Numbers 23 (BOSCB)
1 Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondobwe manomwe.” 2 Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe. 3 Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu. 4 Mwari akasangana naye, Bharamu akati, “Ndagadzira aritari nomwe uye paaritari imwe neimwe ndabayira hando negondobwe.” 5 Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kwaari shoko iri.” 6 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda ose eMoabhu. 7 Ipapo Bharamu akataura chirevo chake akati:“Bharaki akanditora kubva kuAramu,iye mambo weMoabhu kubva kumakomo okumabvazuva. Akati,‘Uya unditukirewo Jakobho;uya, utsoropodze Israeri.’ 8 Ndingatuka seikoavo vasina kutukwa naMwari?Ndingatsoropodza seikoavo vasina kutsoropodzwa naJehovha? 9 Ndiri pamusoro pamatombo, ndinovaona,ndiri pakakwirira, ndinovaona.Ndinoona vanhu vanogara vari vogauye havazviverengi pakati pendudzi. 10 Ndianiko angaverenga guruva raJakobhokana kuverenga chikamu chechina chaIsraeri?Regai ndife rufu rwowakarurama,uye kuguma kwangu ngakuve sokwavo!” 11 Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!” 12 Iye akapindura akati, “Ko, handifaniri kuti nditaure zvaiswa mumuromo mangu naJehovha here?” 13 Ipapo Bharaki akati kwaari, “Uya uende neni kune imwe nzvimbo yaunogona kuvaona; uchangoona chikamu chavo asi kwete vose. Uye uri ipapo ugonditukira vanhu ava.” 14 Saka akamutora akaenda naye kumunda waZofimi pamusoro pePisiga, uye akavaka aritari nomwe ipapo akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe. 15 Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano iwe parutivi rwechipiriso chako ini ndichindosangana naye uko.” 16 Jehovha akasangana naBharamu akaisa shoko mumuromo make akati, “Dzokera kuna Bharaki undotaura mashoko aya.” 17 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?” 18 Ipapo akataura chirevo chake akati:“Simuka, Bharaki, uye uteerere;ndinzwe, iwe mwanakomana waZipori. 19 Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema,uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake.Ko, anotaura akasazviita here?Anovimbisa akasazadzisa here? 20 Ndakagamuchira murayiro wokuti ndiropafadze;iye aropafadza, uye ini handigoni kuzvishandura. 21 “Haana kuona chakaipa kuna Jakobho,hapana chakashata chakaonekwa muIsraeri.Jehovha Mwari wavo anavo;kudanidzira kwaMambo kuri pakati pavo. 22 Mwari akavabudisa muIjipiti;vane simba renyati. 23 Hapana unʼanga hungarwa naJakobho,hapana kuvuka kunorwa naIsraeri.Zvino zvichanzi pamusoro paJakobho,napamusoro paIsraeri, ‘Tarirai zvaitwa naMwari!’ 24 Vanhu vanosimuka seshumba hadzi;vanozvisimudza seshumbaisingazorori kusvikira yadya chayaurayauye igonwa ropa rezvayabata.” 25 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatombovatuka kana kuvaropafadza napaduku!” 26 Asi Bharamu akapindura akati, “Handina kukuudza here kuti ndinofanira kuita zvose zvinotaurwa naJehovha?” 27 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya, ndiende newe kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari achafara nazvo kuti unditukire vanhu ava ikoko.” 28 Saka Bharaki akatora Bharamu akakwira naye pamusoro pePeori pakatarisana nerenje. 29 Bharamu akati, “Ndivakire aritari nomwe pano, ugogadzira hando nomwe namakondobwe manomwe.” 30 Bharaki akaita sezvakanga zvataurwa naBharamu, akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.
In Other Versions
Numbers 23 in the ANGEFD
Numbers 23 in the ANTPNG2D
Numbers 23 in the AS21
Numbers 23 in the BAGH
Numbers 23 in the BBPNG
Numbers 23 in the BBT1E
Numbers 23 in the BDS
Numbers 23 in the BEV
Numbers 23 in the BHAD
Numbers 23 in the BIB
Numbers 23 in the BLPT
Numbers 23 in the BNT
Numbers 23 in the BNTABOOT
Numbers 23 in the BNTLV
Numbers 23 in the BOATCB
Numbers 23 in the BOATCB2
Numbers 23 in the BOBCV
Numbers 23 in the BOCNT
Numbers 23 in the BOECS
Numbers 23 in the BOGWICC
Numbers 23 in the BOHCB
Numbers 23 in the BOHCV
Numbers 23 in the BOHLNT
Numbers 23 in the BOHNTLTAL
Numbers 23 in the BOICB
Numbers 23 in the BOILNTAP
Numbers 23 in the BOITCV
Numbers 23 in the BOKCV
Numbers 23 in the BOKCV2
Numbers 23 in the BOKHWOG
Numbers 23 in the BOKSSV
Numbers 23 in the BOLCB
Numbers 23 in the BOLCB2
Numbers 23 in the BOMCV
Numbers 23 in the BONAV
Numbers 23 in the BONCB
Numbers 23 in the BONLT
Numbers 23 in the BONUT2
Numbers 23 in the BOPLNT
Numbers 23 in the BOSNC
Numbers 23 in the BOTLNT
Numbers 23 in the BOVCB
Numbers 23 in the BOYCB
Numbers 23 in the BPBB
Numbers 23 in the BPH
Numbers 23 in the BSB
Numbers 23 in the CCB
Numbers 23 in the CUV
Numbers 23 in the CUVS
Numbers 23 in the DBT
Numbers 23 in the DGDNT
Numbers 23 in the DHNT
Numbers 23 in the DNT
Numbers 23 in the ELBE
Numbers 23 in the EMTV
Numbers 23 in the ESV
Numbers 23 in the FBV
Numbers 23 in the FEB
Numbers 23 in the GGMNT
Numbers 23 in the GNT
Numbers 23 in the HARY
Numbers 23 in the HNT
Numbers 23 in the IRVA
Numbers 23 in the IRVB
Numbers 23 in the IRVG
Numbers 23 in the IRVH
Numbers 23 in the IRVK
Numbers 23 in the IRVM
Numbers 23 in the IRVM2
Numbers 23 in the IRVO
Numbers 23 in the IRVP
Numbers 23 in the IRVT
Numbers 23 in the IRVT2
Numbers 23 in the IRVU
Numbers 23 in the ISVN
Numbers 23 in the JSNT
Numbers 23 in the KAPI
Numbers 23 in the KBT1ETNIK
Numbers 23 in the KBV
Numbers 23 in the KJV
Numbers 23 in the KNFD
Numbers 23 in the LBA
Numbers 23 in the LBLA
Numbers 23 in the LNT
Numbers 23 in the LSV
Numbers 23 in the MAAL
Numbers 23 in the MBV
Numbers 23 in the MBV2
Numbers 23 in the MHNT
Numbers 23 in the MKNFD
Numbers 23 in the MNG
Numbers 23 in the MNT
Numbers 23 in the MNT2
Numbers 23 in the MRS1T
Numbers 23 in the NAA
Numbers 23 in the NASB
Numbers 23 in the NBLA
Numbers 23 in the NBS
Numbers 23 in the NBVTP
Numbers 23 in the NET2
Numbers 23 in the NIV11
Numbers 23 in the NNT
Numbers 23 in the NNT2
Numbers 23 in the NNT3
Numbers 23 in the PDDPT
Numbers 23 in the PFNT
Numbers 23 in the RMNT
Numbers 23 in the SBIAS
Numbers 23 in the SBIBS
Numbers 23 in the SBIBS2
Numbers 23 in the SBICS
Numbers 23 in the SBIDS
Numbers 23 in the SBIGS
Numbers 23 in the SBIHS
Numbers 23 in the SBIIS
Numbers 23 in the SBIIS2
Numbers 23 in the SBIIS3
Numbers 23 in the SBIKS
Numbers 23 in the SBIKS2
Numbers 23 in the SBIMS
Numbers 23 in the SBIOS
Numbers 23 in the SBIPS
Numbers 23 in the SBISS
Numbers 23 in the SBITS
Numbers 23 in the SBITS2
Numbers 23 in the SBITS3
Numbers 23 in the SBITS4
Numbers 23 in the SBIUS
Numbers 23 in the SBIVS
Numbers 23 in the SBT
Numbers 23 in the SBT1E
Numbers 23 in the SCHL
Numbers 23 in the SNT
Numbers 23 in the SUSU
Numbers 23 in the SUSU2
Numbers 23 in the SYNO
Numbers 23 in the TBIAOTANT
Numbers 23 in the TBT1E
Numbers 23 in the TBT1E2
Numbers 23 in the TFTIP
Numbers 23 in the TFTU
Numbers 23 in the TGNTATF3T
Numbers 23 in the THAI
Numbers 23 in the TNFD
Numbers 23 in the TNT
Numbers 23 in the TNTIK
Numbers 23 in the TNTIL
Numbers 23 in the TNTIN
Numbers 23 in the TNTIP
Numbers 23 in the TNTIZ
Numbers 23 in the TOMA
Numbers 23 in the TTENT
Numbers 23 in the UBG
Numbers 23 in the UGV
Numbers 23 in the UGV2
Numbers 23 in the UGV3
Numbers 23 in the VBL
Numbers 23 in the VDCC
Numbers 23 in the YALU
Numbers 23 in the YAPE
Numbers 23 in the YBVTP
Numbers 23 in the ZBP