 4 Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.”Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.” 5 Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira. 6 Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.” 7 Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa. 8 Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi. 9 Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri, 10 uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.” 11 Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.” 12 Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura. 13 Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?” 14 Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo. 15 Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji. 16 Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi. 17 Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?” 18 Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo. 19 Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.” 20 Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe. 21 Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?”Vakapindura vakati, “Bharabhasi!” 22 Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” 23 Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?”Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” 24 Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.” 25 Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.” 26 Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa. 27 Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari. 28 Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. 29 Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” 30 Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda. 31 Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. 32 Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. 33 Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). 34 Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. 35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. 36 Uye vakagara pasi, vakamurinda. 37 Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” 38 Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. 39 Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo 40 uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!” 41 Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti, 42 “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari. 43 Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” 44 Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo. 45 Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose. 46 Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?” 47 Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.” 48 Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe. 49 Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.” 50 Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. 51 Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. 52 Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. 53 Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji. 54 Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!” 55 Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida. 56 Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi. 57 Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu. 58 Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe. 59 Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena, 60 akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda. 61 Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva. 62 Mangwana acho, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato. 63 Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’ 64 Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kubva kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.” 65 Pirato akapindura akati, “Torai, varindi. Endai, mundochengetedza guva iroro semaziviro enyu.” 66 Saka vakaenda vakandoita kuti richengetedzwe nokuisa chisimbiso pabwe, uye nokuisa varindi.

In Other Versions

Matthew 27 in the ANGEFD

Matthew 27 in the ANTPNG2D

Matthew 27 in the AS21

Matthew 27 in the BAGH

Matthew 27 in the BBPNG

Matthew 27 in the BBT1E

Matthew 27 in the BDS

Matthew 27 in the BEV

Matthew 27 in the BHAD

Matthew 27 in the BIB

Matthew 27 in the BLPT

Matthew 27 in the BNT

Matthew 27 in the BNTABOOT

Matthew 27 in the BNTLV

Matthew 27 in the BOATCB

Matthew 27 in the BOATCB2

Matthew 27 in the BOBCV

Matthew 27 in the BOCNT

Matthew 27 in the BOECS

Matthew 27 in the BOGWICC

Matthew 27 in the BOHCB

Matthew 27 in the BOHCV

Matthew 27 in the BOHLNT

Matthew 27 in the BOHNTLTAL

Matthew 27 in the BOICB

Matthew 27 in the BOILNTAP

Matthew 27 in the BOITCV

Matthew 27 in the BOKCV

Matthew 27 in the BOKCV2

Matthew 27 in the BOKHWOG

Matthew 27 in the BOKSSV

Matthew 27 in the BOLCB

Matthew 27 in the BOLCB2

Matthew 27 in the BOMCV

Matthew 27 in the BONAV

Matthew 27 in the BONCB

Matthew 27 in the BONLT

Matthew 27 in the BONUT2

Matthew 27 in the BOPLNT

Matthew 27 in the BOSNC

Matthew 27 in the BOTLNT

Matthew 27 in the BOVCB

Matthew 27 in the BOYCB

Matthew 27 in the BPBB

Matthew 27 in the BPH

Matthew 27 in the BSB

Matthew 27 in the CCB

Matthew 27 in the CUV

Matthew 27 in the CUVS

Matthew 27 in the DBT

Matthew 27 in the DGDNT

Matthew 27 in the DHNT

Matthew 27 in the DNT

Matthew 27 in the ELBE

Matthew 27 in the EMTV

Matthew 27 in the ESV

Matthew 27 in the FBV

Matthew 27 in the FEB

Matthew 27 in the GGMNT

Matthew 27 in the GNT

Matthew 27 in the HARY

Matthew 27 in the HNT

Matthew 27 in the IRVA

Matthew 27 in the IRVB

Matthew 27 in the IRVG

Matthew 27 in the IRVH

Matthew 27 in the IRVK

Matthew 27 in the IRVM

Matthew 27 in the IRVM2

Matthew 27 in the IRVO

Matthew 27 in the IRVP

Matthew 27 in the IRVT

Matthew 27 in the IRVT2

Matthew 27 in the IRVU

Matthew 27 in the ISVN

Matthew 27 in the JSNT

Matthew 27 in the KAPI

Matthew 27 in the KBT1ETNIK

Matthew 27 in the KBV

Matthew 27 in the KJV

Matthew 27 in the KNFD

Matthew 27 in the LBA

Matthew 27 in the LBLA

Matthew 27 in the LNT

Matthew 27 in the LSV

Matthew 27 in the MAAL

Matthew 27 in the MBV

Matthew 27 in the MBV2

Matthew 27 in the MHNT

Matthew 27 in the MKNFD

Matthew 27 in the MNG

Matthew 27 in the MNT

Matthew 27 in the MNT2

Matthew 27 in the MRS1T

Matthew 27 in the NAA

Matthew 27 in the NASB

Matthew 27 in the NBLA

Matthew 27 in the NBS

Matthew 27 in the NBVTP

Matthew 27 in the NET2

Matthew 27 in the NIV11

Matthew 27 in the NNT

Matthew 27 in the NNT2

Matthew 27 in the NNT3

Matthew 27 in the PDDPT

Matthew 27 in the PFNT

Matthew 27 in the RMNT

Matthew 27 in the SBIAS

Matthew 27 in the SBIBS

Matthew 27 in the SBIBS2

Matthew 27 in the SBICS

Matthew 27 in the SBIDS

Matthew 27 in the SBIGS

Matthew 27 in the SBIHS

Matthew 27 in the SBIIS

Matthew 27 in the SBIIS2

Matthew 27 in the SBIIS3

Matthew 27 in the SBIKS

Matthew 27 in the SBIKS2

Matthew 27 in the SBIMS

Matthew 27 in the SBIOS

Matthew 27 in the SBIPS

Matthew 27 in the SBISS

Matthew 27 in the SBITS

Matthew 27 in the SBITS2

Matthew 27 in the SBITS3

Matthew 27 in the SBITS4

Matthew 27 in the SBIUS

Matthew 27 in the SBIVS

Matthew 27 in the SBT

Matthew 27 in the SBT1E

Matthew 27 in the SCHL

Matthew 27 in the SNT

Matthew 27 in the SUSU

Matthew 27 in the SUSU2

Matthew 27 in the SYNO

Matthew 27 in the TBIAOTANT

Matthew 27 in the TBT1E

Matthew 27 in the TBT1E2

Matthew 27 in the TFTIP

Matthew 27 in the TFTU

Matthew 27 in the TGNTATF3T

Matthew 27 in the THAI

Matthew 27 in the TNFD

Matthew 27 in the TNT

Matthew 27 in the TNTIK

Matthew 27 in the TNTIL

Matthew 27 in the TNTIN

Matthew 27 in the TNTIP

Matthew 27 in the TNTIZ

Matthew 27 in the TOMA

Matthew 27 in the TTENT

Matthew 27 in the UBG

Matthew 27 in the UGV

Matthew 27 in the UGV2

Matthew 27 in the UGV3

Matthew 27 in the VBL

Matthew 27 in the VDCC

Matthew 27 in the YALU

Matthew 27 in the YAPE

Matthew 27 in the YBVTP

Matthew 27 in the ZBP